Jobhu 13
13
Mwari neshamwari handivaonerwi pavo.
Shamwari dzangu varapi vasina maturo
1Ndakazviona ini nameso angu,
ndakazvinzwa nenzeve dzangu ndikazvinzwisisa.
2Ndinenjerewo sezvamakangoita imi.
Ini handisi pasi kwamuri.
3Chandingade ini, kutaura naiye Samasimba,
chandinoda ini, kuzvidavirira
mhosva yangu pana Mwari.
4Asi imi muri vokubata vanhu kumeso nenhema,
mose murivarapi vasina maturo.
5Dai maitonyarara zvenyu,
hwaitova ungwaru chaihwo kwamuri.
6Chinzwai zvino zvandinofunga muteerere
mumbonzwawo zvandinokutaurirai nomuromo wangu.
7Munoda kutaura muchimiririra Mwari nemanyepo nhai,
muchimumiririra nounyengedzi?
8Mavakutoita zvechizivano naye nhai,
ndimi mava kureverera Mwari pamhosva yakeka imi?
9Munomira papi, imi, akada zvake kunyatsokuvhurumutsai?
10Anotokutsiurai kana
mukaratidza rusarura
rwamunoita muchivande.
11Ukuru hwake haungakutyisei here?
Kutyisa kwake hakungakudederesei here?
12Zvirevo zvenyu marara zvawo.
Mazwi enyu okuzvidzivirira munyakwe zvawo.
Chitadzo changu ndechipi
13Chimbonyararai ndimbotaurawo.
Kwandiri, chauya chauya.
14Ndavakutorovera mwoyo kudombo,
ndichitobatira ura hwangu mumaoko.
15Kufa kufa zvako hapana chokuita.
Ndichatongozvimiririra mhosva yangu pamberi pake.
16Izvozvi ndizvo zvichandinunura
nokuti munhu asiri munamati
haangaiti chivindi chokuenda pana Mwari.
17Chinzwai munzwisise mazwi angu
muteererese zvandavakukutaurirai;
18chionai kuti ini ndanyatsogadzirira nyaya yangu
ndinozviziva kuti ndichapembedzwa.
19Ndianiwo zvake angakwikwidzane neni,
ini ndingatobva ndanyarara iye zvino ndife zvangu.
20Ingondibvumirai zvinhu zviviri chete
handizohwanda-hwanda pamuri.
21Chimbobvisai shamhu yenyu pandiri
uye kukutyai imi ngakurege kundidederesa.
22Pakadaro ndidaidzei, ini ndichapindura
kana kuti regai nditange kutaura imi mundipindurewo.
23Zvakaipa zvangu zvingani
uye zvitadzo zvangu zvingani?
Ndiziviseiwo zvikanganiso zvangu nechitadzo changu.
24Munozvivanzireiko uso.
Muchindiona somuvengi wenyu?
25Munoda kutyisidzira shizha riri kupupuruka here?
Munoda kudzingirira hundi zvayo yakawoma here?
26Munonyora imi zvinorwadza pamusoro pangu
muchiita kuti zvandakatadza ndichiri mudiki zvindipfukire.
27Mukandisunga makumbo nengetani
munoongorora kwazvo mafambiro angu
muchiti tsikanditsikewo#13:27 Muchiti tsikanditsikewo: ChiHebheru chacho pano apa hachinzwisisiki. muchiongorora pandatsika.
Mugumo womunhu
28Munhu anosakara sechinhu chavakuora
semvemve rinodyiwa nezviundudzi.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 13: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: