Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:1-17

Johani 13:1-17 SCLBD

Zuva rePasika risati rasvika Jesu akaziva kuti nguva yake yokusiya pasi achienda kuna Baba yakanga yasvika. Akada vake vakanga vari pasi pano akavada zvokupedzerera. Zvavakanga vari pakudya kwamauro Dhiabhori akanga atoisa muna Judhasi Isikarioti, mwana waSimoni pfungwa yokumupandukira. Jesu aizviziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose mumaoko ake, uye kuti akabva kuna Mwari uyezve kuti akanga avakudzokera kuna Mwari. Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro. Paakasvika pana Simoni Pita, Pita akati kwaari, “Nhai Tenzi ndimi mungashambidze tsoka dzangu here imi?” Jesu akamupindura achiti, “Zvandiri kuita haungazvizivi iye zvino asi uchazozvinzwisisa pashure.” Pita akati kwaari, “Hamumbofa makashambidza tsoka dzangu.” Jesu akamudaira achiti, “Kana ndisingakushambidze iwe unenge usisina chokuita neni.” Simoni Pita akabva ati kwaari, “Tenzi, kwete tsoka dzangu chete asi maoko angu nomusoro wanguwo.” Jesu akamuti, “Munhu anenge ashamba muviri haana chaanofanira kushambazve kusiya tsoka dzake bedzi nokuti anenge akachena muviri wose. Imi makachena asi kwete mose.” Akadaro nokuti aiziva aizomutengesa. Ndokusaka akati hamusi mose makachena. Paakapedza kuvashambidza tsoka dzavo akapfeka gemenzi rake riya akagara panzvimbo yake akavati: “Munoziva here zvandaita kwamuri? Munonditi Mudzidzisi uye Tenzi; ndizvozvo chaizvo nokuti ndizvozvo zvandiri. Zvino kana ini Tenzi nomudzidzisi wenyu ndakushambidzai tsoka kudai, imi munofanira kushambidzanawo tsoka. Nokuti ndatokupai muenzaniso izvozvi kuti muitewo zvandakuitirai. “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri mushandi haasi mukuru kupfuura waanoshandira kana anotumwa pane anomutuma. “Kana muchiziva zvinhu izvi muchakomborerwa kana mukazviita.

Verenga chikamu Johani 13