Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kubuda 1

1
I: RUSUNUNGUKO RWAVAISIRAERI MUURANDA HWEIJIPITI
A. VAISIRAERI MUIJIPITI
VaIsiraeri vanobatiswa basa rechibharo muIjipiti
1Haanoi mazita avaIsiraeri vakaenda kuIjipiti naJakobho, mumwe nomumwe nemhuri yake. 2Kwaiti Rubheni naSimeoni naRevhi naJudha, 3kwoti Isakari naZebhuruni naBhenjamini 4naDhani, kwouya Nafutari naGadhi, naAsheru. 5Vana vose vaJakobho pamwechete navazukuru vake, vaikwana makumi manomwe. Josefi akatenge avako kuIjipiti kare. 6Josefi akazofa, vakoma vake vose vakafawo pamwechete navamwe vose vechizvarwa chavo. 7Asi vana vokwaIsiraeri vakaramba vachingoberekana vachiwanda zvikuru, vakazova rudzi rune simba vakatekeshera nenyika yose yeIjipiti.
8Kwakazomuka mambo mutsva aitonga muIjipiti akanga asingazivi nezvaJosefi. 9Akayambira vanhu vake achiti, “Tarisai muone vaIsiraeri vanyanyisa kuwanda uye vava nesimba rawandisa kudarika isu. 10Zvino ngatitsvakei zano rokuti varege kuramba vachiwanda kudai. Ndinodaro nokuti musi unomuka hondo yokutirwisa, vachazoita rimwe navavengi vedu voita chirwirangwe chokutirwisa vakazotiza munyika ino.” 11Naizvozvo vaIjipiti vakazoisa vanhu vokushandisa vaIsiraeri basa rinorema rechibharo rokuvarwadzisa. VaIsiraeri vakabatwa zvakaipa vachimanikidzwa kuita mabasa airema zvikuru. Vakavakira Farao maguta ematura. Maguta acho ainzi Pitomu neRamesesi. 12VaIsiraeri pavaioneswa ndondo kudaro, ndipo pavakatonyanya kuwanda nokutekeshera nenyika yose iyoyo. Pamusana paizvozvi vaIjipiti vakatya vaIsiraeri zvikuru, 13vakavaendesa kuchibharo. 14Vakavaomesera upenyu pabasa ravo rezvidhina nerokukanya ivhu namabasa akasiyana-siyana omuminda. Pamabasa ose iwayo, vaivashandisa zvechibharo.
15Mambo weIjipiti akataurira Shifura naPua vanyamukuta vaigamuchira vana paipona madzimai echiHebheru 16kuti, “Kana mava kubatsira madzimai echiHebheru anenge ava pakusununguka, mukaona kuti mwana wacho mukomana, ibvai mamuuraya. Asi kana ari musikana, musamuuraye.” 17Vananyamukuta ivava vaiva vanhu vaitya Mwari. Havana kuita zvavakanga vaudzwa namambo weIjipiti, asi vakarega vana vakomana vari vapenyu. 18Mambo weIjipiti akazodaidza vananyamukuta ava akati, “Nhai imi! Ko makaitirei zvakadai izvi? Makaregerereiko vana vakomana vari vapenyu?”
19Vananyamukuta ava vakapindura Farao vachiti, “Madzimai echiHebheru haana kufanana namadzimai echiIjipiti, nokuti madzimai echiHebheru akagwinya kwazvo zvokuti vananyamukuta vanozosara zvavo vosvika, ivo vatosununguka kare.” 20Naizvozvo Mwari akaitira vananyamukuta ava zvakanaka. VaIsiraeri vakaramba vachiwanda vakasimba. 21Pamusana pokuti vananyamukuta ivava vaitya Mwari, Mwari akavapa mhuri. 22Farao akabva audza vanhu vake vose achiti, “Mwana mukomana upi noupi anenge aberekwa mukati mavaHebheru, mukandei murwizi, muna Nairi, asi vana vasikana vose, varegei vari vapenyu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Kubuda 1: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda