Tobhiti 1
1
Madzitateguru aTobhiti
1Heinoi nyaya yaTobhiti mwanakomana waTobhieri mwanakomana waAnanieri aberekwa naAdhueri mwanakomana waGabhaeri wemhuri yaAsieri wedzinza rokwaNafutari, 2akatapwa mumazuva aSharimanasa mambo wevaAsiria kubva kuTishibhe guta riri kumaodzanyemba kweKedheshi rokwaNafutari muGarirea kumusoro kweHazori, kwakadziva kumadokero kuri kuchamhembe kweShefati.
I: KUTAPWA KWATOBHITI
3Ini Tobhiti, ndakafamba namakwara echokwadi mazuva ose oupenyu hwangu, ndichiita mabasa akarurama. Ndakapa zvinhu zvakawanda kwazvo zvokubatsira hama dzangu navamwe vokunyika kwangu vandakaenda navo kuNinevhe munyika yavaAsiria. 4Zvino zvandakanga ndiri kunyika yokwangu, nyika yeIsiraeri, ndichiri jaya, vedzinza rose rokwaNafutari, tateguru wangu, vakazvitsaura kune vemba yokwaDhavhidhi vokuJerusaremu, iyo iriyo nzvimbo yakanga yasarudzwa mumadzinza ose okwaIsiraeri kuti vapirire zvibayiro ikoko. Ndiko kwakanga kwateketererwa kuna Mwari Temberi yougaro hwoWokumusorosoro kuti ivepo kwezvizvarwa nezvizvarwa zvavo zvose narini narini. 5Hama dzokwangu dzose navanhu vose vemba yokwaNafutari vaipira zvibayiro kuchimhuru chakanga chaumbwa naJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri kuDhani mumakomo eGarirea.
6Kazhinji, ndaingoenda ndoga zvangu kuJerusaremu kumazuva makuru maererano nomutemo unosunga Isiraeri yose wokugara nokugara. Ndaimhanyira Jerusaremu nezvomuminda zvaitanga kuibva namatangwe ezvipfuwo nechegumi chezvipfuwo nechemvere dzokutanga kuveurwa. 7Ndaizvipa kuvapristi vanakomana vokwaAroni kuti zvipirwe paatari. Ndaipawo kuvaRevhi vaishanda kuJerusaremu chegumi chewaini nechembesanwa nechemaorivhi nechemapomegiraneti nechemimwewo michero. Kwamakore matanhatu akatevedzana, ndaitora chikamu chechipiri chezvegumi izvozvo, yava mari, ndoenda nacho kundochipereka kuJerusaremu. 8Chimwe chikamu chazvo chechitatu ndaichipa kunherera nokuchirikadzi nokuvatorwa vakanga vapinduka vogara mukati mavaIsiraeri. Ndaivavigira izvozvo sechipo, gore rechitatu roga roga. Pataidya kudaro tainge tichichengeta zvakatemwa muMutemo waMosesi pamwechete nezvataikurudzirwa kuita naDebhora, amai vababa vedu Ananieri nokuti baba vangu vakanga vafa vandisiya ndava nherera. 9Ndakazoti zvino ndava murume mukuru, ndakaroora mukadzi wokurudzi kwedu ainzi Ana. Akandiberekera mwana mukomana wandakatumidza zita rokuti Tobhiya.
Kuva pachokwadi kwaTobhiti ari muutapwa
10Pakauya zvokutapwa kwavanhu vachiendeswa kuAsiria, ini ndakatutwawo ndikaendeswa kuNinivhe. Vakoma navanun'una vangu vose pamwechete navanhu vorudzi rwedu, vaidya zvavo kudya kwavanhu vechirudzi. 11Asi ini pachangu handina kumbodya kudya ikoko kwavanhu vechirudzi 12uye pamusana pokuti ndakaramba ndakati kwati naMwari wangu nomwoyo wangu wose, 13iye Wokumusorosoro akaita kuti Sharimanasa andifarire akabva andiita kuti ndive wokutenga zvaidiwa kwamambo. 14Kudzamara parufu rwake, ini ndini ndaifamba nzendo dzokuMidhia kwandaimumiririra senhumwa panyaya dzake ndikachengetesa Gabhaeri mukoma nomunun'una naGabhiriasi masaga matatu ana makirogiramu makumi mana, emari yesirivha yamashekeri kuRagesi muMidhia.
15Pakafa Sharimanasa, mwanakomana wake Senakeribhu ndiye akazotonga mushure make migwagwa yokuMidhia ikavharwa. Handinawo kuzokwanisa kuendako.
Mabasa akanaka etsitsi aTobhiya
16Mumazuva acho aSharumanesa, ndaipa zvinhu zvokubatsira hama dzangu vorudzi neni. 17Ndaipawo chokudya kune vane nzara ndichipawo zvokupfeka kuna vakanga vasina chokupfeka. Ndaiti ndikaona zvitunha zvovokwangu zvakarasirwa kunze kwemasvingo eNinivhe ndozvitora ndozviviga.
18Ndakavigavo vakaurayiwa naSenakeribhu nokuti paakadzoka achitiza kuJudhia zvamuipira, mushure mokunge Mambo Wedenga amurangira kushonha Mwari kwake. Senakeribhu akasvikopedzera shungu dzake mukuuraya vaIsiraeri vazhinji. Ndaitoita zvokunzvengesa zvitunha zvavo ndichivaviga. 19Senakeribhu aizvitsvaka achizvishaya. Mumwe mugari womuNinivhe ndiye akazondondichera kuna mambo kuti ini ndini ndaivaviga muchivande. Kuzoti ndazviziva kuti zvandaiita zvakasvitswa munzeve dzamambo uye ndikatozvionawo kuti ndiri kutovhimwa navanhu vari kuda kundiuraya ndakatya ndikatiza. 20Ndakatorerwa zvinhu zvangu zvose, zvikabvutwa zvose zvazvo zvikava zveHurumende. Hapana chandakasara nacho kusiya chete mudzimai wangu Ana nomwanakomana wangu Tobhiya.
21Mushure maizvozvi, kusati kwambopera mazuva makumi mana, mambo akaurayiwa navanakomana vake vaviri, ivo ndokutizira kumakomo eArarati. Mwanakomana wake Esarihadhoni ndiye akazotonga mushure make. Ahikari mwanakomana womukoma wangu Anaeri akapiwa basa namambo rokuva gurukota guru renyika iyi rokuona nezvemari nerokufambisa zvinhu. 22Ahikari akazondireverera kuna mambo ndikabva ndazobvumidzwa kudzokera zvangu kuNinivhe sezvo Ahikari uyu akanga ari mukuru mukuru wokuona nezvewaini yokwamambo, ariye muchengeti wechidhindo; aifambisa basa rose, ari iye gurukota rokuona nezvemari Senakeribhu mambo weAsiria achiri kutonga, Esarihadhoni akamurega achingova zvake pabasa irori. Iye aitova hama yangu, ari mwana kwandiri.
Zvasarudzwa nguva ino
Tobhiti 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: