Ezira 10
10
Zano rokupedza zvokuroorerana nevechirudzi
1Ezira paakanga achinamata achireurura nokuhwihwidza kuchema nokuzvirovera pasi pamberi pemba yaMwari, chita chikuru kwazvo chavarume navakadzi navana chakaungana kwaari chichibva muIsiraeri nokuti vanhu vaichema kwazvo. 2Shekaniya mwanakomana waJehieri wokuvanakomana vokwaEramu akataura kuna Ezira achiti, “Hatina kutendeka kuna Mwari wedu, takaroora vakadzi vechirudzi vendudzi dzomunyika ino. Kunyange zvakadaro zvazvo Isiraeri ichine chitarisiro. 3Naizvozvo ngatiitei chitenderano naMwari wedu tirambe vakadzi vacho navana vavo maererano nezano renyu changamire uye maererano nezano ravanhu vanodedera mutemo waMwari wedu, zviitwewo maererano nezviri mumutemo. 4Chisumukai nokuti irori ibasa renyu, isu tinokutsigirai simbai mwoyo muzviite.” 5Ezira akasimuka akaitisa vakuru vakuru navapristi navaRevhi neveIsiraeri vose chitsidzo chokuti vachaita zvakanga zvarehwa zvacho. Nokudaro vakaita chitsidzo. 6Ezira akabva pamberi pemba yaMwari akaenda kumba kwaJehohanani mwanakomana waEriyashibhu. Ndokwaakaenda akandorarako asingadye kana kunwa mvura nokuti akanga achichema kusatendeka kwevaye vakatandanisirwa kusiri kwavo.
7Kwakatumwa chirevo kwaJudha yose neJerusaremu kune vose vakanga vatamisirwa kusi kwavo vaye kuti vaungane kuJerusaremu 8uye kuti kana munhu akarega kuuyako mazuva matatu asati apera, sezvanga zvatemwa namakurukota navakuru vakuru kuti abvutirwe zvinhu zvaanazvo iye pachake agodzingwa mugungano revaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusi kwavo.
9Varume vose vokwaJudha nevokwaBhenjamini vakaungana kuJerusaremu mumazuva matatu uri mwedzi wechipfumbamwe musi wechimakumi maviri womwedzi iwoyo. Vanhu vose vakaungana munhandare yepamusuo wemba yaMwari vachidedera kutya nyaya iyoyi uyewo pamusana pemvura zhinji yainaya. 10Mupristi Ezira akasimuka akati kwavari, “Makakanganisa nokuroora kwamakaita vakadzi vechirudzi mukaita kuti mhosva yeIsiraeri ikure. 11Zvino reururai kuna Tenzi, Mwari wamadzibaba enyu muite kuda kwake muzvitsaure kuvanhu vomunyika muno navakadzi vechirudzi.”
12Vanhu vose vakapindura nezwi guru vachiti, “Ndizvozvo chaizvo! Tinofanira kuita sezvamareva. 13Asika vanhu vakawanda ava uye inguva yokuwanda kwemvura yokunaya. Hatigone kuramba takamira panze pano uye harisi basa rezuva rimwechete kana maviri nokuti kukanganisa kwedu panyaya iyoyi kukuru chaizvo. 14Mochirega makurukota edu amiririre gungano rose, maguta edu ose ana vakadzi vacho vechirudzi vazouya panguva dzakatemwa. Vanofanira kuuya navakuru vakuru navotongi veguta iroro kusvikira hasha dzaMwari wedu dzinotyisa kwatiri panyaya iyoyi dzapora.” 15Jonatani mwanakomana waAsaheri naJahizeya mwanakomana waTikivha vakapikisana nazvo. Asi Meshuramu naShebhetai vaRevhi vakatsigirana navo.
16Vokudzoka vaye vokunga vatapwa vachiendeswa kusiri kwavo vaye vakaita saizvozvo. Mupristi Ezira akasarudza varume vatungamiriri vedzimba dzamadzibaba avo imba nemba mumwe nomumwe achidomwa nezita. Pazuva rechiposhi romwedzi wegumi vakagara pasi vakatangisa kuongorora nyaya iyoyi. 17Nezuva rechiposhi romwedzi wokutanga vakatenge vatopedzerana nevarume vose vakanga vane vakadzi vechirudzi.
Mazita evarume vokuwanikwa vakaroora vakadzi vechirudzi
18Pakati pevanakomana vokuvapristi:
vanhu vakawanika vakaroora vakadzi vechirudzi ndevava ava:
kuvanakomana vokwaJeshua:
nokwaJozadhaki nehama dzavo,
ndiMaaseya naEriezero
naJaribhu naGedhariya.
19Vakazvisunga nemhiko kuramba
vakadzi vavo. Mupiro wokuripa
mhosva wavakabvisira mhosva yavo
ndowehondohwe yepazvipfuwo zvomudanga.
20Kuvanakomana vokwaImero:
kukawanikawo Hanani naZebhadhiya
21Kuvanakomana vokwaHarimu:
kukawanika kuina Maaseya naEriya naShemaya
naJehieri naUziya
22kuvanakomana vokwaPashuri:
kukawanikawo Erioenai naMaaseya naIshimaeri
naNetaneri naJozabhadhi naErasa.
23KuvaRevhi:
kwakawanika kuina Jozabhadhi naShimei naKeraya
(Keraya uyu ndiye wakareyo Kerita)
uye Petahiya naJudha naEriezero
24Kuvaimbi:
uku kuna Eriyashibhu
Kuvachengetedzi vepamisuo:
mikuru kwaivawo naSharumu naTeremu naUri.
25Kune vokwaIsiraeri:
kuvanakomana vokwaParoshi:
ndiRamia naIzia naMarukiya
naMijamini naEreazari naMarukiya naBhenaya.
26Kuvanakomana vokwaEramu:
kuna Mataniya naZekariya naJehieri
naAbhudhi naJeremoti naEriya.
27Kuvanakomana vokwaZatu:
kwaiva naErioenai naEriyashibhu naMataniya
naJeremoti naZabhadhi naAziza
28kuvanakomana vokwaBhebhai:
ndiJehohanani naHananiya naZabhai naAtirai
29Kuvanakomana vokwaBhani:
ndiMeshuramu naMaruki naAdhaya
naJashubhu naSheari naJeremoti
30Kuvanakomana vokwaPahatimoabhu:
kwakawanikwa kuina
Adhina naKerari naBhenaya
naMaaseya naMataniya naBhezarieri
naBhinui naManase
31Kuvanakomanawo vokwaHarimu:
kwaiva naEriezero naIshiya naMarukiya
naShemaya naShimeoni
32naBhenjamini naMaruki naShemariya
33Kuvanakomana vokwaHashumu:
kuna Matenai naMatata naZabhadhi
naErifereti naJeremai naManase naShimei
34Kuvanakomana vokwaBhani:
kwaivawo naMaadhai naAmuramu naUeri
35naBhenaya naBhedheya naKeruhi
36naVhaniya naMeremoti naEriyashibhu
37naMataniya naMatenai naJaasu
38Kuvanakomana vokwaBhinui:
kwaiva naShimei
39naSheremiya naNatani naAdhaya
40naMakinadhebhu naShashai naSharai
41naAzareri naSheremiya naShemariya
42naSharumu naAmariya naJosefi
43Kuvanakomana vokwaNebho:
kukawanikwa kuna Jeieri naMatitiya naZabhadhi
naZebhina naJadhai naJoeri naBhenaya.
44Vose ivava vakanga varoora vakadzi vechirudzi vakavapa vana.#10:44 vana: ChiHebheru chacho chinganziwo, vakavaramba pamwechete nevana vavo.
Zvasarudzwa nguva ino
Ezira 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: