2 Nhoroondo 24
24
Joashi mambo wokwaJudha
(2 Madzi 12:1–16)
1Joashi akanga ava namakore manomwe paakatanga kutonga. Akatonga kwamakumi mana emakore ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Zibhiya vokuBheerishebha. 2Joashi akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi mazuva ose oupenyu hwomupristi Jehoyadha. 3Jehoyadha akamuroorera vakadzi vaviri ndokubva ava navana vakomana navasikana.
4Shure kwaizvozvi Joashi akaronga kugadzira imba yaTenzi. 5Akakokorodza vapristi nevaRevhi akavati, “Endai kumaguta omunyika maJudha muunganidze mari yokugadzirisa imba yaMwari wenyu gore negore, mukurumidze kuita izvozvo.” Asi vaRevhi havana kuchimbidzika. 6Mambo akadaidza mukuru wacho Jehoyadha akamuti, “Ko makazoregereiko kuti vaRevhi vaunze maJudha umu nomuJerusaremu mutero womutendhe rechitenderano wakatemwa naMosesi muranda waTenzi negungano reIsiraeri?”
7Zvaiva zvaitika ndezvokuti vanakomana vaAtariya mukadzi wokuipa mwoyo uya vakanga vapaza vakapinda mumba yaTenzi uyewo vakanga vashandisira vanaBhaari zvinhu zvose zvaiva zvateketererwa kuna Mwari zvepamba paTenzi.
8Ipapo mambo akapa chirevo vakagadzira zibhokisi guru rikaiswa nechokunze pasuo guru remba yaTenzi. 9Kwakaziviswa maJudha mose nomuJerusaremu kuti kuna Tenzi kuunzwe mutero wakatemerwa vaIsiraeri vachiri murenje naMosesi muranda waMwari. 10Machinda ose navanhu vose vakafara kwazvo vakaunza mutero wavo vachikanda muzibhokisi iri kusvikira vazopedza. 11Zibhokisi guru iri parakaunzwa navaRevhi kumachinda amambo ivo vaiti vakaona kuti mune mari yawanda; samunyori mukuru wokwamambo nomuchinda womupristi mukuru vaiuya voibvisa muzibhokisi racho voritakura voridzosera panzvimbo paro. Ndozvavaiita zuva nezuva vakaunganidza mari yakawanda.
12Mambo naJehoyadha vaizoipa kune vaiva vokuona nezvebasa remba yaTenzi; ivavowo vaizobhadhara vokuvaka namatombo navavezi kugadzira imba yaTenzi uyewo nemhizha dzezvinhu zvesimbi nezvendarira kuti imba yaTenzi igadzirwe. 13Nokudaro vanhu vaiva vokuita basa irori vakashanda. Mumaoko avo, basa iri rakaramboitwa vakagadzira imba yaMwari kudzosera voiita zvayakanga yakaita vachiisimbisa. 14Pavakapedza, imwe mari yose yakanga yasara vakaiendesa kuna mambo navaJehoyadha ikagadziriswa midziyo yomumba yaTenzi yokushandisamo neyepamipiro yokupisa uye nemadhishi orusenzi nemidziyo yendarama neyesirivha.
Maitiro omupristi Jehoyadha akasara okandwa pasi
Vakazogara zvino vachipira mipiro yokupisa mumba yaTenzi mazuva ose oupenyu hwavaJehoyadha. 15Asi kwakati zvino vaJehoyadha akwegura aita ndaramo chaiyo, akafa. Akafa ava nezana remakore rine makore makumi matatu. 16Vakamuviga muguta raDhavhidhi maivigwawo madzimambo pamusana pokuti akanga aita zvakanaka muIsiraeri kuna Mwari nokutemberi yake.
17Mushure mokufa kwaJehoyadha, machinda okwaJudha akaenda akandogwadamira mambo, mambo akabvumirana nezvavakataura. 18Vakafuratira imba yaTenzi, Mwari wamadzibaba avo vakandonamata zvifananidzo zviAshera nezvimwe zvifananidzo zvokunamata. Mhaka iyoyi yakapfukira vokwaJudha nevomuJerusaremu. 19Mwari akatuma vaporofita mukati mavo kuti vavadzorere kuna Tenzi, ivava ava vakavayambira asi havana kumboteerera. 20Mweya waMwari wakafukidza Zekariya mwanakomana wavaJehoyadha mupristi akamira pakadaro apo akatarisa pavanhu akati kwavari, “Zvanzi naTenzi munodarikirei mitemo yaTenzi zviri kukusakisai kudai kuti mutadze kubudirira? Pamusana pokuti mafuratira Tenzi iyewo akufuratiraiwo.” 21Asi ivo vakamuitira bangano. Mambo akamuurayisa navanhu vakamutema namatombo muchivanze chemba yaTenzi. 22Mambo Joashi haana kumborangarira mwoyochena waakaitirwa nababa vaZakaria vaJehoyadha asi kuti akatouraya mwanakomana wake iyeyu. Paakanga ava kufa akati, “Tenzi ngaakuonei awane zvaangaite nemi.”
Magumo okutonga kwamambo Joashi
23Kuzoti gore ropera hondo yavaSiria yakauya kuzorwisa Joashi. Yakauya kwaJudha nokuJerusaremu ikaparadza mukati mevanhu machinda ose avanhu ikatumira zvinhu zvayo zvose zvayakapamba kuna mambo weDhamasikusi. 24Kunyange zvazvo hondo yavaSiria iyi yakanga yauya navarume vokurwa vashomanini, Tenzi akaisa mumaoko avo hondo huru kwazvo nokuti vakanga vafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba avo. Ndozvakaita vaSiria kuranga Joashi.
25Pavakabva paari vakamusiya akuvara kwazvo. Makurukota ake akarangana kumupandukira pamusana peropa raakadeura ravanakomana vokwaJehoyadha mupristi vakabva vamuuraya pamubhedha wake akafa. Vakamuviga muguta raDhavhidhi, asi havana kumuviga mumakuva emadzimambo.
26Vananyakumupandukira ava ndivanaZabhadhi mwanakomana wavaShimea mumwe mukadzi wechiAmoni naJehozabhadhi mwanakomanawo womumwe mukadziwo wechiMoabhu ainzi Shimuriti. 27Nyaya dzezvevana vake vakomana nokutsiurwa kwose kwaaiitwa naMwari nokugadzira kwaakaita imba yaMwari zvakanyorwa Mubhuku Rokutsanangura zviri muBhuku reMadzimambo. Mwanakomana wake, Amaziya, ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 24: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: