Nziyo 38
38
Rwiyo rwaDhavhidhi mupiro wokurangarira.
Munamato womunhu warwara
1TENZI regai kunditsiura muine hasha,
musandirove makashatirwa
2nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo.
Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova.
3Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu
pamusana pokushatirwa kwenyu.
Mumapfupa angu hamuna utano
pamusana pechitadzo changu
4nokuti uipi hwanditi momote musoro,
hunondiremera somutoro
wandisingagoni kutakura.
5Maronda angu ava kuora
uye avakunhuhwa
pamusana poupenzi hwangu.
6Ndanyatsoti kokova, ndakombama
ndinofamba ndichiungudza zuva rose.
7Muchiuno mangu muri kundipisa,
hapana papenyu mumuviri wangu.
8Ndachiti rukutu ndapera basa ini.
Ndinowuwura nokuda kwokushushika
kwangu mumwoyo.
9TENZI zvandinosuwira munozviziva
kugomera kwangu kuri pachena kwamuri.
10Hana yangu inorova, uye ndapera simba,
maziso anguwo avakuonera madzerere.
11Hama neshamwari dzavakumirira kure neni
nokuda kwechirwere changu.
Vapadyo vava kutaramukana neni.
12Vanoda kundiuraya vanonditeya
vanoda kundikuvadza
vanotaurirana zvokundiparadza
vanoswerondirangana zuva rose.
13Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi
sechimumumu chisingatauri.
14Chokwadi ndinoita samatsi
anomukanwa musina gakava.
15Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI
asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura
16nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira
vanondidadira kana ndatsvedza.”
17Ndavakuda kuputsika
uye ndiri kuramba ndichirwadziwa.
18Ndinoreurura zvitadzo zvangu
ndine urombo nechivi changu.
19Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda
uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji.
20Vanondiitira zvakaipa,
ini ndichivaitira zvakanaka,
vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka.
21Musandirasewo TENZI,
Mwari wangu musave kure neni.
22Kurumidzai kuzondibatsira
Imi TENZI muponesi wangu.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 38: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Nziyo 38
38
Rwiyo rwaDhavhidhi mupiro wokurangarira.
Munamato womunhu warwara
1TENZI regai kunditsiura muine hasha,
musandirove makashatirwa
2nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo.
Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova.
3Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu
pamusana pokushatirwa kwenyu.
Mumapfupa angu hamuna utano
pamusana pechitadzo changu
4nokuti uipi hwanditi momote musoro,
hunondiremera somutoro
wandisingagoni kutakura.
5Maronda angu ava kuora
uye avakunhuhwa
pamusana poupenzi hwangu.
6Ndanyatsoti kokova, ndakombama
ndinofamba ndichiungudza zuva rose.
7Muchiuno mangu muri kundipisa,
hapana papenyu mumuviri wangu.
8Ndachiti rukutu ndapera basa ini.
Ndinowuwura nokuda kwokushushika
kwangu mumwoyo.
9TENZI zvandinosuwira munozviziva
kugomera kwangu kuri pachena kwamuri.
10Hana yangu inorova, uye ndapera simba,
maziso anguwo avakuonera madzerere.
11Hama neshamwari dzavakumirira kure neni
nokuda kwechirwere changu.
Vapadyo vava kutaramukana neni.
12Vanoda kundiuraya vanonditeya
vanoda kundikuvadza
vanotaurirana zvokundiparadza
vanoswerondirangana zuva rose.
13Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi
sechimumumu chisingatauri.
14Chokwadi ndinoita samatsi
anomukanwa musina gakava.
15Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI
asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura
16nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira
vanondidadira kana ndatsvedza.”
17Ndavakuda kuputsika
uye ndiri kuramba ndichirwadziwa.
18Ndinoreurura zvitadzo zvangu
ndine urombo nechivi changu.
19Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda
uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji.
20Vanondiitira zvakaipa,
ini ndichivaitira zvakanaka,
vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka.
21Musandirasewo TENZI,
Mwari wangu musave kure neni.
22Kurumidzai kuzondibatsira
Imi TENZI muponesi wangu.
Zvasarudzwa nguva ino
:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.