Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Amosi 9

9
1Ndakaona TENZI amire paatari, akati,
“Bhogomora zvapamusoro pembiru
kudzamara kamba kapamusuo
wokupinda muTemberi kava kuzunguzika
uzviti mwarara pamusoro pavo vose.
Vamwe vavo vanenge vasara,
ndichavarakatisa kufa rufu rwepfumo
pasina kana mumwe wavo anotiza
kana mumwe wavo anopapunyuka.
2Kana zvavo vakaita zvokuchera napasi
kundohwanda kuNzvimbo yaVachakabvu,
naikokowo ndichavatora
noruoko rwangu,
kunyange zvavo vakakwira mudenga
ndichavakoromorera pasi.
3Kana zvavo vakandohwanda
pamusoro peGomo reKameri,
naikoko ndichavaronda ndikavatora,
kunyange vakandondihwanda
pasi pegungwa,
ndichati nyoka ivarume ikoko.
4Vavengi vavo vakaenda navo kuutapwa,
ikoko ndichatuma hondo yebakatwa
ivarakatise kuuraya.
Ndichangoramba ndati navo nanga nanga
kuvaitira zvakaipa
kwete zvakanaka.”
5TENZI Mwari wehondo nehondo
anoti akagunzva nyika
nyika inonyungudika
navagari vemo vose vanochema,
vose vanotutumuka serwizi rwaNairi
vachibva vaserera zvakare
seNairi rwokuIjipiti,
6iye wacho anovaka
dzimba dzenhurikidzwa mudenga,
akasika ziendanakuenda
rapamusoro penyika,
iye anodaidza mvura yegungwa
achiidira pasi panyika,
zita rake iyeyo, ndiYahweh.
7Zvanzi naTENZI,
“Nhaimi vanhu veIsiraeri,
izvozvi kwandiri ini,
munoti makasiyana nhai navaItiopia.
Handisini ndakaburitsa vaIsiraeri
muIjipiti here?
Handisirini ndakaburitsa
vaFirisitia kuKafutori,
navaSiria kuKiri here?
8Chinzwai, ziso raTENZI Mwari
rava panyika iyoyi izere zvitadzo,
ndichaitsakatisa panyika pasi pano.
Kunyange zvakadaro zvazvo
handisi kuzobva ndanyatsotsakatisa
imba yaJakobho.”
Ndizvo zviri kutaura TENZI.
9“Ndinodaro nokuti ndichatema kuti
imba yaIsiraeri izunzwe
pakati pendudzi dzose dzavanhu
sokusefa kunoita munhu nesefa
pasina kana nakatsanga zvako
kanodonhera pasi.
10Vatadzi vose
vari muvanhu vangu,
vachafa rufu rwepfumo muhondo,
ivavo vanozviti,
‘Hapana chakaipa chichatiwana
kana chichatiwira.’ ”
IV: KUDZORERWA KWEZVINHU PAKARE NOKUGARIKA KUCHAITA ISIRAERI
11“Nezuva iroro, ndichamutsa
imba yokwaDhavhidhi
yakadai kuputsika
ndiigadziridze pakapazika
ndichimutsurudza matongo ayo,
ndichiivaka patsva samazuva akare
12kuti vagotonga
chitsama chakasara chokwaEdhomu
nevechirudzi vose
vanodaidzwa nezita rangu.”
Ndizvo zvinotaura TENZI muiti waizvozvi.
13Zvanzi naTENZI,
“Chionai, mazuva ari kuuya,
okuti kurima kuchasvika
kukohwa kusati kwapera
uye okusima magirepisi
wokuasvina asati apedza.
Makomo achajuja waini inonaka
nezvikomo zvose zvichayerera waini.
14Ndichadzosera vanhu vangu vaIsiraeri
zvose zvavaiva nazvo.
Maguta avo akanga aparadzwa,
vachaavakazve vakatoagara.
Vachasima zvavo minda yamagirepisi,
vachitozonwa, waini yayo.
Vachaitawo mapindu,
vagodya muchero yawo.
15Ndichavagarisa munyika yavo
pasina achazovatamisamozve
achivabvisa munyika iyi
yandakavapa ini.”
Ndizvo zviri kutaura TENZI,
Mwari wenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

Amosi 9: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda