2 Vatesaronika 2
2
1Panyaya yezvokuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu nezvekuungana kwatichaita tichimuchingura, tinokukumbirai hama 2kuti musabva mapengereka nazvo kana kuita manyawi nazvo zvichibva kumweya kana kushoko kana kutsamba zvinoita sezviri kubva kwatiri zvichiti zuva raTenzi rasvika. 3Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena, 4uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari. 5Hamurangariri here kuti pandakanga ndichinemi ndakakutaurirai izvi. 6Asi imi munoziva kuti pane chimwe chiri kurambidza kuti izvi zviitike zvino kuti aratidzwe panguva yake 7nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira–dzivirira achamboita kusvikira abviswa. 8Ipapo asina mutemo uya achaburitswa pachena. Tenzi Jesu achamuuraya nezwi rimwechete romuromo wake achimuparadza nokuzviratidza kwake uye nokuuya kwake. 9Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera 10nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa. 11Naizvozvo Mwari anovatumira zvinovabata kumeso kuti vatende zvenhema 12kuti vose vapihwe mhosva vasina kutenda chokwadi vachifarira zvisina kururama.
Imi makasarudzirwa ruponeso
13Isu tinosungirwa kutenda Mwari pamusana penyu, hama dzangu vadiwa vaTenzi nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokuitwa vatsvene naMweya nokutenda muchokwadi. 14Izvi ndizvo zvaakakudaidzirai nokuparidza kwedu Shoko Rakanaka kuti muwane mbiri yaTenzi wedu Jesu Kristu. 15Naizvozvo hama dzangu mirai makasimba makabatisisa magamuchidzanwa amakadzidziswa nesu nomuromo kana kuti netsamba.
16Zvino Tenzi wedu Jesu Kristu pachake naMwari Baba vedu vakatida vakatipa kunyaradzwa kusina mugumo nechitarisiro chakanaka 17nenyasha ngaakunyaradzei mwoyo yenyu aisimbise mumashoko nomumabasa ose akanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Vatesaronika 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: