Isaya 46
46
Vamwari vokuBhabhironi havasi Mwari
1Bhero achiti gojoto
Nebho achiti undundu,
zvifananidzo zvavo zvokunamata
zvatoiswa pazvipfuwo napamombe
zvinhu zvenyu izvozvi
zvava kuita zvokutotakurwa
pamhuka dzakaneta zvadzo.
2Zvose pamwechete
zvakati undundu,
zvachiti gojoto
mutoro wazvinofanira kununura
zvipfuwo hazvichaugona kuununura
asi kutoti naizvowo
zvotoenda kuutapwa.
3Chimboteererai kwandiri munzwe,
imi vemba yokwaJakobho
imi mose chitsama
chavanhu vokwaIsiraeri chakasara,
imi vandakatakura
kubvira pakuberekwa kwenyu.
Ndakakutakurai kubvira muchiri mudumbu
4kusvikira pamunochembera, ndini,
kusvikira muchene musoro
ndini ndinokutakurai.
Ndini ndinosika,
ndini ndinochengeta,
ndini ndinotakura,
ndini ndinonunura.
5Munondifananidza naani chaizvo
wamunoti akaita seni,
munondienzanisa naani
wamungandifananidza naye?
6Vanoodzvora ndarama muhomwe dzavo
vachiera sirivha pazvikero,
vanokumbira mupfuri wesimbi
ovaumbira mwari
ivo vototi pasi gwadagwa kuchipfugamira!
7Vanochisumudza
vochichiisa pamapfudzi vochitakura
vondochigadzika panzvimbo pacho
chobva chati ipapo mbikiti
zvokutsukunyuka ipapo hachigoni
Kana munhu akachema kwachiri
hachipinduri kana kumununura munhamo yake.
8Yeukai zvinhu izvozvi
muchinyatsofungisisa murangarire
izvozvi izvi mumwoyo menyu
imi vakanganisi
9rangarirai zvinhu zvaiveko chigariro
nokuti inini ndini Mwari
hakuna mumwe.
Ndini Mwari iyeni
hakuna mumwe akaita seni,
10ndakaparidza kubvira pakutanga
magumiro achaita zvinhu
kubvira pasi chigare
zvinhu zvainge zvisati zvaitika
ndichiti, “Zvandinenge ndaronga zvinotoitika
chandinenge ndafunga kuita
ndinotobudirira kuchiita.”
11Ndichadaidza kumabvazuva
shiri inodya nyama
munhu wokuita zvandakaronga
wokunyika yokurekure.
Ndini ndazvitaura
uye ndichaita kuti zviitike
ndini ndazvironga ndichazviita.
12Chiteererai kwandiri munzwe
imi tsvuuramuromo dzavanhu
iyemi muri kure noruponeso
13nguva yangu yokukunda yave padyo,
haisisiri kure
uye ruponeso rwangu haruchanonoka.
Ndichaponesa Zioni
kuitira Isiraeri mbiri yangu.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 46: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Isaya 46
46
Vamwari vokuBhabhironi havasi Mwari
1Bhero achiti gojoto
Nebho achiti undundu,
zvifananidzo zvavo zvokunamata
zvatoiswa pazvipfuwo napamombe
zvinhu zvenyu izvozvi
zvava kuita zvokutotakurwa
pamhuka dzakaneta zvadzo.
2Zvose pamwechete
zvakati undundu,
zvachiti gojoto
mutoro wazvinofanira kununura
zvipfuwo hazvichaugona kuununura
asi kutoti naizvowo
zvotoenda kuutapwa.
3Chimboteererai kwandiri munzwe,
imi vemba yokwaJakobho
imi mose chitsama
chavanhu vokwaIsiraeri chakasara,
imi vandakatakura
kubvira pakuberekwa kwenyu.
Ndakakutakurai kubvira muchiri mudumbu
4kusvikira pamunochembera, ndini,
kusvikira muchene musoro
ndini ndinokutakurai.
Ndini ndinosika,
ndini ndinochengeta,
ndini ndinotakura,
ndini ndinonunura.
5Munondifananidza naani chaizvo
wamunoti akaita seni,
munondienzanisa naani
wamungandifananidza naye?
6Vanoodzvora ndarama muhomwe dzavo
vachiera sirivha pazvikero,
vanokumbira mupfuri wesimbi
ovaumbira mwari
ivo vototi pasi gwadagwa kuchipfugamira!
7Vanochisumudza
vochichiisa pamapfudzi vochitakura
vondochigadzika panzvimbo pacho
chobva chati ipapo mbikiti
zvokutsukunyuka ipapo hachigoni
Kana munhu akachema kwachiri
hachipinduri kana kumununura munhamo yake.
8Yeukai zvinhu izvozvi
muchinyatsofungisisa murangarire
izvozvi izvi mumwoyo menyu
imi vakanganisi
9rangarirai zvinhu zvaiveko chigariro
nokuti inini ndini Mwari
hakuna mumwe.
Ndini Mwari iyeni
hakuna mumwe akaita seni,
10ndakaparidza kubvira pakutanga
magumiro achaita zvinhu
kubvira pasi chigare
zvinhu zvainge zvisati zvaitika
ndichiti, “Zvandinenge ndaronga zvinotoitika
chandinenge ndafunga kuita
ndinotobudirira kuchiita.”
11Ndichadaidza kumabvazuva
shiri inodya nyama
munhu wokuita zvandakaronga
wokunyika yokurekure.
Ndini ndazvitaura
uye ndichaita kuti zviitike
ndini ndazvironga ndichazviita.
12Chiteererai kwandiri munzwe
imi tsvuuramuromo dzavanhu
iyemi muri kure noruponeso
13nguva yangu yokukunda yave padyo,
haisisiri kure
uye ruponeso rwangu haruchanonoka.
Ndichaponesa Zioni
kuitira Isiraeri mbiri yangu.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.