Jobhu 19
19
Mhinduro yaJobhu kuna Bhiridhadhi.
Nhamo yangu iri kubva kuna Mwari
1Jobhu akapindura achiti,
2“Kusvikira riniko chokwadi
muchindirwadzisa kudai
nokundisakadza namazwi kudai?
3Rwatosvika rugumi rwose muchindinyomba.
Hamunyari here imi kundiitira zvakaipa?
4Dai kuri kuti ndakakanganisa zvechokwadi
mhosva yacho ndeyanguka ini.
5Kana imi mavakutoita zvokuzvionesa kwandiri
muchitosevenzesa kuninipiswa kwangu
sechinhu chokuratidza nacho kuti ndine mhosva,
6mochizviziva kuti Mwari ndiye akandipiya
akandimbundira namambure ake.
7Ini ndikapopota nezveutsinye hwakadai
hapana anondinzwa.
Ndinodanidzira asi ruenzaniso hapana.
8Akavaka panzira pangu rusvingo
zvokuti handikwanisi kupfuura,
akakwidibira nzira yangu nerima.
9Akandikurumura mbiri yangu
akandikutunura mumusoro ngundu yangu.
10Anondityoranisa kumativi ose
zvokuti ndaenda ini,
chitarisiro changu akachitipura somuti.
11Anondivirukira nehasha
achinditora semuvengi wake.
12Hondo dzake dziri kukokana
dzinouya dzakanangana neni
dzichikomba tendhe rangu.
Mwari akandiparadzanisa nehama dzangu
13“Akanditsauranisa navakomanavanun'una vangu.
Hama dzangu dzakapesaniswa neni.
14Hama neshamwari dzangu dzapamwoyo dzakandinyengedza
vanhu vokuziva chaivo vakatondikanganwa.
15Vari kuroja mumba mangu vakandikanganwa
vasikana vebasa wava kutondiona somusevenzi.
Mupfungwa dzavo ndatova mutorwa zvangu.
16Ndinodaidza musevenzi wangu
asi haadaviri,
ini ndini ndavakutoita zvokumuteterera.
17Kamweya kandava nako kava kunhuwa kumudzimai wangu,
ndava kusemesa kuvana vamai vangu chaivo.
18Kunyange vana vaduku vavakundishora,
ndikati ndisimukewo vanondisveeredza.
19Shamwari dzangu dzose chaidzo dzavakundisema
chaivo vangu vapamwoyo vavakundipandukira.
Chichemo changu kunemi vanhu
20“Mapfupa angu aomererana neganda;
aomererana nenyama yangu.
Ndichatopona napaburi retsono#19:20 ChiHebheru chinoti ndichatopunyuka neganda remazino. chaipo.
21Ndinzwireiwo tsitsi, ndinzwireiwo tsitsi
imi shamwari dzangu.
Ruoko rwaMwari rwandirova.
22Ko munodireiko kundironda sezviri kuita Mwari?
Hamugutsikani here nokundishora zita kwamunoita?
23“Dai mazwi angu angonyorwawo,
adhindwa zvawo mubhuku.
24Zvinyorwe nepenzura yesimbi nomutobvu
zvitemerwe pabwe nokusingaperi.
Ndinoziva kuti Mununuri wangu Mupenyu
25“Ndinoziva kuti mununuri wangu mupenyu
pakuguma achamira pamusoro payo nyika.
26Mushure mokunge ganda rangu raora saizvozvi
ndisisiri mumuviri#19:26 Ndisisiri mumuviri: Zvichireva kuti ndafa. Mazwi aya muchiHebheru anogonawo kureva kuti ndichiri mumuviri wangu zvichireva kuti ndichiri mupenyu ndichaona Mwari. wangu ndichaona Mwari.
27Wandinozvionera iyeni,
ndichamuona pachangu namaziso angu kwete mumwe.
Mukati mangu umu ndapera nokuzvisuwira.
28Nokuti imi munoti tingamutambudze sei
mhosva tingaiwane sei maari.
29Munofanira kutya bakatwa rakakutarisai
nokuti hasha dzinounza kuranga kwebakatwa
kuti muzive kuti kutongwa kuripo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 19: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: