Isaya 7
7
Shoko raMwari kunamambo Ahazi
(2 Nhor 28:5,16; 2 Madzi 16:5–9)
1Mumazuva aAhazi mwanakomana waJotamu mwanakomana waUziya mambo wokwaJudha, Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria mambo wokwaIsiraeri vakauya kuzorwisa guta reJerusaremu asi havana kukwanisa kurikurira. 2Pazvakasvika munzeve dzevemba yaDhavhidhi kuti Siria neEfuremu dzaita rimwe rokuda kukutsirana, iye navanhu vose vakadedera mumwoyo sezvinongoita miti yomusango ichivhuvhutwa nemhepo.
3Tenzi akati kuna Isaya, “Iwe nemwanakomana wako Sheariyashuvhu#7:3 Sheariyashuvhu: Zvinoreva kuti chitsama chichadzoka. endai mundosangana naAhazi, kunoperera mugero wokudziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokumunda womusuki wembatya 4usvikoti kwaari,
“Chinyatsonzwisisa, nyarara, rega kutya.
Usadedereswe mwoyo pamusana pezvigutsa
izvi zviviri zviri kupfungaira
pamusana pokutya kuviruka nehasha kwaRezini nekweSiria
nekwemwanakomana waRemaria
5vadai kukufungira zano
rakaipa vachiti,
6‘Handei tindorwisa nyika yokwaJudha
tiidederese nokutya.
Ngatindoikurira tiite yedu tigadze
mwanakomana waTabhieri umambo pakati payo.
7Izvi ndizvo zviri kurehwa naTenzi Mwari.’
Izvozvo hazvisi kuzombomira
uye hazvizi kuzomboitika.
8Handiti guta guru reSiria iDhamasikusi,
uye musoro weDhamasikusi ndiRezini handiti?
(Kusati kwapera makore makumi
matanhatu namashanu
Efuremu iyi ichaparara kuita ubvurubvuru chaihwo
zvokuti ichasara isisiri dzinza).
9“Uye vokwaEfuremu vanovimba neSamaria,
handitiwo musoro weSamaria
ndiye mwanakomana waRemaria.
Kana iwe usina chokwadi nazvo
pamusana paizvozvo haumbopamira.”
Imanueri chiratidzo chokuratidza kuti Mwari anesu
10Tenzi akataurazve kuna Ahazi achiti, 11“Kumbira Tenzi Mwari wako chiratidzo, chingave chakadzika pasi pasi senzvimbo yavachakabvu kana kuti chiri kudengadenga sedenga.” 12Asi Ahazi akati, “Handidi kukumbira! Handidi kuedza Tenzi.”
13Iye akati, “Chinzwai imi vemba yaDhavhidhi. Iko kunetsa vanhu kwamunoita hakukukwanirei here zvamunoda kutonetsawo kunyange naMwari wangu? 14Naizvozvo Tenzi pachavo ndivo vachakupai chiratidzo. Chiteererai munzwe, mhandara yava#7:14 Yava: MuchiGiriki munoti mhandara ichava. napamuviri ichabereka mwana mukomana waichatumidza zita rokuti Imanueri.#7:14 Imanueri: Zvinoreva kuti “Mwari anesu.” 15Achatosvika pakudya mukaka wakakora nouchi nokuti anenge oziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka. 16Ndinodaro nokuti mwana iyeyu paachange asati aziva kuramba chakaipa nokusarudza chakanaka, nyika yacho ine madzimambo maviri ari kukudederesai ichasara yangova nyikawo zvayo, isisina munhu.
17“Tenzi achakupinzai imi navanhu venyu nevemba yemadzibaba enyu mumazuva asati ambovapo kubvira nguva yakabva vokwaEfuremu kune wokwaJudha, wacho ari kurehwa apa ndimambo weAsiria.
18“Pazuva iroro Tenzi acharidzira mheterwa nhunzi dziri kunovambira hova dzokuIjipiti, nenyuchi dziri kunyika yeAsiria. 19Dzichauya dzichizomhara mumakoronga akanyura chaizvo emumakomo nomumitswe yakadzika yematombo nomuzvikwenzi zvose zveminzwa nomumafuro mose.
20“Musi iwoyo Tenzi achagusa nechisvo chaanenge akwereta kumhiri kwerwizi rwaYufuratesi chisvo chacho chiri chamambo weAsiria achigusa musoro nevhudzi rokumakumbo chichiwumbura nendebvu. 21Pazuva iroro munhu achange akapfuwa mhou ichiri duku nenhunzvi mbiri dzehwai 22pamusana pokuwanda kwomukaka wadzinenge dzichibudisa; iye achadya zvake mukaka wakakora nokuti munhu wose anenge asara ari munyika ino achadya mukaka wakakora nouchi.
23“Musi iwoyo munda wose wose waimbova nechiuru chimwechete chemiti yemigirepisi chinoita chiuru chimwechete chemari yesirivha yemashekeri, uchanyatsoti memete nemakwenzi eminzwa norukato. 24Vanhu vanenge vava kutoenda kundovhima vaine uta nemiseve nokuti nyika yose ichange yangova minzwa norukato chete. 25Kana zviri zvomuzvikomo maimborimwa nemapadza hamuzombokuenda asi nokutya minzwa norukato kuti kuchange kwava zvako kwokusaidzira mombe kwava kwokutotsokodzerwa zvako nehwai.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 7: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: