Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Zita rebhuku iri Vatongi rinotirondedzera zvavatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri pakati penhambo yaJoshuwa naSamueri. Munyori: VaRabhi vakati bhuku raVatongi rakanyorwa naSamueri. Mamwe mashoko mubhuku raVatongi anotitendisa kuti bhuku iri rakanyorwa nenhambo yaSamueri (Vatongi 1:21 cf; 2 Samueri 5:6–8; Vatongi 1:29 cf 1 Madzimambo 9:16)
1. Runokwana runa, tinoverenga mubhuku raVatongi shoko iri. Pamazuva iwayo pakanga pasina mambo pakati pavaIsiraeri. (Vatongi 17:6; 18:1; 19:1; 21:25) Mashoko aya anotitendisa kuti bhuku iri rakanyorwa kutangira nhambo yamadzimambo munyika yaIsiraeri. (Vatongi 17:6; 21:25) Mashoko aya anotiradza kuti bhuku rakanyorwa munyika yaIsiraeri ichifambiswa nomurairo wamadzishe.
2. Bhuku raVatongi rinorondedzera zviito zvose zvavaIsiraeri kubva nhambo yorufu rwaJoshuwa kusvikira nhambo yaSamueri. Vatongi vakanga vane basa zvikuru kutungamirira vaIsiraeri kuhondo kuti vazvisunungure pavavengi vavo. Mabasa aVatongi akaitwa musimba raMwari. Kurohwa kwavaIsiraeri nenhambo yaVatongi kwakavadzidzisa kuti Mwari anorova vanhu vake nokuda kwezvivi zvavo. Vakadzidziswawo kuti Mwari angavanzwira tsitsi kana vachidzokera kwaari.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raVatongi
Kugungwa rashe weMesopotamia makore masere (3:8)
Kutungamirirwa naOtinieri makore makumi mana (3:11)
Kutapwa naEgironi makore gumi namasere (3:14)
Kutsikirirwa naJabhini makore makumi maviri (4:3)
Kutonga kwaBharaki makore makumi mana (5:31)
Kutapwa navaMidhiani makore manomwe (6:1)
Kutonga kwaGidhioni makore makumi mana (8:28)
Kutungamirira kwaAbhimereki makore matatu (9:22)
Kutonga kwaTora makore makumi maviri namatatu (10:2)
Kutonga kwaJairi makore makumi maviri namaviri (10:3)
Kudzvanyirirwa navaAmoni makore gumi namasere (10:8)
Kutonga kwaJefita makore matanhatu (12:7)
Kutonga kwaIbhizani makore manomwe (12:9)
Kutonga kwaEroni makore gumi (12:11)
Kutonga kwaAbhidhoni makore masere (12:14)
Kubatwa navaFirisitia makore makumi mana (13:1)
Kutonga kwaSamisoni makore maviri (15:20; 16:31)

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda