1 Vatesaronika Zviri mutsamba yokutanga kuvaTesaronika
Zviri mutsamba yokutanga kuvaTesaronika
Tsamba yokutanga kuvaTesaronika inotorwa setsamba yokutangisisa yaPauro kuvaKristu. Tesaronika rakanga riri iro guta guru renyika yeMasedhonia. Chinangwa chokunyora tsamba iyi kwavari chaiva chokuti Pauro aida kukurudzira vatendi vakanga vapindukira kuchiKristu kuenderera mberi nechitendero chavo nokugadziridza zvakanga zvavakurasika gwara kwaro uyewo kuvayambira kuipa kwakaita mugariro usina nduramo nousiri pachokwadi. Vazhinji vavo vakanga vari vanhu vakanga vasiri vaJuda.
Tsamba iyi inogona kuiswa muzvikamu zvikuru zviviri zvinoti: chokutanga (1—3) chinotarisa shure nokutenda zvakaitwa nesangano iri. Chikamu chechipiri (4—5) chinotarisa mberi kuti sangano iri ringakure sei. Zvikuru zvikuru zvinotaurwa mutsamba iyi ndezvizvi zvokuti: Pauro anotaura nezvokukosha kwokutendeuka zvechokwadi kunoyemurika kwakaitika kwavari nokuti Mwari akanga achishanda mavari achishandisawo iye Pauro naSirasi somuenzaniso wokuti vatevedzere (1–2). Anotaura nezvokuti vanofanira kugara upenyu hwakanaka. Chimwe chikuru chaanotaura ndechozvokudzoka kwaKristu uye kuti chii chinoiitika kuvakafa vedu (3—5).
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokutanga kuvaTesaronika
Kusuma (1:1)
Upenyu nechitendero chekuTesaronika (1:2–10)
Basa raPauro muTesaronika (2:1–16)
Pauro anoshanyirazve Tesaronika (2:17–20)
Kutumwa kwaTimoti kuTesaronika (3:1–13)
Upenyu hunofadza Mwari (4:1–12)
Vapenyu navakafa pakuuya kwaTenzi (4:13–18)
Garai makagadzirira kuuya kwaTenzi (5:1–11)
Mazwi okuonekana (5:12–28)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Vatesaronika Zviri mutsamba yokutanga kuvaTesaronika: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: