Nehemiya 10
10
1Vakaisa chidhindo chavo, ndaava ava vanoti:
gavhuna wacho Nehemiya
mwanakomana waHakariya kwouya Zedhekiya
2naSeraya naAzariya naJeremiya
3naPashuri naAmariya naMarikiya
4naHatushi naShebhaniya naMaruki
5naHarimu naMeremoti naObhadhiya
6naDhanieri naGinetoni naBharuki
7naMeshuramu naAbhiya naMiyamini
8naMaaziya naBhirigai naShemaya
Ivava ndovaiva vapristi vacho.
9KuvaRevhi paiti:
Jeshua mwanakomana waAzaniya
naBhinui mumwe wevanakomana
vokwaHenadhadhi naKadhimieri,
10nehama dzavo idzi dzinoti:
Shebhaniya naHodhiya naKerita
naPeraya naHanani
11naMika naRehobhu naHashabhiya
12naZakuru naSherebhiya naShebhaniya
13naHodhiya naBhani naBheninu.
14Kuvakuru vakuru ivava, paiti:
Paroshi naPahatimoabhu naEramu
naZatu naBhani
15naBhani naAzigadhi naBhebhai
16kwouya Adhoniya naBhigivhai naAdhini
17naAtero naHezekiya naAzuru
18naHodhiya naHashumu naBhezai
19kwouyawo naHarifi naAnatoti naNebhai
20naMagipiashi naMeshuramu naHeziri
21naMeshezabheri naZadhoki naJadhua
22kwoti Peratiya naHanani naAnaya
23naHoshea naHananiya naHashubhu
24naHaroheshi naPiriha naShobheki
25kwozoti Rehumu naHashabhina naMaaseya
26naAhiya naHanani naAnani
27naMaruku naHarimu naBhaana.
Chibvumirano
28Navamwe vanhu vosewo vaiti vapristi nevaRevhi navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi navashandi vomuTemberi navose vakazvitsaura mukati mavanhu vose vari munharaunda iyoyo pamusana pomutemo waMwari, ivo namadzimai avo navana vavo vakomana navasikana vose vaiva vabve zano vavakuziva, 29vose ivava vakabatana nehama dzavo dzokumba huru mukuzvisunga nechitsidzo chokuti ukarega kuchichengeta unopinda murushambwa chitsidzirano chacho ndechokuti vaizotevera mutemo waMwari waakapa nomuromo waMosesi muranda waMwari uye vachiteerera mirao yose yaTenzi wedu Tenzi pamwechete nezvirevo zvake nezvirongwa zvake.
30Isu hatisi kuzoroodza vana vedu kuvanhu vechirudzi venyika ino kana kuroorera vana vedu vanasikana vavo.
31Kana vanhu vechirudzi venyika ino vakauya nezvinhu zvokuzotengesa kana mbesanwa zvadzo uri musi weSabata, hatisiri kuzovatengera pamusi weSabata kana pane rimwewo zuva rinoera. Pagore rechinomwe roga roga tinorega minda yedu irarire zvayo isina kurimwa, uye vane zvikwereti hatichavabhadharisi.
32Tinozviisirawo mitemo yokuti: pagore roga roga munhu anofanira kubvisa magiramu mana emari yesirivha yeshekeri yokubatsira pamba paMwari.
33Tichabvisawo zvinhu zvebasa remba yaMwari zvinoti: chingwa chepana Mwari, mupiro wembesanwa wezuva nezuva, chibayiro chezuva roga roga neyemaSabata neyepakugara kwemwedzi neyepamazuva makuru akatemwa neyezvinhu zvinoera neyemipiro yokupfupira zvitadzo zveIsiraeri neyebasa rose repamba yaMwari wedu.
34Isuwo vapristi navaRevhi navanhu taita chin'ange kuti tione kuti imhuri ipi ichaunza huni dzokupisa paatari yaTenzi, panguva dzakatemwa gore negore, Mwari wedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo.
35Tinofanira kuendesa mupiro wembesa dzokutanga dzomumunda medu nemichero yokutanga yemiti yose zvayo yomuchero wose wose gore negore kumba yaTenzi 36nokuendasawo kumba yaMwari nokuvapristi vanoita basa romumba yaMwari wedu, matangwe echirume pavana vedu napazvipfuwo zvedu sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo nematangwewo echikono emombe dzedu neezvimwe zvipfuwo 37uyewo kuendesa mikanyiwa yedu yokutanga nezvimwe zvatinobvisa nomuchero womuti wose womuchero newaini namafuta eorivhi kuvapristi kudzimba dzepamba paMwari wedu, tichiendesawo kuvaRevhi zvegumi zvezvirimwa zvedu, nokuti vaRevhi ndivo vane basa rokuunganidza zvegumi zvomumaguta ose omumaruwa medu. 38Mupristi mwanakomana wokwaAroni anofanira kuve nevaRevhi pavanogamuchira zvegumi izvozvo. VaRevhi ivava vanozofanira kuzoendesa chegumi chezvegumi izvozvo kumba yaMwari mumba inochengeterwa zvinhu, 39nokuti vanhu veIsiraeri navanakomana vokwaRevhi vanofanira kuendesa mipiro yembesanwa neyewaini itsva neyemafuta eorivhi kudzimba idzodzo kune midziyo yomunzvimbo inoera navapristi vanoita basa imomo navachengetedzi vepamisuo mikuru navaimbi. Hatingashayire hanya imba yaMwari wedu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemiya 10: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: