Jobhu 39
39
Mbudzi dzomumakomo nengururu
1“Unoziva here nguva inobereka ngururu?
Wakamboona here mhara painobereka?
2Wati wamboverenga here mwedzi yadzinotora?
Unoziva here nguva yadzinozobereka,
3padzinogodama dzavakubereka,
dzichisungunuka pamutowo wadzo?
4Vana vadzo vanokura musango,
vanozoenda uye havazodzoka kwavari.
Dhongi romusango
5“Ndiani akapa dhongi romusango
rusununguko rwarinarwo?
Ndiani akasunungura makashu embizi?
6Ndakaripa renje kuti rive musha waro,
mapani omunyu kuti ave pokugara paro.
7Rinotoseka zvaro bongozozo romuguta,
hariteerere kuzhamba kwomuchairi.
8Makomo arinombeya nawo
ndiwo ufuro hwaro
richitsvaka chose chinomera chinyoro.
Nyati
9“Nyati ingabvume here kukubatira basa,
ingabvume here kuve muchidyiro chako?
10Ungaibope mumuforo nezvitorobho here
kana iyo kukuharira bani ichikutevera?
11Ungavimbe here nesimba rayo guru,
ungairege ichikuitira basa here?
12Ungavimbe nayo here kuti inodzoka,
ichiuya nembeswa dzako kuburiro?
Mhou
13 # 39:13 Mapapiro: 13–18 Ndima iyoyi yose haiwanikwe muBhaibheri rechiGiriki. “Mapapiro#39:13 Mapapiro: Ndima iyi muchiHebheru hachinyatsonzwisisika. emhou anobhabhama nomufaro
minhenga namanhenga ayo zvakafanana
here nezveshuramurove?
14Inosia mazai ayo pasi
kuti adziiswe pavhu,
15ichikanganwa kuti rutsoka rungaapwanya,
mhuka dzesango dzingaatsokodzere.
16Inobata vana vayo zvino utsinye
sokunge vasiri vana vayo kunyange zvichizoita kuti
basa rayo rive risina chimuko asi haityi,
17nokuti Mwari akainyima ungwaru,
akarega kuipa mugove wokunzwisisa.
18Asi ikati fukusu kutiza
inotoseka zvayo bhiza nomutasvi waro.
Bhiza
19“Ndiwe unopa bhiza simba raro here?
Ndiwe here unoripa mutsipa waro simba?
20Ndiwe here unoripa kuchirika semhashu,
kufemuruka kwaro kunotyisa?
21Rinogiga pasi mubani,
rinozvitora nesimba raro.
Rinoenda kundosangana nezvombo zvokurwa.
22Kutya rinokuseka,
uye harivhunduki.
Haridzokeri shure nokutya bakatwa.
23Goba remiseve rinongwerengwedza
kumusana kwaro.
Pamwechete nepfumo rinopenya nepfumo diki.
24Rinozuzuma namanyawi rigopedza pasi,
harimiri kana hwamanda yarira.
25Panorira hwamanda harizobatiki
ari kure anonzwa hondo kunhuhwa,
kuriridza nokuzhamba nokukaradza kwavatungamiri vehondo.
Rukodzi negondo
26“Ungwaru hwako here
hunoita kuti rukodzi rubhururuke
ruchitambanudzira mapapiro arwo
kuenda kumaodzanyemba?
27Ndiwe unoudza gondo kuti
ribhururuke muchadenga here kuti
rinoita dendere raro pamusoro?
28Rinondogara padombo
richiita musha waro pamawere
edombo rine man'an'a.
29Ndoparinonyatsocherechedza nyama yaro,
ziso rinoiona riri kure.
30Kunyange vana varo vanosveta ropa,
panenge pangofa chinhu iro riripo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Jobhu 39: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Jobhu 39
39
Mbudzi dzomumakomo nengururu
1“Unoziva here nguva inobereka ngururu?
Wakamboona here mhara painobereka?
2Wati wamboverenga here mwedzi yadzinotora?
Unoziva here nguva yadzinozobereka,
3padzinogodama dzavakubereka,
dzichisungunuka pamutowo wadzo?
4Vana vadzo vanokura musango,
vanozoenda uye havazodzoka kwavari.
Dhongi romusango
5“Ndiani akapa dhongi romusango
rusununguko rwarinarwo?
Ndiani akasunungura makashu embizi?
6Ndakaripa renje kuti rive musha waro,
mapani omunyu kuti ave pokugara paro.
7Rinotoseka zvaro bongozozo romuguta,
hariteerere kuzhamba kwomuchairi.
8Makomo arinombeya nawo
ndiwo ufuro hwaro
richitsvaka chose chinomera chinyoro.
Nyati
9“Nyati ingabvume here kukubatira basa,
ingabvume here kuve muchidyiro chako?
10Ungaibope mumuforo nezvitorobho here
kana iyo kukuharira bani ichikutevera?
11Ungavimbe here nesimba rayo guru,
ungairege ichikuitira basa here?
12Ungavimbe nayo here kuti inodzoka,
ichiuya nembeswa dzako kuburiro?
Mhou
13 # 39:13 Mapapiro: 13–18 Ndima iyoyi yose haiwanikwe muBhaibheri rechiGiriki. “Mapapiro#39:13 Mapapiro: Ndima iyi muchiHebheru hachinyatsonzwisisika. emhou anobhabhama nomufaro
minhenga namanhenga ayo zvakafanana
here nezveshuramurove?
14Inosia mazai ayo pasi
kuti adziiswe pavhu,
15ichikanganwa kuti rutsoka rungaapwanya,
mhuka dzesango dzingaatsokodzere.
16Inobata vana vayo zvino utsinye
sokunge vasiri vana vayo kunyange zvichizoita kuti
basa rayo rive risina chimuko asi haityi,
17nokuti Mwari akainyima ungwaru,
akarega kuipa mugove wokunzwisisa.
18Asi ikati fukusu kutiza
inotoseka zvayo bhiza nomutasvi waro.
Bhiza
19“Ndiwe unopa bhiza simba raro here?
Ndiwe here unoripa mutsipa waro simba?
20Ndiwe here unoripa kuchirika semhashu,
kufemuruka kwaro kunotyisa?
21Rinogiga pasi mubani,
rinozvitora nesimba raro.
Rinoenda kundosangana nezvombo zvokurwa.
22Kutya rinokuseka,
uye harivhunduki.
Haridzokeri shure nokutya bakatwa.
23Goba remiseve rinongwerengwedza
kumusana kwaro.
Pamwechete nepfumo rinopenya nepfumo diki.
24Rinozuzuma namanyawi rigopedza pasi,
harimiri kana hwamanda yarira.
25Panorira hwamanda harizobatiki
ari kure anonzwa hondo kunhuhwa,
kuriridza nokuzhamba nokukaradza kwavatungamiri vehondo.
Rukodzi negondo
26“Ungwaru hwako here
hunoita kuti rukodzi rubhururuke
ruchitambanudzira mapapiro arwo
kuenda kumaodzanyemba?
27Ndiwe unoudza gondo kuti
ribhururuke muchadenga here kuti
rinoita dendere raro pamusoro?
28Rinondogara padombo
richiita musha waro pamawere
edombo rine man'an'a.
29Ndoparinonyatsocherechedza nyama yaro,
ziso rinoiona riri kure.
30Kunyange vana varo vanosveta ropa,
panenge pangofa chinhu iro riripo.”
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.