Jeremia 9:23-24
Jeremia 9:23-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake, kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake, kana akapfuma pamusoro pepfuma yake, Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi: kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro, nokukururamisira, nokururama panyika, nokuti ndinofarira izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 9:23-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Munhu wakachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pohuchenjeri hwake, nomunhu wesimba ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pesimba rake, nomunhu wakapfuma ngaarege kuzvirumbidza pamusoro pepfuma yake; asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha, unoita hunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 9:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, “Ngwazi ngairege kuzvikudza noungwaru hwayo, gamba rehondo rikande pasi zvokuzvitutumadza nougamba hwaro mupfumi ngaarege kuzvibhebhesa noupfumi hwake. Asi kutoti munhu anenge achizvipa mbiri ngaazvirumbidzire kuti anenge achindinzwisisa uye achindiziva kuti “Ini ndini Tenzi ndinoita panyika mwoyochena noruenzaniso nokururama nokuti izvozvi izvi ndozvandinofarira ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Jeremia 9:23-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Munhu wakacenjera ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro poʋucenjeri bgake, nomunhu wesimba ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pesimba rake, nomunhu wakafuma ŋgaarege kuɀirumbidza pamsoro pefuma yake; asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze pamsoro pecinhu ici, kuti unondinzwisisa nokundiziʋa ini, kuti ndini Jehova, unoita ʋunyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira ɀinhu iɀi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 9:23-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)