Joshuwa 15
15
Nhaka yedzinza rokwaJudha
1Nyika yakagoverwa vedzinza rokwaJudha nemhuri dzavo yakanga yakamira yakadai: Kumaodzanyemba kwokupedzesera chaiko yaindosvika kumuganhu neEdhomu, kurenje reZini. 2Muganhu wayo wokumaodzanyemba ikoko waitangira kumahombekombe kwegungwa roMunyu, mahombekombe eko okumaodzanyemba. 3Woenda wakananga kumaodzanyemba kwemukwidza weAkirabhimu wopfuura wosvika kuZini, wokwidza wakananga kumaodzanyemba kweKadheshibharinea. Wonopfuura nokuHezironi wosvika kuAdhari, wopoterera nokuKarika, 4wozondosvika kuAzimoni, wotevedza Kakova keIjipiti kusvikira kwakanodira kugungwa reMedhiterenieni uko.#15:4 Ndiro reMediterenieni. Ndomuganhu wenyu#15:4 Ndomuganhu wenyu: MuchiHebheru munoti Maganhu wenyu. wokumaodzanyemba. 5Muganhu wayo wokumabvazuva igungwa roMunyu, kunosvika kumadiro aJorodhani. Kuchamhembe, muganhu wayo unotangira kumahombekombe kwegungwa iroro pamadiro aJorodhani, 6wokwira nokuBhetihogira wopfuura nechokuchamhembe kweBhetiarabha kusvikira paDombo raBhohani mwanakomana wokwaRubheni. 7Muganhu wacho wozobvira ipapo mubani reAkori wokwidza wakananga kuDhebhiri uchienda kuchamhembe wakananga nechekuGirigari wakatarisana nomukwidza weAdhumimu uri kumaodzanyemba kwebani iroro. Muganhu iwoyu waizopfuura woenda kubani remvura yeEnishemeshi uchindosvika kuEnirogeri. 8Muganhu uyu waikwidza uchibva ipapo wakananga kubani romwanakomana waHinomu uchipfuura napamateru okumaodzanyemba kweguta reJebhusi ndiro Jerusaremu, wokwidza napamusoro pegomo rakavambirana nebani iri rokwaHinomu nechokumadokero, kusvikira kumucheto wokuchamhembe webani rokuvaRefaimu. 9Muganhu iwoyo unozobvira pamusoro pegomo iroro wakananga kukasipiti keNafutoa, wokwidza kumaguta okugomo reEfuroni wonanga nokuguta reBhaara ndiro Kiriatijearimu. 10Muganhu iwoyu waizobva kuBhaara wopindukira kumadokero, wakananga kugomo reSeiri uchipfuura nokumawere okuchamhembe kwegomo reJearimu ndiro Kesaroni wodzika nokuBhetishemeshi uchipfuura nokuTimuna. 11Muganhu iwoyu waizoenda nokumawere echikomo chiri kuchamhembe kweEkironi wopinduka wonanga kuShikeroni wopfuura wakananga kugomo reBhaara wosvika kuJabhuneeri wondogumira kugungwa. 12Muganhu wayo wokumadokero iGungwa guru namahombekombe aro. Iyoyi ndiyo miganhu yakapoteredza vemhuri dzokwaJudha.
Kukurira kwakaita Karebhu guta reDhebhiri nereHebhuroni
13Mukati mevedzinza rokwaJudha, Joshuwa akapa Karebhu mwanakomana waJefune guta reKiriatiaribha, ndirowo reHebhuroni, sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. (Aribha iyeyu aiva baba waAnaki.) 14Karebhu akadzingamo vanakomana vavaAnaki vatatu ava vanoti: Sheshai naAhimani naTarimai munyika yavo. 15Achibva ipapo akandorwisa vagari vokuDhebhiri. Kare guta reDhebhiri raimbonzi Kiriatiseferi. 16Karebhu akati, “Anenge andorwisa akakurira guta reKiriatisefari ndichamupa Akesa mwanasikana wangu kuti ave mukadzi wake.” 17Otinieri mwanakomana waKenazi munun'na waKarebhu akandorikurira. Ndokubvawo amupawo mwanasikana wake kuti ave mukadzi wake. 18Akesa paakauya kwaari akamukurudzira kuti akumbire baba vake munda. Akesa akaburuka padhongi rake. Karebhu ndokumubvunza achiti, “Unodeiko mwanangu?”
19Iye ndokupindura achiti, “Zvamakandipa nyika yokuNegevhu, ndiitireiwo mwoyochena mundipewo nezvisipiti zvemvura.” Karebhu ndokumupa zvisipiti zvoko zvokumusoro nezvisipiti zvoko zvezasi.
20Ino iyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaJudha nemhuri dzavo. 21Maguta evedzinza rokwaJudha, kumaodzanyemba takananga kumuganhu neEdhomu ndeaya:
Kwaiti guta reKabhuzeeri neEdheru neJaguri,
22neKina neDhimona neAdhadha,
23neKedheshi neHazori neItinani,
24kwouya Zifu neTeremu neBhearoti,
25neHazorihadatita neKiriatihezironi,
kana kuti Hazori.
26Kwouyawo reAmamu neShema neMoradha,
27neHazarigadha neHeshmoni neBhetipereti,
28neHazarishuari neBheerishebha, neBhiziotia
29neBhaara neIimu neEzemu,
30kwoti Eritoradhi neKesiru neHoruma,
31neZikiragu neMadhimana neSanisana,
32kwozoti Rebhaoti neShirihimu neAini neRimoni,
ose pamwechete aiva makumi maviri amaguta ana maguta
mapfumbamwe ane misha yawo.
33Maguta okunyika yokumanhika ndeaya:
kwaiti guta reEshitaori neZora neAshina,
34neZanoa neEniganimu neTapua neEnamu,
35kwoti Jarimuti neAdhuramu neSoko neAzeka,
36neSharaimu neAdhitiaimu neGedhara neGedherotiaimu, ose
pamwechete aiva maguta gumi namana ane misha yawo.
37Kuchitiwo reZenani neHadhasha neMigidharigadhi,
38neDhireani neMizipe neJoktieeri,
39kukati Rakishi neBhozikati neEgironi,
40neKabhoni neRahimasi neKitishi,
41kwouya Gedheroti neBhetidhagoni neNaama neMakedha,
ose pamwechete aiva maguta gumi namatanhatu
ane misha yawo.
42Kwouyawo guta reRibhuna neEteri neAshani,
43nereIfuta neAshina nereNezibhu,
44neKeira neAkizibhu neMaresha,
ose pamwechete aiva maguta mapfumbamwe ane misha yawo.
45Kwaizoti Ekironi notumaguta twaro nemisha yaro yaibvira
kuEkironi kusvikira kugungwa,
46neose zvawo aiva pedyo neguta reAshidhodhi nemisha yawo.
47Iro Ashidhodhi notumaguta twaro nemisha yaro,
neGaza notumaguta
twaro nemisha yaro kusvikira kukakova keIjipiti
nekumahombekombe kwegungwa Guru.
48Kwozotiwo omunyika yemakomo aiti:
guta reShamiri neJatiri neSoko
49neDhana neKiriatisana, ndiro Dhebhiri,
50kwotiwo Anabhu neEshitemo neAnimu,
51neGosheni neHoroni neGiro
ose pamwechete aiva maguta gumi
nerimwechete aine misha yawo.
52Kwouyawo Arabhu neDhuma neEshani,
53neJanimu neBhetitapua neAfeka neHumuta,
54neKiriatiaribha ndiro Hebhuroni,
neZiori ose pamwechete
aiva maguta mapfumbamwe aine misha yawo.
55Kwochiti Maoni neKarimeri neZifu neJuta,
56neJezireeri neJokidheamu neZanoa,
57neKaini neGibhea neTimuna
ose pamwechete aiva maguta gumi aine misha yawo.
58Kuchizoti Harihuru neBhetizuru neGedhori,
59neMaarati neBhetianoti neEritekoni,
ose pamwechete aiva maguta matanhatu ane misha yawo.
60Ndokuzouya reKiriatibhaari,
ndiro Kiriatijearimu, kwoti reRabha
aya aiva maguta maviri aine misha yawo.
61Ndokuzotiwo maguta okurenje aiti
Bhetiarabha neMidhini neSekaka
62neNibhushani rainziwo,
“Guta roMunyu neguta reEnigedhi,”
ose pamwechete aiva maguta matanhatu aine misha yawo.
63Vedzinza rokwaJudha havana kukwanisa kudzinga vaJebhusi vagari vomuJerusaremu. Saka vaJebhusi ivava vagere nevokwaJudha muJerusaremu kusvikira pari nhasi.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 15: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: