Mavambo 23
23
Abhurahamu anoviga Sara kuMakipera
1Sara akagara zana namakumi maviri amakore ana makore manomwe. Iwaya ndiwo makore ose oupenyu hwaSara. 2Sara akafira kuKiriatiaribha kana kuti Hebhuroni, munyika yeKanani. Abhurahamu akambotora nguva yokuyeuka rufu rwaSara achimuchema.
3Abhurahamu akasiya chitunha chiri mumba akandotaurirana navaHiti vachiti, 4“Ini ndinongovawo mutorwa zvangu, muuyi pakati penyu. Ndiwaniseiwo nzvimbo pakati penyu yokuviga hama dzangu dzinenge dzafa.”
5VaHiti vakapindura Abhurahamu vachiti, “Teererai munzwe, changamire, imi muri muchinda waMwari. 6Tinokuremekedzai kwazvo pakati pedu. Vigai zvenyu vafi venyu munzvimbo yakanakisisa pakati penzvimbo dzedu dzose dzokuvigira vanhu. Pakati pedu hapana angakunyimei nzvimbo yokuviga vafi venyu munzvimbo dzokuviga vafi.”
7Abhurahamu akasimuka ndokukotamira pasi achiremekedza vaHiti, varidzi venyika. 8Akati kwavari, “Kana mabvuma kuti ndivige vakafa vangu, chimbondinzwaiwo, zvino chindisvitsiraiwo chichemo changu kuna Efuroni mwanakomana waZohari, 9kuti andipe bako rake repaMakipera riri pamucheto womunda wake. Ngaanditengesere nomutengo waro wakakwana imi muchizviona. Ive nzvimbo yangu pachangu yokuviga vanhu.”
10Efuroni akanga agerepo mukati mevaHiti. Saka Efuroni, muHiti, akapindura Abhurahamu, vaHiti vose vakanga vauya kusuo guru vachizvinzwa. Akati, 11“Kwete, changamire. Ndinzwei ndinokupai munda iwoyo nebako ririmo, hama dzangu dzichizviona kuti muvige vafi venyu.”
12Abhurahamu akakotamira varidzi venyika achivaremekedza. 13Akataura kuna Efuroni dare rose ravanhu venyika iyoyo richizvinzwa achiti, “Ndichakupai mari yokutenga munda iwoyo, igamuchirei kuti ndivige vafi vangu.”
14Efuroni akapindura Abhurahamu achiti, 15“Changamire wangu, teererai munzwe. Kamutengo kenzvimbo yacho kanongova mazana mana chete emari yamashekeri yesirivha. Zvino munoti imari iyoyo here yatingatemeserane musoro nayo? Endai zvenyu mundoviga munhu wenyu.” 16Abhurahamu akabvumirana naEfuroni, ndokubva Abhurahamu aerera Efuroni mari yesirivha iya yavakataura vaHiti vachizvinzwa. Mari yacho yaikwana mazana mana esirivha maererano nomwero wouremo waishandiswa pakutengeserana.
17Ndokusaka nzvimbo yaEfuroni yokuMakipera iri kumabvazuva kweMamure yakanzi yava yaAbhurahamu. Nzvimbo iyoyo yaisanganisira munda wacho, kwouya bako raivemo, nemiti yose yaivemo kusvikira kumucheto wawo kuitenderedza. 18Yakapiwa Abhurahamu kuti ive yake, vaHiti navamwe vose vedare vakanga vauya kusuo guru reguta vachizvinzwa.
19Abhurahamu akaviga Sara mudzimai wake mubako riri kuMakipera, pakatarisana neMamure kuHebhuroni munyika yeKanani. 20Saka vaHiti vakapa Abhurahamu nzvimbo iyoyo nebako ririmo zvikabva zvava nzvimbo yake yokuviga vanhu vake.
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 23: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: