Vaefeso 2
2
Ruponeso chipo chaKristu chisina muripo
1Nokudaro akaita kuti imi muve vapenyu pamakanga muri vanhu vakafa pamusana pezvikanganiso nomuzvitadzo mamakambogara 2muchitevedza maitiro apanyika pano muchiteverawo changamire womweya inesimba iri mumhepo, mweya uri kushanda muvanhu vasingateereri. 3Isuwo tose takambogarawo mukati mazvo tichitevera havi dzomuviri wedu, tichitevera zvinoda muviri nepfungwa dzedu. Naizvozvo takanga takazvarirwa shamhu sezvakanga zvangoitawo vanhu vose.
4Asi Mwari, azere netsitsi, pamusana porudo rwake rukuru rwaakatida narwo, 5kunyange patanga takafa nokuda kokutadza kwedu, akatiita kuti tive vapenyu pamwe naKristu. Makaponeswa nenyasha. 6Akatimutsa pamwechete naye akaita kuti tigare naye mumatenga tiri muna Kristu Jesu, 7kuti mumazuva achauya, norudo rwake, aratidze upfumi husingaverengeki hwenyasha dzake kwatiri muna Kristu Jesu. 8Pamusana penyasha makaponeswa nechitendero, asi musiri imi munozviponesa; chipo chaMwari, 9kwete pamusana pamabasa kuti pasave nomunhu anozvikudza 10nokuti tiri basa ramaoko ake, takasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka akafanogadzirwa naMwari kuti tiatevedze.
Kubatana kwedu isu uye naKristu
11Naizvozvo, imi vechirudzi panyama, yeukai kuti maimbonzi vanhu vasina kudzingiswa navaya vakadzingiswa chiri chinhu chinoitwa panyama namaoko. 12Yeukai kuti panguva iyoyo imi makanga makaparadzana naKristu, muri vatorwa kumhuri yeIsiraeri makatsaurwa kuzvitenderano zvechipikirwa musina chitarisiro uye musina Mwari panyika. 13Asi iye zvino, muna Kristu Jesu, imi maimbova kure makaunzwa padyo neropa raKristu. 14Nokuti Kristu ndiye rugare rwedu akaita kuti tive vamwe akaputsa munyama yake chidziro chaiparadzanisa vanhu choruvengo 15nokudzima mutemo wemirao nezvirevo kuti aumbe maari iye munhu mumwechete mutsva panzvimbo yavaviri. Nokudaro akaunza rugare. 16Uye kuti nomuchinjikwa, atiwadzanise naMwari mumuviri mumwechete, nezvo achibva aparadza ruvengo. 17Akauya akaparidza rugare kwamuri imi maiva kure kure. Akaparidzawo rugare kune vakanga vari padyo 18nokuti nokwaari uye naMweya mumwechete tinowana masvikiro kuna Baba. 19Nezvo hamuchisiri vaenzi kana vatorwa asi mava vagari vomo pamwe navatsvene nenhengo dzemhuri yaMwari. 20Makavakwa pahwaro hwavapositori navaporofita, Kristu Jesu pachake ari iye ibwe rapakona. 21Paari ndipo pakabatanidzwa imba yose ichizokura muna Tenzi kuva Temberi inoera. 22Maari imiwo makavakwa mairi kuva nzvimbo yokugara yaMwari muna Mweya.
Zvasarudzwa nguva ino
Vaefeso 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: