Nziyo 115
115
Mwari wechokwadi
1Kwete isu TENZI, kwete isu
asi zita renyu ndiro ngaripiwe mukurumbira
nokuda kwemwoyochena wenyu
nokutendeka kwenyu.
2Marudzi tingaapirei mukana
wokuti vati,
“Mwari wavo aripiko?”
3Mwari wedu ari kumatenga,
anoita zvaanoda.
4Zvifananidzo zvavo zvokunamata,
isirivha nendarama,
zvakaitwa namaoko avanhu.
5Zvine miromo asi hazvitauri;
zvina maziso asi hazvioni.
6Zvine nzeve asi hazvinzwi;
zvine mhuno asi hazvinhuwidzi
7zvina maoko asi hazvigoni kubata;
zvina makumbo asi hazvifambi,
hapana kana izwi razvinogona kuburitsa
nehuro dzazvo.
8Saka vanozviumba vachafanana nazvo;
vachafananawo nazvo vanovimba nazvo.
9Asi vaIsiraeri vanovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10Imba yokwaAroni inovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11Vanotya TENZI vanovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12TENZI anotirangarira;
achatikomborera.
Achakomborera imba yokwaIsiraeri;
achakomborera imba yokwaAroni.
13Achakomborera vanotya TENZI
vakuru navaduku.
14TENZI ngaakuwanziridzei
imi navana venyu.
15Dai makangokomborerwa
naTENZI akasika denga napasi.
16Matenga ndeaTENZI
asi nyika akaipa kuvanhu.
17Vakafa havarumbidzi TENZI
kana vaya vanoenda kurunyararo
18Asi isu ticharumbidza TENZI
kubvira zvino nokusingaperi.
Areruya.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 115: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Nziyo 115
115
Mwari wechokwadi
1Kwete isu TENZI, kwete isu
asi zita renyu ndiro ngaripiwe mukurumbira
nokuda kwemwoyochena wenyu
nokutendeka kwenyu.
2Marudzi tingaapirei mukana
wokuti vati,
“Mwari wavo aripiko?”
3Mwari wedu ari kumatenga,
anoita zvaanoda.
4Zvifananidzo zvavo zvokunamata,
isirivha nendarama,
zvakaitwa namaoko avanhu.
5Zvine miromo asi hazvitauri;
zvina maziso asi hazvioni.
6Zvine nzeve asi hazvinzwi;
zvine mhuno asi hazvinhuwidzi
7zvina maoko asi hazvigoni kubata;
zvina makumbo asi hazvifambi,
hapana kana izwi razvinogona kuburitsa
nehuro dzazvo.
8Saka vanozviumba vachafanana nazvo;
vachafananawo nazvo vanovimba nazvo.
9Asi vaIsiraeri vanovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10Imba yokwaAroni inovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11Vanotya TENZI vanovimba naTENZI;
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12TENZI anotirangarira;
achatikomborera.
Achakomborera imba yokwaIsiraeri;
achakomborera imba yokwaAroni.
13Achakomborera vanotya TENZI
vakuru navaduku.
14TENZI ngaakuwanziridzei
imi navana venyu.
15Dai makangokomborerwa
naTENZI akasika denga napasi.
16Matenga ndeaTENZI
asi nyika akaipa kuvanhu.
17Vakafa havarumbidzi TENZI
kana vaya vanoenda kurunyararo
18Asi isu ticharumbidza TENZI
kubvira zvino nokusingaperi.
Areruya.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.