Joshuwa 19
19
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza rokwaSimeoni
1Mugove wakapiwa vedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri ndiwo wakatevera kubuda pachin'ange. Vakagoverwa nyika yenhaka yavo mukati menyika yedzinza rokwaJudha. 2Maguta omunyika yenhaka yavo ndeaya: kunoti reBheerishebha neMoradha, 3kwoti reHazorishuarinebhara, 4kwozoti reEritoradhi neBheturu neHoruma. 5Kwouyawo reZikiragi neBhetimarikabhoti neHazarisusa, 6kwotiwo Bhetirebhaoti neSharuheni pamwechete aiita maguta gumi namatatu nemisha yawo.
7Kwaizotiwo guta reAini neRimori neEteri neAshani pamwechete aita maguta mana nemisha yawo. 8Nemisha yomunharaunda memaguta iwayo kusvikira kuBhaaratibheeri neguta reRama, rokuNegevhu. Iyoyo ndiyo nyika yenhaka yedzedzinza rokwaSimeoni mhuri nemhuri. 9Nyika yenhaka yevedzinza rokwaSimeoni yaiva mukati menyika yenhaka yevokwaJudha nokuti mugove wevokwaJudha wakanga wakakurisa kwavari. Saka vedzinza rokwaSimeoni vakazowana nhaka yenyika mukati menyika yenhaka yevokwaJudha.
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza rokwaZebhuruni
10Mugove wakapiwa vedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri ndowakava wechitatu kubuda pachin'ange. Muganhu wenyika yavo yenhaka yaindosvika kuSaridhi. 11Waizobva wonanga nokumadokero kusvikira kuMareari uchindobatana neDhabhesheti wondosvika kukakova kari kumabvazuva kweJokuneamu. 12Waibvirawo kuSaridhi wonanga nechokumabvazuva kusvikira kumuganhu neKisirotitabhori wopfuura wosvika kuDhabherati hoyo wokwidza kuJafia. 13Waizobva ipapo woti tande wakananga kumabvazuva kusvikira kuGatiheferi nokuEtikazini wonanga kuRimoni uchipota nokuNea. 14Kuchamhembe, muganhu wayo unopinduka wakananga kuHamatoni uchindoperera kubani reIfutaheri. 15Guta reKatati nereNaharari neShimuroni neIdhara neBheterehemu aivawo avo, ose pamwechete aiva maguta gumi namaviri nemisha yawo. 16Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaZebhuruni mhuri nemhuri maguta iwayo nemisha yawo.
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza rokwaIsakari
17Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechina kubuda. 18Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reJezireeri neKesuroti neShunemu; 19kwouya reHafaraimu neShioni neAnaharoti; 20kwoti reRabhiti neKishioni neEbhezi. 21Kwozoti reRemeti neEniganimu neEnihadha neBhetipazezi. 22Muganhu wayo waindosvika napaTabhori napaShahazuma napaBhetishemeshi wondoperera muna Jorodhani. Ose pamwechete aiva maguta gumi namatanhatu nemisha yawo. 23Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaIsakari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo.
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza raAsheru
24Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri ndiwo wakava wechishanu kubuda. 25Maguta omunyika yavo ndeaya: Kunoti guta reHerikati neHari neBheteni neAkishafu, 26kwouya reAramumereki neAmadhi neMishari. Kumadokeri, yaindosvika kuKarimeri nokuShihoriribhunati. 27Kumabvazuva yaitenderera yondosvika kuBhetidagoni nokuZebhuruni heyo kubani raIfutaeri yonanga kuchamhembe yosvika kuBhitiemeki nokuNeieri yoramba ichienda kuchamhembe kusvikira kuKabhuru, 28neEbhuroni neRehobhu neHamoni neKana kudzamara muSidhoni romukurumbira. 29Muganhu wayo waizotendeuka wonanga kuRama uchindosvika kuguta retsvingo, reTire wopinduka wosvika kuHosa ichindosvika kugungwa reMedhiterenieni. 30Kwouyawo guta reMaharabhu neAkizibhu neUma neAfeki neRehobhu. Ose pamwechete aiva makumi maviri amaguta ana maguta maviri nemisha yawo. 31Iyoyi ndonhaka yevedzinza rokwaAsheru mhuri nemhuri maguta iwaya nemisha yawo.
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza rokwaNafutari
32Mugove wakagoverwa vedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri ndiwo wakava wechitanhatu kubuda. 33Muganhu wenyika yavo waibvira kuHerefu pamuti womuoku wokuZaananimu uchienda nokuAhaminekebhu nokuJabhuneeri kusvikira kuRakumu uchindosvika muna Jorodhani. 34Waizobvapo wonanga kumadokero kuAzinotitabhori, wobva ipapo wondosvika kuHukoki wosvika kumaodzanyemba kumuganhu nevokwaZebhuruni. Kumadokero yaiganhurana nevokwaAsheu, kumabvazuva ichiganhurwa naJorodhani.#19:34 Jorodhani: ChiHebheru chiri kuti ichiganhurana naJudha kuna Jorodhani. 35Maguta acho ane tsvingo ndeaya: kunoti guta reZidhimu neZeri neHamati neRakati neKinereti; 36Kwoti reAdhama neRama neHazori 37neKedheshi neEdhirei neEnihazori, 38kwouya reYironi neMigidhareri neHoremu neBhetianoti neBhetishemeshi. Ose pamwechete aiva gumi ramaguta rina maguta mapfumbamwe nemisha yawo. 39Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaNafutari mhuri nemhuri maguta acho nemisha yawo.
Nhaka yenyika yakagoverwa vedzinza rokwaDhani
40Mugove wakagoverwa vemhuri dzedzinza rokwaDhani ndiwo wakava wechinomwe. 41Maguta omunyika yavo yenhaka ndiwo aya kunoti: guta reZora neEshitaori neguta reIrishemeshi. 42Kwoti reShaarabhini neAijaroni neItira. 43Kwoti reEroni neTimuna neEkironi, 44neEriteke neGibheoni neBhaarati, 45neJehudhi neBhenebheraki neGatirimoni. 46Ndokuzouya guta reMejarikoni neRakoni pamwechete nenyika yakatarisana neJopa.
47Vedzinza rokwaDhani pavakarasikirwa nenyika yavo, vakandorwisa guta reReshemu. Vakarikurira vakauraya namapakatwa vanhu vomo, vakariita ravo. Vakatumidza guta iri reReshemu zita ratateguru wavo rokuti Dhani. 48Iyoyi ndiyo nhaka yevedzinza rokwaDhani mhuri nemhuri namaguta iwaya nemisha yawo.
Joshuwa ndiye wokupedzesera pakugoverwa nhaka yenyika
49VaIsiraeri vakati vapedza kugovera nyika, vakapawo Joshuwa mwanakomana waNunu nhaka mukati mavo. 50Sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi vakamupa guta raakanga akumbira reTimunatisera romunyika yaEfuraimu yemakomo. Akarivaka patsva ndokubva agaramo.
51Idzi ndidzo nhaka dzakagoverwa nomupristi Ereazari naJoshuwa mwanakomana waNuni navakuru vakuru vamadzinza avaIsiraeri. Vakaigoveranisira kuShiro, nechin'ange pana Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira vakabva vapedza zvavo kugoveranisa nyika iyoyo.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 19: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: