2 Nhoroondo 26
26
Uziya mambo wokwaJudha
(2 Madzi 14:21–22; 15:1–7)
1Vanhu vose vokwaJudha vakatora Uziya akanga ava namakore gumi namatanhatu vakamugadza umambo panzvimbo pababa vake Amaziya. 2Akavaka guta reEroti akaridzosera kune vokwaJudha mushure mokunge mambo aendawo kwakaenda vamwe madzitatuguru ake.
3Uziya akanga ava namakore gumi namatanhatu paakatanga kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu namaviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi vaJekoriya vomuJerusaremu. 4Iyeyu akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi sezvakaitwa nababa vake Amaziya. 5Akaisa mwoyo mune zvokutsvaka Mwari mumazuva oupenyu hwavaZekariya vaimudzidzisa kutya Mwari achitsvaka Tenzi kudaro, Mwari akaita kuti abudirirewo.
6Akabudira vaFirisitia akandovarwisa akapaza rusvingo rweguta reGati norusvingo rweguta reJabhune norusvingo rweguta reAshidhodhi. Akavaka maguta mudunhu reAshidhodhi nokumwewo mukati mevaFirisitia. 7Mwari akamubatsira kurwisa vaFirisitia nevaArabhu vaigara kuGurubhaari uye kurwisa vechiMeuni. 8VaAmoni vaitera mutero kuna Uziya, mukurumbira wake ukasvika kumuganhu neIjipiti kwose nokuti akanga azova nemasimba kwazvo.
9Chimwe ndechokuti, Uziya akavaka nharire muJerusaremu pasuo guru repaKona nesuo guru rokuBani napakona pacho akadzivakirira norusvingo. 10Akavakawo nharire kurenje akafonon'ona mabwe kuita magaringiro mazhinji okuchengetedza mvura nokuti aiva namatanga namatanga emombe makuru kwazvo kunyika yamanhika yeShefera nokubani. Aivawo navarimi nevokuchengetedza migirepisi muzvikomo nomuminda ine vhu chairo rakanaka pamusana pokuti zvourimi izvi aizvida.
11Chimwewo ndechokuti Uziya uyu akanga aine hondo yevarwi vaigona kuenda kuhondo vari chikwata nechikwata sokuverengwa kwavakaitwa vachirongwa nasamunyori mukuru Jeieri nerimwe jinda rainzi Maaseya vachitungamirirwa naHananiya mumwe wevatungamiriri vokwamambo. 12Vakuru vakuru vedzimhuri vaiva mvumba chaidzo, magamba okurwa hondo vose pamwechete vaiva zviuru zviviri zvine mazana matanhatu avanhu. 13Vaitungamirira hondo yavarwi yaiita zviuru mazana matatu ane zvinomwe ane vanhu mazana mashanu vaikwanisa kurwa hondo nesimba guru kwazvo vokubatsira mambo kurwisa muvengi. 14Uziya akagadzirira hondo yose nhoo nemapfumo nenguwani dzoutare nemademautare okuzvidzivirira nawo nouta namatombo okukanda nezvimviriri. 15MuJerusaremu akagadzirira michini yakanga yafungwa ikagadzirwa nedzimwe ngwazi dzavanhu kuti ishandiswe panharirire nepamakona yokukandisa miseve namatombo. Mukurumbira wake wakapararira kure kure nokuti akabatsirwa zvisina akamboona kudakara ava namasimba.
Shamhu yemaperembudzi yakapiwa Uziya
16Pakanga zvino Uziya ava namasimba kudaro akatanga kuzvikudza zvikazomuparadza. Chakaitika ndechokuti haana kuva pachokwadi naTenzi, Mwari wake. Akapinda mutemberi yaTenzi kundopisa rusenzi paatari yourusenzi. 17Asi mupristi Azariya pamwechete nevapristi vaTenzi vane chivindi makumi masere vakamuteveramo. 18Vakasvikira mambo Uziya vakamuti, “Uziya iwe zvokupisira rusenzi kuna Tenzi hazvisi zvenyuka izvi, asi ndezvevapristi vanakomana vokwaAroni vakateketererwa kuna Mwari kuti vapise rusenzi. Ibva munzvimbo inoera nokuti watotadzira Tenzi Mwari haambokuremekedza nazvo.”
19Uziya akashatirwa, izvozvo akanga akabata mumaoko bisiro rokupisira rusenzi. Ashatirirwa vapristi kudaro, akabva abuda maperembudzi pahuma pake, pana vapristi ipapo mumba yaTenzi pedyo neatari yorusenzi. 20Azariya mupristi mukuru navapristi vose vakatarisa kwaari, onei atova nemaperembudzi pahuma. Vakamuburitsa nokukurumidza. Iyewo akakasika kubuda nokuti Tenzi akanga amurova neshamhu.
21Mambo Uziya akazogara ava munhu ana maperembudzi kudzimara musi wokufa kwake. Somunhuwo aiva nemaperembudzi kudaro aigara ari kwake oga mumba, pamusana pokuti akanga asisabvumirwe mumba yaTenzi. Mwanakomana wake Jotamu ndiye akava samusha womumuzinda wamambo achitonga vanhu munyikamo.
22Dzimwe nyaya dzezvaUziya kubvira pakutanga kusvikira pakupedzesera dzakanyorwa nomuporofita Isaya, mwanakomana waAmozi. 23Uziya akazovatawo oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake. Vakamuviga pamwechete nemadzibaba ake kunzvimbo yemakuva aivigwa madzimambo nokuti vakati, “Ane maperembudzi.” Mwana wake Jotamu ndiye akatonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Nhoroondo 26: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: