Nziyo 70
70
Muimbisi, urwu rwiyo rwaDhavhidhi.
Kukumbira Rubatsiro
1Mwari farirai kundinunura
Mwari chimbidzai kundibatsira.
2Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe
vadumbirwe nazvo;
ngavadzorwe vanyadziswe vanoda kundikuvadza.
3Vanondisveeredza ngavakatyamare pamusana
pokunyara kwavo vanonditi tsvatu waro tsvatu waro.
4Vose vanokutsvakai
ngavapembere nokufara mamuri.
Vanoda ruponeso rwenyu
ngavarambe vachiti,
“Mwari mukuru.”
5Asi ini ndiri murombo
nomunhu asina chaanacho
kurumidzai kuuya kwandiri Mwari.
Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu
TENZI musanonoke.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 70: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: