Vagaratia 6
6
Kutirira tichitakudzana nhamo navamwe
1Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo. 2Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu.
3Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. 4Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe 5nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo.
6Munhu anenge achidzidziswa nomumwe shoko ngaagoverane zvinhu zvose zvakanaka nomudzidzisi wake. 7Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa. 8Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi. 9Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo. 10Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu.
Yambiro uye mazwi okupedzisa tsamba iyi
11Tarisai muone kuti ndiri kukunyorerai namabhi akakura sei uye ndichikunyorerai noruoko rwangu. 12Vanhu vanoda kuzvionesa nezvinoonekwa pamuviri ndivo vanokumanikidzai kudzingiswa vachingoitira chete kuti varege kutambudzirwa muchinjikwa waKristu. 13Kunyange ivo vacho vanodzingiswa havachengeti zvisungo zvomutemo. Asi vanoda kuti imi mudzingiswe kuti vawane mukurumbira nezvakaitwa pamuviri penyu. 14Kana ndirini, hazvifaniri kumbopinda mupfungwa dzangu kuti ndizvirovere dundundu chimwe chinhu kunze kwomuchinjikwa waTenzi Jesu Kristu wakaita kuti nyika ishaye maturo kwandiri sokurovererwa kwayo pamuchinjikwa uye kuti ini ndishaye maturo kwairi sokuroverwawo kwayo pamuchinjikwa. 15Kudzingiswa kana kusadzingiswa hakurevi chinhu asi chisikwa chitsva. 16Rugare nengoni ngazvive kune vose vanofamba nenzira iyi nekune vaIsiraeri vaMwari.
17Kubvira zvino ngaparege kuwana anonditambudza nokuti ndine mavanga aJesu. 18Chikomborero chokuitirwa nyasha naTenzi wedu Jesu Kristu ngachive nemi hama dzangu. Ameni.
Zvasarudzwa nguva ino
Vagaratia 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: