1 Samueri Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raSamueri nderimwe ramabhuku enhoroondo yavaIsiraeri. Vanhu vakuru vakuru vanotaurwa nezvavo imomo ndiSamueri muporofita naSauro naDhavhidhi madzimambo. Samueri ndiye akava mutongi wokupedzisira kwava kuuya madzimambo. Mwari akasarudza Sauro kuva mambo wokutanga weIsiraeri. Akazotorerwa nzvimbo naDhavhidhi.
Nyange bhuku iri riri renhoroondo zvarinodzidzisa zvinoti: zvakanaka kuva munhu akatendeka uye anovimbika pana Mwari; kusateerera Mwari kunounza nyatwa chaidzo. (1 Sam 2:30) Rinotidzidzisawo nezvebasa guru ravaporofita nokukosha nokuera kwakaita upristi kuna Mwari asi zvikuru rinoratidza kuti mambo ari pasi paMwari. Uye Mwari ndiye anoramba ari mambo wavanhu vake vaIsiraeri.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga raSamueri
Samueri somutongi weIsiraeri (1:1—7:17)
Sauro anogadzwa umambo (8:1—10:27)
Makore okutanga kutonga kwaSauro (11:1—15:35)
Sauro naDhavhidhi (16:1—30:31)
Rufu rwaSauro navana vake (31:1–13)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri Zviri mubhuku rino: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: