Jeremiya 9:23-24
Jeremiya 9:23-24 SCLBD
Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake. Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti “Ini ndini Tenzi ndinoita panyika mwoyochena noruenzaniso nokururama nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira ndizvo zviri kutaura Tenzi.

