Esita 2
2
II: MODHEKAI NAESITA
Kudzikwa kwaEsita chiremba chouhosi
1Mushure maizvozvi izvi, hasha dzamambo Ahasuerusi dzaserera, akayeuka Vhashiti nezvaakanga aita uye nechirango chaakanga atemerwa. 2Makurukota amambo vaimushandira vakati, “Dai mambo akatsvakirwa vasikana mhandara dzinotarisika zvakanaka. 3Mambo ngaasarudze mamwe machinda munyika dzose dzoumambo hwake vaunganidze vasikana vacho, mhandara dzakanaka idzodzo kumba yavanhukadzi kuguta reSusa, guta guru romuzinda wamambo, vave mumaoko aHegai#2:3 Hegai: MuchiHebheru makanzi Hege. muyuniki wamambo ane basa rokuona nezvevanhukadzi vagopiwa mafuta avo okuzora. 4Mhandara inenge yafarirwa namambo ngaive iyo vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti.” Izvi zvakafadza mambo vakaita saizvozvo.
5Guta reSusa, guta guru romuzinda wamambo maiva nomumwe murume muJudha ainzi Modhekai mwana waJairi mwana waShimei ari mwanawo waKishi wedzinza rokwaBhenjamini. 6Modhekai uyu akanga atakurwa kuJerusaremu mukati menhapwa dziye dzokuendwa nadzo pamwechete naJekoniya mambo wokwaJudha akatapwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi. 7Modhekai ndiye akarera Hadhasa, ainziwo Esita mwanasikana wababamunini vake nokuti akanga ava nherera isina baba kana amai. Musikana iyeyu akanga ari musikana aitarisika zvakanaka ane chimiro chinoyevedza. Pakafa baba namai vake, Modhekai ndiye akasara ava kumurera ava kumuona semwanasikana wake.
8Zvino pakanga pachiparidzwa chirevo chamambo chiya uye vasikana vazhinji pavakanga vaungana muguta reSusa, guta romuzinda, vava mumaoko aHegai, Esita akaendwa naye mumuzinda wamambo akaiswawo mumaoko aHegai aiva nebasa rokuona nezvevanhukadzi. 9Mhandara iyi yakafarirwa naHegai akabva ava kumuitira zvakanaka. Akakurumidza kumupa mafuta akewo okuzora nomugove wake wechokudya navasikana vanomwe shasha chaidzo dzomumuzinda wamambo, akamukwiridzira iye navasikana vake akamuendesa kwakanakisisa kwazvo mumba yavanhukadzi.
10Esita akanga asina kuvaudza rudzi rwake kana hama dzake nokuti Modhekai akanga amukohomedza kuti asabudise izvozvo pachena. 11Zuva nezuva Modhekai aifamba-famba pamberi penhandare yemba yavanhukadzi kuti anzwe kuti Esita akadii, uye kuti zvaimufambira sei.
12Musikana woga woga aiva nechijana chake chokupinda muna mambo Ahasuerusi. Pamurawo waisunga nezvavanhukadzi ivavo, kupindamo, aitozopinda kwapera mwedzi gumi nemiviri nokuti ndiyo nguva yacho yavaipedza yokuzvivandudza nayo runako, vaiita mwedzi mitanhatu namafuta emura, vozoitawo mimwezve mwedzi mitanhatu vaine twokurungisa tunonhuwirira namafuta okuzora echikadzi. 13Musikana paaizopinda muna mambo saizvozvi chaainge ada kuti ave nacho aipiwa chokuenda nacho chichibva kumba yavanhukadzi achienda kumuzinda wamambo. 14Aiendako manheru, mangwana mangwanani aizodzoka osvikira mumba yechipiri yavanhukadzi ova mumaoko aShaashigazi mumwe muyuniki wamambo aiva nebasa rokuona nezvevarongo vamambo. Akanga asingazobvumidzwazve kupinda muna mambo asi kutoti mambo atofadzwa zvake naye uye atoita zvokudaidzwa nezita.
15Pakasvika chijana chaEsita, mwanasikana waAbhihairi babamunini vaModhekai; uya akasara omurera somwanasikana wake chokuti achindopindawo muna mambo, hapana chaakakumbira kunze kwezvaakanyeurirwa naHegai muyuniki wamambo aive nebasa rokuchengeta vakadzi. Esita aiyemurwa nomunhu wose aimuona. 16Esita, paakaendwa naye kuna mambo Ahasuerusi mumuzinda waiye mambo, uri mwedzi wegumi, mwedzi waTebheti mugore rechinomwe rokutonga kwaAhasuerusi, 17mambo akada Esita kupinda vakadzi vose. Akatorwa mwoyo naye akamufarira kupinda dzimwe mhandara dzose. Nokudaro akamudzika mumusoro ndaza youmambo akabva amuita vahosi vamambo panzvimbo yaVhashiti. 18Mambo akaitira machinda namakurukota ake mabiko makuru kwazvo ari mabiko aEsita. Akaderedza mutero#2:18 Mutero: Kana kuti, “Akapa vanhu mazuva ezororo.” munyika dzose akapawo matutu matutu ezvipo samapiro anoita mambo.
Modhekai naHamani
19Pakazoungana mhandara dziye kechipiri, Modhekai ndiye akanga ava wokugaririra pasuo guru ramambo. 20Izvozvo Esita akanga asati ambotaurira vanhu rudzi rwake kana kuti hama dzake ndavanaani sokurayirwa kwaakaitwa naModhekai. Zvaivapo ndezvokuti, Esita uyu aizoteerera Modhekai sezvaaingoita pavaimurera. 21Mumazuva iwayo ainge Modhekai ariye wokugaririra pasuo guru rokwamambo, Bhigitani naTereshi vamwe vayuniki vaigaririra kusuo guru vakashatirwa vakafunga zvokupfuudza mambo Ahasuerusi. 22Nyaya iyoyi yakasvikawo munzeve dzaModhekai akabva aruma nzeve vahosi, Esita, Esita ndokubvawo abayira mambo zani muzita raModhekai. 23Pazvakatsvagurudzwa zvikaonekwa kuti ndizvo, varume ivava vose vari vaviri vakaurayiwa vachiita zvokusungirirwa mumuti, zvikanyorwawo muBhuku reNhoroondo mambo aripo.
Zvasarudzwa nguva ino
Esita 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: