1 Timoti 4
4
Vadzidzisi venhema
1Mweya Mutsvene anotaura pachena kuti pamazuva okupedzisira vamwe vachakanda pasi chitendero pamusana pokuteerera mweya inonyengedza nezvidzidziso zvemweya yakaipa 2zvinodzidziswa navarevi venhema vanobata vanhu kumeso vane hana dzakadhindwa nomuchiso 3vanoti vanhu ngavarege kuroorana varege kudya zvimwe zvokudya zvakasikwa naMwari zvinofanira kugamuchirwa nokutenda navanhu vanodavira vachiziva chokwadi. 4Chikonzero ndechokuti chinhu chose chakasikwa naMwari, chakanaka uye hapana chinofanira kurambwa asi ngachigamuchirwewo nokutendwa 5pakadaro chinenge chatoyereswa neShoko raMwari nomunamato.
6Izvi ukazvidzidzisa vehama unenge wava mushandi wakanaka waKristu Jesu akapiwa chokudya chamazwi echitendero norudzidziso rwakanaka rwawakatevera. 7Siyana nengano dzisina Mwari uye dzisina musoro. Zvidzidzise kuita zvina Mwari mukati. 8Kuzviswatudza muviri kune basawo asi kuzviswatudza kune zvaMwari kunobatsira nenzira dzose nokuti kunotsidzira mubayiro paupenyu hwapasi pano noupenyu hwokudenga. 9Iyi itsumo yakanaka uye inonyatsogamuchirika. 10Izvozvi ndizvo zvatinobindukira tichishingairira nokuti chitarisiro chedu chiri muna Mwari mupenyu, mununuri wavanhu vose zvikuru avo vanotenda. 11Unofanira kutaura uchidzidzisa zvinhu izvi. 12Ngaparege kuva nomunhu anokushora pamusana pokuti uri muduku asi iwe iva muenzaniso wakanaka kuna vatendi mukutaura nomuzviito nomurudo nomuchitendero nomuutsvene. 13Kusvikira ndauya, verengera vanhu Magwaro Matsvene uchiparidza uye uchidzidzisa. 14Usarege kuita hanya nechipo chaunacho chawakapiwa nezwi rechiporofita, dare ravakuru vakuru vesangano pavakaisa maoko avo pauri. 15Ita zvinhu izvi uzvipire mazviri kuti vose vaone kubudirira kwako. 16Zvichenjerere iwe pachako uchichenjererawo zvaunodzidzisa. Zvibatisise izvozvo nokuti nokuita izvozvo unozviponesa iwe pachako navanokunzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Timoti 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: