Joshuwa 3
3
B: KUYAMBUKA JORODHANI
1Joshuwa akafumomuka mangwanani akasimuka kuShitimu akaenda kuna Jorodhani pamwechete navaIsiraeri vose, vakambogarapo vasati vayambuka. 2Kwakati kwapera mazuva matatu, vatungamiriri vakapinda mumatendhe, 3vachiudza vanhu vachiti, “Kana mukaona vapristi, vaRevhi vatakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari wenyu, imiwo ibvai masimuka mubve pamunenge muri muritevere, 4ndokuti muzive kwokuenda nako nokuti hamusati mambosvika nokuno. Chiripo chete ndechokuti pakati penyu naro panofanira kuva nechinhambwe chekiromita rimwechete, musasvike pedyo naro.”
5Joshuwa akataurira vanhu achiti, “Zvichenurei nokuti mangwana Tenzi achaita zvinhu zvinoshamisa pakati penyu.”
6Joshuwa akataurira vapristi achiti, “Chitakurai bhokisi rechitenderano mutungamirire vanhu muende mberi kwavo.” Vakatakura bhokisi rechitenderano vakatungamirira vanhu.
7Tenzi akati kuna Joshuwa, “Ndichatangisa nhasi uno kukusimudzira pamusoro mukati mavaIsiraeri vagoziva kuti ndinewe sezvandaingova naMosesi. 8Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.”
9Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Uyai kuno munzwe zvarehwa naTenzi Mwari wenyu.” 10Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti: 11bhokisi rechitenderano raTenzi wepasi pose richakutungamirirai kuyambuka Jorodhani. 12Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga. 13Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.”
14Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. 15Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, 16mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu,#3:16 Gungwa roMunyu: Ndiro gungwa Rakafa. yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. 17Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano vakanyatsomira zvavo pasi pakaoma, pakati paJorodhani, vaIsiraeri vose vachivapfuura kusvikira rudzi rwavo rwose rwayambuka napakaoma.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: