Kubuda 35
35
VI: MIDZIYO NOKUVAKWA KWENZVIMBO INOERA
Mitemo yokuchengeta Sabata
1Mosesi akakokera musangano wegungano rose ravaIsiraeri akati, “Hezvinoi zvinhu zvanzi naTenzi muite: 2Kwamazuva matanhatu ita zvako basa rako rose, asi zuva rechinomwe iSabata rinoera rokunyatsozorora rinoereserwa Tenzi. Kuwana anoshanda pazuva iroro ngaaurayiwe. 3Musabatidze moto mumisha yenyu pazuva reSabata.”
Kupa zvokugadzira nazvo tendhe rinoera
(Kub 25:1–9)
4Mosesi akataurirawo gungano rose ravaIsiraeri kuti, “Hechinoi chirevo chakatemwa naTenzi chinoti: 5Ipai kuna Tenzi mipiro yezvinhu zvinobva kwamuri. Ani naani ane mwoyochena wokupa ngaauye zvake nechipo kuna Tenzi. Zvinhu zvaanogona kupa ndezvizvi; ndarama nesirivha nendarira, 6kwouya machira erineni akanakisisa, newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku namachira akagadzirwa nemvere dzembudzi, 7kwouyawo matehwe ehondohwe akasukwa akatsvukiswa, namatehwe etahashi, namatanda omuunga, 8kwoti mafuta omumarambi, netwokubikisa tunonhuhwira namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, 9kwozoti tumabwe tweonikisi, notumwe tumabwe twokuisa pahanzu yeefodhi, netwapanyembe yepadundundu.
Zvinhu zvomutendhe rinoera
(Kub 39:32–43)
10“Nyanzvi dzose dzine ruzivo rwokuita mabasa ngadziuye kuzogadzira zvose zvakanzi naTenzi zviitwe zvinoti; 11tendhe rinoera pacharo, namachira anovakiswa tendhe racho needenga raro, nezvikochekero zvaro, namapango aro akavezwa nembariro dzaro, namapango aro nezvigadzikiro zvawo, 12kwouya bhokisi rechitenderano namapango okuritakurisa, nehwidibiro yaro nejira rechidzikatiro, 13kwoti teburu namapango ayo okuitakurisa, nemidziyo yayo yose nechingwa chokuisa pana Mwari, 14kwozoti chigadzikirowo chomwenje wokuvhenekesa nemidziyo yacho, namarambi acho, namafuta awo, 15uye atari yokupisira rusenzi, namapango ayo okuitakurisa, namafuta okuzodza, norusenzi runonhuhwira, nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rinoera, 16uyezve atari yokupisira zvibayiro, namapango ayo okuitakurisa nemidziyo yayo, nesefa yayo yendarira, namapango ayo okuitakurisa nedhishi rokushambira nechigadzikiro charo, 17uyewo machira okukomberedza nhandare yayo, namapango awo, nezvigadzikiro zvamapango acho, nejira rokudzikatirisa pasuo guru renhandare, 18poti hoko dzetendhe rinoera, nehoko dzamachira okukomberedza nhandare, netambo dzacho, 19pozoti hanzu dzakanyatsorukwa dzokushanda nadzo munzvimbo inoera, hanzu dzinoera dzomupristi Aroni, nehanzu dzavanakomana vake dzokushanda nadzo savapristi.”
Vanhu vakauya nemipiro yavo
20Gungano rose ravaIsiraeri rakazokotonoka richibva paiva naMosesi. 21Mumwe nomumwe akanga abatwa mwoyo neakanga achinzwa mumwoyo make shungu dzokupa, akaunza chipo kuna Tenzi kuti chishandiswe pabasa romutendhe rokusanganira napabasa rose remo nokushandisa pahanzu dzinoera. 22Naizvozvo vanhurume navanhukadzi vaiva nomwoyo wokupa vakaunza mabhurukwa embirichisi namakoza, nemhete namaringi omumaoko, nezvimwe zvakasiyana-siyana zvendarama, mumwe nomumwe achipira chipo chake kuna Tenzi. 23Ainge aine wuru yoruvara rwedenga kana kuti yeruvara rwehute kana kuti tsvuku, neainge aine jira rerineni rakanakisisa kwazvo nejira remvere dzembudzi, kana matehwe ehondohwe akatsvukiswa, namatehwe etahashi, akauya nazvo. 24Munhu wose aikwanisa kuunza chipo chesirivha kana chendarira akachiunza sechipo kuna Tenzi. Munhu wose ainge ane mapango omuunga aigona kuitiswa basa raimomo akauya nawo. 25Vanhukadzi vose vainge vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira erineni akanyatsogadzirwa newuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku vakauya nazvo. 26Vanhukadzi vose vaingewo vaine chido mumwoyo mavo, uyewo vari nyanzvi dzokuruka vakagadzira machira emvere dzembudzi. 27Vakuru vakuru vakaunzawo tumabwe tweonikisi notumwe tumambwe twokuisa pahanzu yeefodhi napanyembe yapadundundu, 28vakaunzawo twokubikisa tunonhuhwira namafuta amarambi namafuta okuzodza norusenzi runonhuhwira. 29VaIsiraeri vose, varume navakadzi, vakanga vachinzwa mumwoyo mavo shungu dzokupa zvinhu zvokushandisa mubasa rose rakanga raudzwa Mosesi naTenzi kuti riitwe, vakauya nezvipo zvavo kuna Tenzi.
Mhizha dzokugadzira tendhe rinoera
(Kub 31:1–11)
30Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Chinzwaika, Tenzi akadoma nezita Bhezarieri, mwanakomana waUri, muzukuru waHuru wedzinza rokwaJudha, akamusarudza. 31Akamuzadza noMweya waMwari, akamupawo kunzwisisa uye nenjere noruzivo kuti agove noumhizha hwose 32hwokugona kufanotara mifananidzo yezvinhu zvingade kuzopfurwa zvendarama nezvesirivha nezvendarira 33uye kuveza tumabwe tunokosha twokuisa pazvinhu, nokuvezawo miti nokuitawo mamwe mabasa oumhizha. 34Akamupa, iye naOhoriabhu mwanakomana waAhisamaki wedzinza rokwaDhani, mwoyo wokuda kudzidzisa vamwe. 35Akavapa unyanzvi hwezvokupfura noumhizha mumabasa, nokugona kushongedza vachirukira wuru yeruvara rwedenga neyeruvara rwehute netsvuku uye machira erineni akanakisisa. Akavapawo unyanzvi hwokuruka nohwokuita mabasa ose zvawo, neokufanotara mamiriro ezvingade kuitwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Kubuda 35: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapistaging.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fen.png&w=128&q=75)