1 Timoti 2
2
1Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: 2madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. 3Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu 4anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi. 5Nokuti kuna Mwari mumwechete uye kuno munhu mumwechete anobatanidza isu vanhu naMwari, munhu iyeyo ndiJesu Kristu. 6Akazvipira kuti ave chokutinunura nacho tose. Izvi zvakazopupurirwawo panguva yazvo. 7Izvozvi ndizvo zvandakasarudzirwa kuti ndive muparidzi nomupositori nomudzidzisi wevechirudzi muchitendero nomuchokwadi. Ndiri kutaura chokwadi handisi kureva nhema. 8Munzvimbo dzose ndinoda kuti varume vanamate vakasimudza maoko matsvene vasina hasha kana gakava 9uye kuti vakadzi vazvishongedze zvine mwero zvino hunhu vaine hanzu dzine chimiro vasingagadziri vhudzi ravo zvokunanisira kana kurishongedza nendarama kana namatombo anokosha amapera kana hanzu dzinodhura 10asi zvishongo zvavo ngazvive mabasa akanaka sezvinokodzerana navakadzi vanotya Mwari. 11Mukadzi ngaadzidze chinyararire nokuzvidukupisa kose. 12Handibvumiri mukadzi kudzidzisa kana kuva nesimba pamusoro pomurume; anofanira kunyarara 13nokuti Adhamu ndiye akatanga kusikwa ndokuzouya Evha. 14Adhamu haasiriye akafurirwa asi mukadzi ndiye akafurirwa akava mutadzi. 15Mukadzi anonunurwa zvake nokubereka vana kana akaramba ari muchetendero uye aine rudo noururami.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Timoti 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: