Vatongi 6
6
5. Mutongi Gidheoni
1VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi akabva avaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore monomwe. 2VaMidhiani vaibata vaIsiraeri zvechisimba. Pamusana pavaMidhiani ivavo, vaIsiraeri vakazvigadzirira pokugara mumakomo, nomumapako, napane dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira. 3Kwaiti kana vaIsiraeri vakadyara mbeu dzavo vaMidhiani navaAmareki namamwewo marudzi okumabvazuva vaiuya kuzovarwisa. 4Vaisvikodzika matendhe avo pedyo navo, voparadza zvirimwa zvavo muminda kusvikira kuGaza. Havaisiya kana chokubata muIsiraeri. Vaituta zvose hwai nemombe namadhongi. 5Chaiitika ndechokuti vaiuya vaine zvipfuwo zvavo namatendhe vakawanda semhashu, vanhu nengamera dzavo zvisingaverengeki. Vaiti kana vauya vaisiya nyika yaparara. 6VaIsiraeri vaisara vangovawo vanhu zvavo, vasisina chokubata pamusana pevaMidhiani. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi kuti avanunure.
Mwari anotumira muporofita kuvaIsiraeri
7VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, 8Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. 9Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ 10Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ”
Mutumwa waMwari anozviratidza kuna Gidheoni
11Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. 12Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.”
13Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.”
14Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.”
15Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.”
16Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.”
17Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. 18Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.”
Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.”
19Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. 20Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. 21Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika.
22Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.”
23Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” 24Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. 25Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, 26uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” 27Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku.
28Varume vemuguta vakamuka, mangwanani wanei atari yaBhaari yapwanyiwa, chitanda chinomiririra Ashera chatemwa-temwa, handira yechipiri yapirwa paatari itsva yakanga yavakwapo. 29Vakabvunza vachiti, “Chaizvoizvo ndiani aita izvi?” Vakabvunzisisa vachitsvagurudza vakazoti, “NdiGidheoni mwanakomana waJoashi akaita izvi.”
30Varume vemuguta imomo vakati kuna Joashi, “Uya nomwanakomana wako timuuraye nokuti ndiye akapwanya atari yaBhaari, akatema-tema Ashera aiva pedyo nayo.”
31Asi Joashi akabvunza mhomho yakanga yakamukomba achiti, “Heya mafunga kurwira Bhaari nhai, kana kuti motoda zvenyu kumununura? Anenge achirwira Bhaari ngaaurayiwe mangwana kusati kwaedza. Kana Bhaari ari mwari regai azvirwire pachake nokuti atari yake yakapwanywa.”
32Naizvozvo musi iwoyo Gidheoni akatumidzwa zita rokuti Jerubhaari zvinoreva kuti, “Regai Bhaari arwisane naye” nokuti akapwanya atari yake.
33VaMidhiani vose nevaAmareki navanhu vokumabvazuva vakaunganidzana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matendhe avo mubani reJezireeri. 34Mweya waTenzi wakazadza Gidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaunganidzana vomutevera. 35Akatumira nhume munyika yose yokwaManase, ivowo vakaunganidzana vakamutevera. Akatumirawo nhume kune vedzinza rokwaAsheri neraZebhuruni neraNafutari vakakwira kuzosangana navo.
Chiratidzo chewuru
36Gidheoni akataura naMwari achiti, “Kana imi muchida kundishandisa kununura vaIsiraeri sokutaura kwamakaita, 37zvino ndavakuisa mhombwa yewuru paburiro apa, kana dova rikava pawuru chete, pamwe pose, pasi pachingova pakaoma ndopandichaziva kuti muri kuda kundishandisa kununura vaIsiraeri, sezvamakareva.” 38Zvakabva zvaita saizvozvo. Mangwana acho akamuka rungwanangwana, akasvina dova muwuru iya rikazadza ndiro yemvura. 39Gidheoni akatetererazve Mwari achiti, “Ndapota regai zvenyu kundishatirirwa ndigotaurawo kamwechete kano. Regai ndiedze zvakare nemhombwa yewuru kamwechete. Ndinokumbira kuti wuru iyi ive ndiyo yakaoma, pamwe pose pasi pave nedova.” 40Mwari akabva aita saizvozvo usiku ihwohwo. Pawuru chete ndopakanga pakaoma, asi pamwe pose, pasi paine dova.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: