Vagaratia Zviri mutsamba yokuvaGaratia
Zviri mutsamba yokuvaGaratia
Tsamba kuvaGaratia: sangano rokuvaGaratia rakanga ragamuchira Shoko Rakanaka zvakanaka. Asi vakanga vatangisa kusiya gwara rakanaka iri vavakurasika (3:1–5). Tsamba iyi yakanyorerwa kuvadzora nokuvayeuchidza chikomborero chavakanga vawana muchikristu. Kuna vamwe vakanga vavakudzidzisa sangano iri vachiti, kuti munhu aponeswe, anofanira kuchengeta zvisungo zvomutemo waMosesi uye kuti vanofanira kudzingiswa. Vanhu ava vakanga vari vaJudha vakanga vapindukira kuchikristu uye vaiti Pauro haazi mupositori (tarisa 1:10–24). Nezvo Pauro akanyorera Vagaratia tsamba iyi inotaura namazwi akasimba kwazvo. Chokutanga anovazivisa kuti iye mupositori chaiye savamwe vapositori vaJesu. Chechipiri akavataurira kuti vavakurasiswa rusununguko rwavo vachipinzwazve muuranda hokunzi vachengete zvisungo zvemitemo yechiJudha vachisiya chikomborero chenyasha dzaMwari dzokuti vanoponeswa nenyasha dzaMwari pamusana pechitendero chavo kwete kwete pamusana pokuchengeta mutemo waMosesi vachinzi vanofanira kuti vadzingiswe (5:1–12). Pauro anototi kana zvakadaro Kristu akafira pasina, akafira nhando.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuVagaratia
Kusuma (1:1–9)
I Kuzvidzivirira kwaPauro (1:10—2:21)
II Chidzidziso chebhuku rino (3:1—4:31)
III Kukurudzirwa kwaVagaratia (5:1—6:18)
Zvasarudzwa nguva ino
Vagaratia Zviri mutsamba yokuvaGaratia: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: