Kubuda 28
28
Hanzu dzavapristi
(Kub 39:1–7)
1“Unozofanira kuti mukoma wako Aroni navanakomana vake Nadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru vauye kwauri, unditsaurire ivavo pakati pavaIsiraeri vandishandire savapristi. 2Unogadzirira mukoma wako Aroni hanzu dzinoera dzakanaka dzinopa chiremera, 3utaurirewo vanhu vose vandakapa unyanzvi hwokuita mabasa, vasonere Aroni hanzu agadzwe basa rokundishandira roupristi. 4Hanzu dzavachagadzira ndedzidzi: nyembe yapadundundu nehanzu yeefodhi negemenzi nehanzu yakarukwa inenge yoda kusvika mumabvi, ina mavara mavara, nengundu nomundya. Ngavasonere mukoma wako Aroni, navana vake vakomana hanzu idzodzi dzinoera kuti vandishandire basa roupristi. 5Ngavashandise machira erineni akanakisisa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku pamwechete neyendarama.
6“Hanzu yeefodhi ngaigadzirwe namachira erineni akanakisisa akanyatsogadzirwa zvakanakisisa, irukirwe newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku neyendarama. 7Ngaive nezvipenga zviviri zvapamapfudzi zvakasonererwa pairi kuti ikwanise kukoperwa. 8Unofanira kuiitira mundya wakanyatsorukwa wejira rimwechetero rakagadzirwa zvimwechetezvo wakarukirirwa neshinda yendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku nerineni yakanakisisa. 9Uyewo unozotora mabwe anokosha maviri eonikisi, unyore paari mazita avana vavaIsiraeri vakomana gumi navaviri. 10Unonyora mazita matanhatu pane rimwe ibwe, wonyorawo mamwe mazita matanhatu pane rimwe racho. Mazita iwayo ngaanyorwe achitevedza mazero okuberekwa kwavo. 11Unonyora pamabwe iwayo sezvinoita nyanzvi inonyora pamabwe anokosha, unyore mazita avana vaIsiraeri vakomana, uise mabwe maviri iwayo patusefa twesimbi twendarama. 12Unoisa mabwe iwayo ari maviri pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi kuti ave mabwe anomirira marudzi ose avaIsiraeri. Naizvozvo Aroni achatakura mazita iwayo pamapfudzi ake, pana Tenzi kuti ave chiyeuchidzo. 13Uyewo unogadzira tusefa twesimbi tuviri twendarama twokunamatidzira mabwe, 14wozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa unamatidze tucheni twakakoswa itwotwo patusefa twesimbi twacho.
Nyembe yapadundundu
(Kub 39:8–21)
15“Unofanira kugadzira nyembe yepadundundu yokutonga nayo, yakanakisisa yakaitwa sezvakaitwa efodhi yakagadzirwa nejira rerineni rakanakisisa, rakarukirwa neshinda ine ruvara rwendarama newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku. 16Ngaive yakapetwa ruviri iine mativi mana akaenzana. Kureba nokufara kwayo ngakuite masendimita makumi maviri ana maviri. 17Unoisa pairi mitsara mina yetumabwe tunokosha. Mutsara wokutanga ngauve nekatombo kerubhi netopazi neganeti. 18Mutsara wechipiri ngauve nekeemeradhi nesafaya nedhaimondi. 19Mutsara wechitatu ngauve neketekoizi, neagati, neamatesiti. 20Mutsara wechina ngauve nebherini neonikisi nejasipa. Tumabwe itwotwo ngatuiswe patusefa twesimbi twendarama twokuisa paturi mabwe. 21Panofanira kuva notumabwe gumi notuviri tune mazita atwo twakangoenzanirana namazita avana vaIsiraeri vakomana. Kamwe nekamwe kaine zita rako, twakamirira madzinza gumi namaviri avaIsiraeri twakanyorwa sechidhindo. 22Unozogadzira tucheni tuviri twakakoswa twendarama chaiyo yakanakisisa twokuisa panyembe yepadundundu, 23wozogadzirawo maringi maviri endarama anosonerwa pamakona maviri ekumusoro kwenyembe yepadundundu. 24Unofanira kusungirira tucheni tuviri twakakoswa twendarama itwotwo pamaringi maviri ekwokupedzesera kwenyembe yepadundundu. 25Unobatanidza mumwe muromo wetucheni tuviri twokumusoro itwotwo notusefa twesimbi twendarama tuya twepamapfudzi, mberi kweefodhi. 26Uyewo unozogadzira maringi maviri endarama, woasonerera nechomukati menyembe yapadundundu, pamakona ezasi, pedyo neefodhi. 27Unozogadzirawo mamwe maringi maviri endarama, woasonerera pamindya yeefodhi nechapamusoro pomundya uya wakanyatsorukwa womuchiuno nechapadumbu. 28Vanofanira kusungirira nyembe yepadundundu nomundya weruvara rwedenga vachisunganidza maringi ari panyembe yepadundundu namaringi ari paefodhi, kuitira kuti nyembe yepadundundu igare yakasimba iri pamusoro pomundya wakanyatsorukwa uya womuchiuno.
29“Saka Aroni paanozopinda munzvimbo inoera achapfeka padundundu nyembe yokutonga nayo iya ina mazita avanakomana vavaIsiraeri gumi navaviri sechiyeuchidzo pana Tenzi. 30Unoisawo Urimu neTumimu munyembe yapadundundu yokutonga nayo, kuti Aroni, paanouya kuneni Tenzi ange ainazvo akazvipfeka pamwoyo kuitira kuti vaIsiraeri vagoziva chido chaTenzi.
Dzimwe hanzu dzavapristi
(Kub 39:22–31)
31“Unofanira kugadzira hanzu yeefodhi nejira roruvara rwedenga chete. 32Ngaive nehuro pakati payo pokupinza napo musoro. Ngapave nomupendero wakarukwa uchipoteredza huro iyoyo sezvakangoita yehembe kuti irege kubvaruka. 33Pamupendero wayo wose wezasi unosonera zvinenge michero yamapomegiraneti zvoruvara rwedenga nezvoruvara rwehute nezvitsvuku, usonererewo tumadare twendarama pamupendero iwoyo wose. 34Unozvisonerera zvichitsinhana zvichiti: apa kadare kendarama apa kanenge muchero wepomegiraneti, apa kadare kendarama apa kanenge muchero wepomegiraneti, zvakatenderera nomupendero wose. 35Naizvozvo Aroni anofanira kupfeka hanzu iyoyo paanoita basa roupristi achiuya kwandiri. Tudare twacho tuchange tuchirira paanopinda napaanobuda muNzvimbo Inoera muneni Tenzi kuti arege kufa. 36Uyezve ugadzire karata kakanaka kendarama chaiyo yakanakisisa unyore pakari sechidhindo mazwi anoti; Nyakutsaurirwa Tenzi, 37ukasungirire pangundu nomucheka weruvara rwedenga, kari pamberi payo. 38Kachange kari pahuma yaAroni. Mhaka dzinenge dzaparwa navaIsiraeri pavanopira mipiro yavo mitsvene dzichange dzichitakurwa naAroni. Ngakarambe kari pahuma yake kuti igamuchirwe naTenzi.
39“Unofanira kugadzira jira rerineni rakanakisisa rina mavara mavara, usone hembe nengundu nomundya womuchiuno wakarukirwa uchishongedzwa.
40“Uye ugadzirirewo vanakomana vaAroni hanzu ndefu dzinoda kusvika mumabvi nemindya yokusunga muchiuno, nenguwani kuti vave nehanzu dzakanaka dzinopa chiremera. 41Unozopfekedza mukoma wako Aroni pamwechete navana vake vakomana hanzu idzodzo, wovazodza namafuta, uvagadze uchivateketerera kwandiri kuti vandiitire basa roupristi. 42Unovagadzirirawo mabhurukwa erineni anobva muchiuno achisvika mumabvi kuti miviri yavo irege kuonekwa pachena navanhu. 43Aroni navanakomana vake vanofanira kupfeka mabhurukwa iwayo pavanouya mutendhe rokusanganira napavanosvika paatari munzvimbo inoera kuzoita basa roupristi, kana vakasaapfeka vangadaro vakaparara vakafa. Aroni nezvizvarwa zvake zvose zvichauya ngavachengete mutemo iwoyo narini wose.”
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 28: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: