Vatongi 9
9
KUTONGA KWAABHIMEREKI
1Abhimereki mwanakomana waJerubhaari akaenda kuShikemu kwanasekuru vake, hanzvadzi dzaamai vake akataurirana navo pamwechete nehama dzose dzokwaamai vake achiti, 2“Mubvunzo uyu usvitsei munzeve dzavanhu vose vomuShikemu wokuti, ‘Chiiko chamunosarudza pane izvi? Mungade here kuti makumi manomwe avanakomana vaJerubhaari ndivo vova vatongi venyu kana kuti munhu mumwechete chete ave mutongi wenyu? Zivaiwo kuti imi neni tiri hama nehama, tiri veropa rimwechete chairo.’ ” 3Madzisekuru ake okwaamai vake vakasuma zvose izvozvi kuvatungamiriri vose vokuShikemu. Vakasarudza kutungamirirwa naAbhimereki nokuti vaiti, “Muzukuru wavo.” 4Vakatora zvidimbu makumi manomwe zvemari yesirivha mutemberi yaBhaaribheriti, vakapa Abhimereki, nemari iyoyo akatsvaga madzenga avanhu asingakatari aakaenda nawo. 5Akaenda kumusha kwababa vake kuOfura, akauraya vakoma navanun'una wake makumi manomwe, padombo rimwechete. Asi Jotamu, gotwe raJerubhaari ndiye oga akapunyuka nokuti akanga ahwanda. 6Varume vokuShikemu vakaunganidzana nevokuBhetimiro, vakagadza Abhimereki umambo pamuoku wokuShikemu wakatsigirwa.
Chirahwe chaJatomu
7Pazvakasvika munzeve dzaJotamu, iye akaenda akandokwira pamusoro pegomo reGerizimu, akataura kwavari achiita zvokudaidzira kwazvo achiti, “Varume veShikemu, teererai munzwe zvandava kutaura kuti Mwari agokunzwaiwo. 8Rimwe zuva miti yakaenda kundogadza mambo wokuitonga. Yakati kumuti womuorivhi, ‘Iva mambo wedu.’ 9Asi muorivhi wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye mafuta angu anoshandiswa kupa rukudzo vamwari namadzimambo ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ 10Miti iya ndokuti kumuonde, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ 11Asi muonde wakati kwairi, ‘Heya munoti ndisiye kutapira kwangu nemichero yangu iyi yakanaka kudai ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here?’ 12Miti yakati kumugirepisi, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ 13Asi mugirepisi wakati, ‘Heya munoti ndisiye waini yangu inofadza vamwari navanhu, ndichienda kundosweropepera pamusoro pemiti here.’ 14Miti yose yakazoti kurukato, ‘Uya zvako uve mambo wedu.’ 15Rukato rwakati kwairi, ‘Kana zviri zvechokwadi kuti muri kuda kundigadza kuti ndive mambo wenyu, uyai mupotere mumumvuri wangu. Kana zvisizvo, moto ngaubve murukato uroromese miti yemisidhari yokuRebhanoni.’
16“Naizvozvo hameno kana zvokugadza Abhimereki umambo makazviita muchiti muri kuita zvakanaka, uye maifunga kuti muri kuita zvinhu kwazvo, zvimwe munofungawo kuti zvamakaitira Jerubhaari nemhuri yake zvinokodzerana nezvaakaita. 17Chandinodariro ndechichi chokuti, baba vangu vakakurwirai, vakazvipinza munjodzi yokuti vaigona kufa, vakakununurai mumaoko avaMidhiani. 18Asi nhasi uno iyemi ndimi mamukira imba yababa wangu, mukauraya vana vake, varume makumi manomwe padombo rimwechete, mukatora Abhimereki mwana waakabereka zvake nomuranda wake, mukamugadza kuti ave mambo wavanhu vomuShikemu nokuti muzukuru wenyu. 19Zvino kana zvamaitira Jerubhaari nemhuri yake nhasi uno mazviita muri pachokwadi uye nomazvo, farai zvenyu mupemberere Abhimereki, iye ngaakufarireiwo kwazvo. 20Asi kana zvisizvo moto ngaubve muna Abhimereki uroromese vanhu vomuShikemu nevomuBhetimiro. Moto ngaubvewo mune vanhu vemuShikemu nevomuBhetimiro uroromese Abhimereki.” 21Jotamu akabva atiza ndokumhanya oenda kuBheeri. Akagarako nokuti aitya Abhimereki mukoma wake.
Kupandukirwa kwaAbhimereki wokuShikemu
22Abhimereki akatonga vaIsiraeri kwamakore matatu. 23Mwari akapinza mweya usina kunaka pakati paAbhimereki navanhu vomuShikemu ndokubva vanhu vomuShikemu ivava vapandukira Abhimereki. 24Mwari akaitira izvozvi kuti mhosva youtsinye hwakaitwa naAbhimereki hwokuuraya vakoma navanun'una vake, vanakomana vaJerubhaari makumi manomwe, iripwe, ropa ripfukire iye Abhimereki navanhu veShikemu vakamutsigira kuuraya vakoma navanun'una vake. 25Varume vokuShikemu vakaisa varume vokumuhwandira pamusoro pamakomo. Vaiita ugandanga hwokupamba zvinhu zvevaipfuura neko, zvikagosvika munzeve dzaAbhimereki.
26KuShikemu kwakazouyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake, vanhu vemo ndokuvimba naye. 27Vakaenda kuminda vakatanha magirepisi muminda yavo yomugirepisi, vakaasvina. Vakaita mabiko ndokuenda mumba yamwari wavo, ndokudya nokunwa vachinyomba Abhimereki. 28Gaari mwanakomana waEbhedhi akati, “Abhimereki chiiwo zvake? Naiyesuwo vanhu veShikemu tiri vanhu rudzii chaizvo zvatinozvirega tichingotongwa nomunhu uyu? Handiti Jerubhaari naZebhuri muchinda wake vaitoshandira Hamori baba vaShikemu. Zvino tinofanira kumushandira pamusana pei? 29Dai kuri kuti ndini ndaitwa mutungamiriri wenyu, ndaibvisa Abhimereki pachigaro. Ndaiti kuna Abhimereki, ‘Kukuchana zvako nehondo yako yose, uuye tionane.’ ”
30Zebhuri mutungamiriri weShikemu paakanzwa zvakanga zvataurwa naGaari mwanakomana waEbhedhi akatutuma nehasha. 31Akatumira nhume kuna Abhimereki kuAruma muchiverevere achiti, “Hevo, kuno kuShikemu kwakauyiwa naGaari mwanakomana waEbhedhi nehama dzake varikuisa muvanhu veguta mweya wokukupandukirai. 32Saka imi dai machiuya nousiku, iyemi navanhu venyu vamunavo, muzovahwandira musango. 33Kana ava mangwanani, zuva robuda, mokurumidzawo kumuka, mobva mauya muguta. Kana Gaari navanhu vaanenge anavo vouya kuzokurwisai, moita zvamunokwanisa navo.”
34Abhimereki navanhu vose vaaiva navo vakasimuka nousiku vakandohwandira guta reShikemu vari muzvikwata zvina. 35Gaari mwanakomana waEbhedhi akabuda akandomira kusuo guru reguta iri. Abhimereki navanhu vaaiva navo vachibva vabuda pavakanga vakahwanda. 36Gaari paakavaona akati kuna Zebhuri, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kuburuka pamusoro pamakomo avo.” Zebhuri ndokumuti, “A-a, muchidaro! Haisi mimvuri zvayo yamakomo yamuri kuona muchiti vanhu?”
37Asi Gaari akatizve, “Tarisai muone! Vanhu avo vari kubva parukuvhute chaipo rwenyika. Chimwe chikwata chiri kubva kumuti wemuoku panofemberwa.”
38Ipapo Zebhuri akati kwaari, “Zvino wava kupi? Hausiwe here wokumbotaura muromo wokuti, ‘Abhimereki chii zvake, zvatinozvirega tichitongwa nomunhu uyu? Havasivo here vanhu vawaishora ivava? Chiendaka zvino uvarwise.’ ”
39Gaari akatungamirira varume veShikemu akandorwisa Abhimereki. 40Abhimereki akavadzingirira Gaari akamutiza, vazhinji vakakuvadzwa kusvikira kusuo guru reguta iri. 41Abhimereki akandogara kuAruma. Zvino Zebhuri akadzinga Gaari nehama dzake, vakasazokwanisa kugaramo.
Kuparadzwa kwenhare yokuzvidzivirira nayo muhondo
42Ramangwana racho vanhu vakaenda zvavo kuminda, Abhimereki ndokuzvinzwa. 43Saka akatora vanhu vake, akavaisa muzvikwata zvitatu, ndokuvahwandira kuminda ikoko. Akatarisa akaona vanhu vachibuda muguta muya. Akavavinga akavauraya. 44Abhimereki nechikwata chaaiva nacho, vakamhanyira kusuo guru reguta vakamirapo. Zvimwe zvikwata zviviri zviya zvakavinga vanhu vaiva muminda zvikavauraya. 45Musi iwoyo Abhimereki akaswera achirwisa guta iroro, kusvikira arikurira, akauraya vanhu vaivamo. Akariparadza, akarimwaya munyu. 46Vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakazvinzwa, vakapinda munhare mutemberi yaEribheriti. 47Abhimereki paakanzwa kuti vomushongwe yomuShikemu vaunganidzana imomo, 48iye navanhu vose vaakanga anavo vakakwira mugomo reZarimoni, akatora demo mumaoko akatema masanzu omutsvairo akaatakura pamapfudzi. Akaudza vaaiva navo kuti, “Chimbidzoitai zvamaona ndichiita.” 49Saka vanhu vake vose vakatemawo masanzu vakatevera Abhimereki vakaarongerera akakwamirana nenhare iyoyo, ndokutungidza moto pamusoro pavanhu vaiva mukati. Saka vanhu vose vomushongwe yomuShikemu vakafa, vanhurume navanhukadzi vaikarosvitsa chiuru chavanhu.
Rufu rwamambo Abhimereki
50Abhimereki akavinga guta reTebhezi. Akakomba Tebhezi iri, akarikurira. 51Asi muguta iri maiva neshongwe yakasimba kwazvo. Varume vose navakadzi navatungamiriri vose veguta iroro vakatizirako vakazvizaririramo vakabva vakwira kudenga reshongwe iyoyo. 52Abhimereki akasvika pashongwe iyi akairwisa. Akaswedera pamusuo chaipo peshongwe iyi kuti aipise nomoto. 53Mumwe mukadzi akapotsera huyo pamusoro waAbhimereki, ikamutekesha dehenya rake. 54Akabva akurumidza kudaidza rimwe jaya raimutakurira zvombo zvake, akariti, “Buritsa bakatwa rako muhara undipfuudze, vanhu vangazonditi akaurayiwa nomukadzi.” Jaya rake riya rakamubaya akabva afa. 55Varume vechiIsiraeri pavakaona kuti Abhimereki afa vakadzokera kumisha yavo.
56Ndomatsiviro akaita Mwari Abhimereki mhosva yokutadzira baba vake, yokuuraya vakoma navanun'una vake. 57Mwari akaitawo kuti vanhu vokuShikemu vapfukirwe nouipi hwavo hwose, kurengererwa rushambwa kwavakaitwa naJotamu mwanakomana waJerubhaari.
Zvasarudzwa nguva ino
Vatongi 9: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: