Muparidzi 4
4
Udzvinyiriri, kushingairira nebasa, nokushaya shamwari
1Uyewo ndakazorangarirazve ndikaona kudzvinyirira kunoitwa pasi pedenga.
Panoti misodzi yokudzvinyirirwa kunoitwa vanhu
vasina anovanyaradza,
vanodzvinyirira vamwe zvakaipa ndivo vane masimba
vasina anovanyaradza.
2Ndakakungura kuti zvavo vakafa,
vakatofa kare vari nani zvavo
pane vapenyu, vachino upenyu.
3Asi ari nani kupinda vose vari vaviri
munhu asina zvake kumbovapo
asina zvake kumboona zviito zvakaipa
zvinoitwa pasi pedenga.#4:3 Pasi pedenga: ChiHebheru chinoti pasi pezuva.
4Uyewo ndakaona kuti
kushingaira nebasa kose kunoitwa
nokubudirira kose kunoitwa
kunobva mumapitse
anoita munhu kune mumwe wake.
Kana izvozvi hazvinzwisisiki
uye kunongova kudzingirira mhepo.
5Benzi romunhu rinogara maoko
rigopera muviri nokuonda.
6Asi zviri nani kuva neruoko rumwechete runerunyararo
pane maoko maviri
ari kushingaira nebasa
achidzingirira zvawo mhepo.
7Panezvimwezve zvandakaonawo kuti hazvinzwisisiki pasi pedenga. 8Pangave nomunhu anongova oga, asina mwana kana munun'una asi asingazorore kushingaira nebasa maziso ake asingambogutsikani noupfumi hwake hwose nokuti haambozvibvunza kuti, “Ko wandiri kutamburira kudai ndiani ndichizvishaisa mufaro zvangu.” Izvozviwo izvi hazvinzwisisiki uye ibasa risina chinofadza mariri.
9Vanhu vaviri vari nani pane mumwechete, nokuti zvavanoita zvinobuda zvakanaka. 10Nokuti kana vakapunzika mumwe achasimudza mumwe wake; asi hamheno zvake anongova oga. Kana akawira pasi hapana anomusimudza.
11Chimwezve ndechokuti
vaviri vakarara pamwechete
vanodziirirwa.
Ko anenge ari oga anodziirwa sei?
12Munhu angagone zvake kukurira munhu ari oga
asi vaviri vanogona kumirisana naye.
Tambo yakakoswa netambo nhatu
haikurumidzi kudambuka.
Kusimudzirwa mune zvapasi hakuna maturo
13Zvirinani kuva munhu wechidiki asi ane ungwaru kupinda kuva mambo akwegura asi asina ungwaru asingagone kugamuchira mazano avamwe, 14angave zvake munhu akabva kujere achienda paumambo kana kunge akaberekwa ari murombo munyika yamambo wake. 15Ndakaona vose vapenyu vanofamba-famba pasi pedenga uyewo ndakaonawo mumwe wechidiki achitora nzvimbo yamambo 16achitungamirira vanhu vasingaverengeki kuwanda. Zvakadaro zvazvo vaizotevera mushure make havana kumufarira. Izvi hazvina maturo uye kunongova kudzingirira mhepo.
Zvasarudzwa nguva ino
Muparidzi 4: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: