Nziyo 29
29
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Izwi raTENZI rine simba guru
1Ipai TENZI mbiri
imi vokudenga#29:1 Vokudenga: MuchiHebheru munoti vanakomana vavamwari.
ipai TENZI mbiri nesimba.
2Ipai TENZI mbiri yezita rake
gwadamirai TENZI
anechiremera chinoera.
3Izwi raTENZI rinonzwika
pamusoro pemvura.
Mwari wembiri anotinhira
TENZI ari pamusoro pemvura zhinji.
4Izwi raTENZI rine simba,
izwi raTENZI rizere nechiremera.
5Izwi raTENZI rinotyora miti yomusidhari
izwi raTENZI rinotyora
misidhari yokuRebhanoni.
6Anoita kuti Rebhanoni, semhuru,
iite chamurambamhuru
uye Sirioni iite sechigondora chikono.
7Izwi raTENZI rinovaima moto.
8Izwi raTENZI rinondengendetsa renje,
izwi raTENZI rinondengendetsa renje rokuKadheshi.
9Izwi raTENZI rinozunza#29:9 Rinozunza: Kana kuti rinoita kuti nondo dzibereke. mioku
rinokwazhaura masango
uye mutemberi yake vose vanodaidzira
kuti, “Mbiri!”
10TENZI anogara samambo
pamusoro pamafashamo emvura.
TENZI anogara samambo
pachigaro chake nokusingaperi.
11Dai TENZI angopa simba kuvanhu vake.
Dai TENZI angopa vanhu vake
chikomborero chorugare.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 29: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: