Mariko 11
11
Jesu anopinda muJerusaremu
(Mat 21:1–11; Ruka 19:28–40; Joh 12:12–19)
1Zvavakanga vava kusvika pedyo neJerusaremu, vakasvika kuBhetifage neBhetania pagomo reMiorivhi; akatuma vamwe vavadzidzi vake vaviri 2achivati, “Endai mumusha wakatarisana nemi. Muchangopindamo muchawana gondora redhongi, rakasungirirwa, risina kumbotasvwa nomunhu. Risunungurei muuye naro. 3Kana munhu akakutii, ‘Muri kuzviitirei?’ Muudzei kuti Tenzi ari kurida; acharidzosa nokukurumidza.” 4Vakaenda, vakandowana gondora redhongi rakasungirirwa pamusuo nechapanze pedyo nomugwagwa, vakarisunungura. 5Vamwe vakanga vamirepo vakati kwavari, “Ko ndochii chamavakuita, kusunungura gondora iri redhongi?” 6Vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu, ndokubva vovarega vachienda zvavo. 7Zvino vakaenda negondora redhongi riya kuna Jesu vakawarira hanzu dzavo pamusoro paro akabva aritasva. 8Vazhinji vakawarira hanzu dzavo munzira, vamwe vakawarira mapazu anamashizha avakatemha muminda. 9Zvino vaifamba vari mberi navaimutevera vakadaidzira vachiti;
“Hosana, ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.
10Ngahurumbidzwe umambo hwababa vedu Dhavhidhi.
Huri kuuya.
Hosana kumusorosoro.”
11Zvino Jesu akapinda muJerusaremu ndokundopinda muTemberi. Paakapedza kuongorora zvinhu zvose; akabuda oenda Bhetania pamwechete navane gumi navaviri, nokuti kunze kwakanga kwaenda.
Jesu anorengerera muonde rushambwa
(Mat 21:18–19)
12Fume ramangwana, zvavakanga vachibva kuBhetania akanzwa nzara. 13Ari chinhambwe akaona muonde una mashizha akaenda ikoko kuti zvimwe angawane chinhu pauri. Akasvika pauri asi hapana chaakawana kunze kwamashizha chete, nokuti yakanga isiri nguva yamaonde. 14Ndokubva ati kwauri, “Pasazove nomunhu anodya muchero wako narini.” Vadzidzi vake vakazvinzwa.
Jesu anodzinga vaitengesera muTemberi
(Mat 21:12–17; Ruka 19:45–48; Joh 2:13–22)
15Vakazosvika kuJerusaremu. Akapinda muTemberi, ndokutangisa kudzinga vanhu vaitengesera muTemberi navaitengamo. Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa mari, nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. 16Uye haana kubvumira munhu kuti apfuure nomuTemberi akatakura chinhu. 17Akavadzidzisa achiti, “Hazvina kunyorwa here zvichinzi;
“ ‘Imba yangu ichanzi imba yokunamatira,
yamarudzi ose avanhu,
asi imi makaiita bako ramakororo.’ ”
18Vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo vakazvinzwa, vakatsvaka nzira yokumupfuudza nayo, nokuti vaimutya pamusana pokuti vanhu vazhinji vakanga vachishamiswa norudzidziso rwake. 19Kuzoti ava manheru, vakabuda muguta.
Chidzidzo chomuonde wakaoma
(Mat 21:20–22)
20Fume mangwana, vakapfuura napamuonde uya, vakaona wakaoma nemidzi yose. 21Pita akayeuka ndokuti, “Mudzidzisi tarisai! Muonde uya wamakarengerera rushambwa wakaoma.” 22Jesu ndokuvapindura achiti, “Ivai nechitendero muna Mwari. 23Zvirokwazvo ndinokuudzai kuti, ‘Ani naani anoti kugomo iri simudzwa ukandwe mugungwa,’ asingakahadziki mumwoyo make asi achitenda kuti zvinhu zvaareva zvichaitika, achazviitirwa. 24Naizvozvo ndinoti kwamuri, ‘Chipi nechipi chamunokumbira mumunamato tendai kuti matochipiwa, chichava chenyu. 25Nguva dzose pamunomira muchinamata, kana pano mumwe wamuine chigumbu naye, muregererei, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo zvikanganiso zvenyu.’ ”#11:25 Asi kana musingaregereri vamwe, Baba venyu vari kudenga havachazokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu.
Kunobva simba raJesu
(Mat 21:23–27; Ruka 20:1–8)
27Vakasvika zvakare Jerusaremu. Zvaakanga achifamba muTemberi, vapristi vakuru nenyanzvi dzoMutemo navakuru vakuru vavaJudha vakauya kwaari 28vakati kwaari, “Unoita izvi nesimba raani? Ndiani akakupa simba rokuita izvi?” 29Jesu akati kwavari, “Ndombokubvunzaiwo mubvunzo mumwechete; mundipindure, ndozokuudzaiwo kuti ndinoita izvi nesimba raani. 30Ruombeko rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuvanhu? Ndipindurei” 31Ipapo vakataurirana pachavo vachiti, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga;’ achati, ‘Ko makaregerei kutenda kwaari?’ 32Asi toti here, ‘Rwakabva kuvanhu? Vakanga vachitya vanhu nokuti vose vaiti Johani muporofita chaiye.’ ” 33Saka vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Jesu ndokuvati, “Kana neniwo handikutaurirei kuti ndinoita izvi nesimba raani.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 11: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: