Nziyo 126
126
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Kukumbira kununurwa
1TENZI paakadzosa isu vatapwa kuJerusaremu
taiita savanhu vari kurota.
2Takaoma mbabvu nokuseka,
takadzivira nzeve nomupururu.
Vechirudzi ndopavakati,
“TENZI akavaitira zvinhu zvikuru.”
3Honguwo TENZI akatiitira zvinhu zvikuru.
Tinofara.
4Dzosai vatapwa vedu TENZI
sezvinoita mafashamo emvura muNegevhu.
5Vanodyara nemisodzi,
vachakohwa vachipururudza nomufaro.
6Vanoenda vachichema
vakatakura mbeu dzondokudyara,
vachazodzoka kumusha
vachipururudza nomufaro
vakatakura zvisote zvavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 126: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Nziyo 126
126
Rumbo rwokukwidza narwo kumusoro.
Kukumbira kununurwa
1TENZI paakadzosa isu vatapwa kuJerusaremu
taiita savanhu vari kurota.
2Takaoma mbabvu nokuseka,
takadzivira nzeve nomupururu.
Vechirudzi ndopavakati,
“TENZI akavaitira zvinhu zvikuru.”
3Honguwo TENZI akatiitira zvinhu zvikuru.
Tinofara.
4Dzosai vatapwa vedu TENZI
sezvinoita mafashamo emvura muNegevhu.
5Vanodyara nemisodzi,
vachakohwa vachipururudza nomufaro.
6Vanoenda vachichema
vakatakura mbeu dzondokudyara,
vachazodzoka kumusha
vachipururudza nomufaro
vakatakura zvisote zvavo.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.