Nziyo 68
68
Muimbisi, urwu rwiyo rwaDhavhidhi rwokurumbidza. Rumbo.
Rumbo rwenyika kana yakunda
1Mwari ngaasimuke
vavengi vake vaparadzwe.
Vanomuvenga ngavatize
pamberi pake.
2Sokuvhuvhutwa kunoitwa utsi, vatinheiwo.
Sokunyongodeka kunoita namo pamoto;
vakaipa ngavapararewo pamberi paMwari.
3Asi vakarurama ngavafare pamberi penyu;
vapembere kwazvo nokufara
pamberi paMwari.
Ngavafarisise kwazvo norufaro.
4Imbirai Mwari,
muimbirei muchirumbidza zita rake.
Shaurai rumbo kuna iye
anofamba nomumakore,
zita rake ndiYahweh,
pemberai nokufara pamberi pake.
5Mwari, munzvimbo yake inoera,
ndiBaba wenherera
nomudziviriri wechirikadzi.
6Mwari anopa vasina chavanacho
musha wokugara.
Anoburitsa vasungwa
achivaendesa mukugarika
asi vapanduki vanogara murenje.
7Imi Mwari pamakatungamirira
vanhu venyu,
pamakafamba nomurenje,
Dzepfunde
8nyika yakandengendeka,
matenga akadurura mvura
nokuvapo kwenyu Mwari.
Iro gomo reSinai rakandengendeka
nokuvapo kwaMwari,
Mwari weIsiraeri.
9Mwari makanaisa mvura yakawanda,
makararamisa nhaka yenyu
yakanga yavakuparara.
10Vanhu venyu vakaita musha mairi
Mwari nokuda kokunaka kwenyu munowanisa
varombo chokuvararamisa nacho.
11TENZI anongoti taurei chete
vanotakura mashoko
acho vakawanda.#68:11 Vakawanda: Aya ndiwo maturikirwo angaitwawo ndima idzi vari kuti, “Madzimambo ari kutiza. Madzimai kumusha vatogoverana zvakapambwa. Kunyange avo vasara pakati pezvipfuwo vane zvishongo zvenyika dzina mapiro akafukidzwa nesirivha nendarama neminhenga yakafukidzwa nendarama.” Vari kuti,
12“Madzimambo ehondo chaidzo anotiza, anotiza kumusha,”
madzimai anenge avakutogovana zvakapambwa.
13Kunyange munhu ari mukati mezvipfuwo zvako
mapapiro enjiva Isiraeri
anenge achiiswa sirivha,
mapapiro ayo achiiswa
ndarama yeruvara rwemashizha manyoro.
14Samasimbaose paakamwararisa madzimambo,
chando chakanaya paZarimoni.
15Gomo ravamwari, gomo reBhashani,
gomo remisoro mizhinji, gomo reBhashani.
16Munotarisireiko neshanje imi makomo
ane misoro mirefu kugomo
rakasarudzwa naMwari kuti agare,
TENZI paachagara nokusingaperi.
17Ngoro dzehondo dzaMwari
igurusvusvu negurusvusvu kuwanda,
mazana zvawo akazanirana.
TENZI ari pakati padzo
achibva kugomo reSinai
achindopinda munzvimbo inoera.
18Makakwira gomo refu
muchitungamirira nhapwa
makagamuchira mutero
mukati mavanhu,
kunyange pakati pavanopandukira
TENZI Mwari anogaramo.
19TENZI ngaarumbidzwe
anotitakurira nhamo zuva nezuva.
Mwari ndiye ruponeso rwedu.
Dzepfunde
20Mwari wedu ndiMwari woruponeso,
TENZI Mwari ndiye anonunura kurufu.
21Mwari achapwanya misoro yavavengi vake,
musoro uchine vhudzi
womunhu anorambirira mukutadza kwake.
22TENZI akati,
“Ndichavaunza#68:22 Ndichavaunza: Kana kuti ndichadzoka kana kuti ndichavadzora (vachireva vaIsiraeri.) kubva kuBhashani;
ndichavaudza kubva kuudzamu hwegungwa
23kuti mushambe tsoka dzenyu muropa,
rurimi rwembwa dzenyu
ruwanewo chikamu charwo chomuvengi.”
24Dungwerungwe renyu rinooneka, Mwari
dungwerungwe raMwari wangu, mambo wangu,
richienda munzvimbo inoera.
25Vaimbi vari mberi,
vokuridza zvinoridzwa vari kokupedzisira;
pakati pavo paine mhandara dzichiridza tambureni.
26Rumbidzai Mwari mugungano guru
rumbidzai TENZI imi vedzinza rokwaIsiraeri.
27VokwaBhenjamini vedzinza diki ndivo vari kutungamira
vakuru vakuru vokwaJudha hero zararira,
vakuru vakuru vokwaZebhuroni
navakuru vakuru vokwaNafutari.
28Kokai simba renyu Mwari
ratidzai simba ramakambotishandisira, Mwari
29richibva kutemberi iri kuJerusaremu.
Madzimambo kwavanouya nezvipo.
30Tsiurai chikara chinogara mukati metsanga;
handira dziri mukati memarudzi achiri mhuru zvadzo
kusvikira vavakuhuta vachiunza sirivha,
mwararisai marudzi anofarira hondo.#68:30 Tsiurai: Ndima iyi hainyatsonzwisisika.
31Nhumwa dzokwamambo dzichabva kuIjipiti
Itiopia ichasimudza maoko ayo kuna Mwari.
32Imbirai Mwari imi nyika dzapasi
imbirai muchirumbidza TENZI.
Dzepfunde
33Vaimbire iye anofamba ari pamatenga,
matenga akare.
Iye anodzvova
nezwi rake, izwi rake rine simba.
34Itii Mwari ane simba,
iye anobata ushe hweIsiraeri,
simba rake riri mumatenga.
35Mwari anotyisa
ari muNzvimbo yake inoera
Mwari weIsiraeri.
Anopa ukuru nesimba
kuvanhu vake.
Mwari ngaarumbidzwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 68: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: