Dhanieri 12
12
Kumuka kwavafi, nguva yokupedzesera
1“Panguva iyoyo ndipo pachamuka Mikaeri, iye muchinda mukuru anomiririra vanhu vokwako. Pachaita nguva yenhamo isati yambovapo kubvira pakatanga kuva norudzi rwavanhu kusvikira panguva yacho iyoyo. Asi nguva iyoyo munhu wose wokwako anenge aine zita richawanikwa rakanyorwa mubhuku, achanunurwa. 2Vazhinji vevavete muvhu renyika vachamuka, vamwe vachamukira upenyu husingaperi, asi vamwe vachimukira kunyadziswa nokushorwa kusina mugumo. 3Vangwaru vachapenya sechiedza cheziendanakuenda romudenga uye vanhu vanotendeutsira vazhinji kuururami vachapenya senyenyedzi narini narini.
4“Asi iwe Dhanieri viga mashoko aya unamire bhuku racho kusvikira nguva yokuguma, vazhinji vachatsvagurudza uye ruzivo ruchawedzerwa.”
5Ini Dhanieri ndakatarisa ndikaona vamwe vaviri vakanga vakamira, mumwe amire pamahombekombe orukova nechemhiri ino mumwewo amire pamahombekombe orukova kumhiri uko. 6Ndakati kumunhu akanga akapfeka rineni uya aiva kumusoro kwemvura yomurukova irwowo, “Kuchapera nguva yakadii yokuzosvika kumagumo kwezvishamiso izvozvi?”
7Munhu akanga akapfeka rineni aiva kumusoro kwemvura yomurukova uya akasumudzira ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga. Ndakamunzwa achipika naiye Chidzachapo kuti, “Zvichasaruka zvigosarukazve kaviri nokutozosvika pachikamu chapakati napakati chamakei acho uye kuti pachazoperawo zvokuparadza simba rorudzi runoera, zvinhu zvose izvozvi zvichange zvatoitika.” 8Kunzwa ndakanzwa asi handina kunzwisisa. Ndipo pandakati, “Nhai changamire wangu. Zvinhu izvozvo zvichaperera mukuita sei?”
9Iye akati, “Chienda zvako Dhanieri nokuti mazwi acho mashoko akavigwa akanamirirwa kusvikira panguva yokuguma. 10Vazhinji vachazvichenura vachinyatsozvichenesa vagova vanhu vakanatswa, asi vakaipa vachaita zvakaipa. Hapana wakaipa achanzwisisa, asi vangwaru vachanzwisisa.
11“Kubvira panguva icharegeswa mupiro wokupisa uye pachamiswa chimwe chisingambodiwa zvacho naMwari chinon'oresa chiya, pachaita chiuru chimwechete chamazuva china mazuva mazana maviri namakumi mapfumbamwe. 12Akakomborerwa zvake achamirira kusvikira mumazuva chiuru chimwechete namazana matatu anamazuva makumi matatu namashanu.
13“Asi iwe wochiita maitiro ako iwayo kusvikira kumagumo ugozozorora uchizova panzvimbo yakowo yawakapiwa mumazuva okupedzesera.”
Zvasarudzwa nguva ino
Dhanieri 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: