Jemusi 3
3
Rurimi
1Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara. 2Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere. 3Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose. 4Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi. 5Saizvozvo rurimi kanhengo kadikidiki kanozvikudza nezvinhu zvikuru. Sango guru rinoririmiswa wani nakamoto kadikidiki.
6Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena. 7Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu. 8Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu. 9Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. 10Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. 11Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here? 12Muonde ungabereke maorivhi here, nhai hama dzangu, kana kuti mugirepisi ungabereke maonde here? Saizvozvowo mvura inovava haigoni kuburitsa mvura yakanaka.
Ungwaru hunobva kudenga
13Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa. 14Zvino kana muine shanje yakaipisisa noundingoveni hwakaipa mumwoyo yenyu musazvirumbidze muchirevera chokwadi nhema. 15Ungwaru hwakadai haubvi kudenga asi ndehwapasi pano hwomuberekerwo womunhu uye wohusatani. 16Nokuti pane shanje noundingoveni hwakaipa, panoita nyonganyonga nokuita kose kwakashata. 17Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza. 18Muchero woururami#3:18 Muchero woururami: Kana unodyarwa murugare uchidyarirwa varurami. unodyarwa murugare navawadzanisi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jemusi 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: