Mavambo 44
44
Kushaikwa kwekapu yamambo
1Josefi akaraira mutariri wezvemba yake achiti, “Zadza tsapo dzavarume ava nezvokudya zvavanokwanisa kutakura, uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wetsapo yake, 2uisewo kapu yangu iya yesirivha mumuromo wetsapo yegotwe racho pamwechete nemari nembesanwa dzake.” Mutariri akaita zvaakaudzwa naJosefi. 3Fume mangwana varume ava vakanzi vachienda zvavo namadhongi avo. 4Vachangobuda muguta vasati vaenda kure, Josefi akataurira mutariri wezvemba yake akati, “Tevera varume vaya, kana wavabata uti, ‘Seiko mandidzorera nechakaipa pane zvandakuitirai zvakanaka? Ko mazobireiko kapu yesirivha yatenzi wangu? 5Hamuzivi here kuti ndoinonwira tenzi wangu uye anoishandisawo pakuona zvichazoitika?#44:5 zvichazoitika: Mutsara iwoyu haumo muchiHebheru asi unowanikwa muLXX nomuVg. Matopara mhosva huru kwazvo!’ ”
6Mutariri paakavabata akavaudza mashoko iwaya. 7Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro. 8Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu? 9Ani naani wedu isu varanda venyu, anenge awanikwa anayo, ngaafe. Isu vamwe tichava varanda vatenzi wenyu.”
10Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.” 11Ipapo mumwe nomumwe akaburutsa tsapo yake, akaisunungura. 12Mutariri akatanga kutsvaka mutsapo yomukuru akazogumisira neyorugotwe. Kapu yakazowanikwa mutsapo yaBhenjamini. 13Izvozvi zvakaita kuti vabvarure hanzu dzavo. Mumwe nomumwe akatakudza dhongi rake vakabva vadzokera kuguta kuya.
14Judha navamwe vake vakasvikowana Josefi achiri mumba make, vakamugwadamira vachimuremekedza. 15Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.”
16Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.” 17Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.”
Judha anokumbirira Bhenjamini
18Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo. 19Changamire, ndimi makatibvunza muchiti, ‘Muna baba here? Muno munun'una here?’ 20Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’ 21Imi makatiudza isu varanda venyu kuti, ‘Uyai naye kwandiri ndinoda kumuona.’ 22Isu tikakupindurai changamire tichiti, ‘Mukomana iyeyo haangasiyane nababa vake nokuti kana akasiyana navo vangafe.’ 23Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’
24“Kuzoti tasvika kuna baba vedu, muranda wenyu, takavaudza zvamakanga mareva. 25Baba vedu pavakazoti, ‘Endaizve munotitengera twokudya,’ 26isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’ 27Baba vedu, muranda wenyu, vakatiti, ‘Munoziva kuti mudzimai wangu Rakeri akandiberekera vana vaviri, 28mumwe akandisiya, ndikati akaparadzwa nezvikara chete kubvira ipapo handina kuzombomuonazve. 29Zvino kana mukanditorera zvakare Bhenjamini, kana akawana chinomuwana munenge maita kuti ini ndachena musoro ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.’
30“Naizvozvo kana ndikadzokera kune muranda wenyu, ivo baba vangu, ndisina mukomana iyeyu wepamwoyo pavo wavanodisa zvikuru, 31pavanongoona kuti isu tinenge tisina mukomana iyeyu vanofa. Ivo varanda venyu tinobva takonzera kuti baba wedu, ivo muranda wenyu, vachena musoro vasvike pakufa vaine shungu mumwoyo. 32Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’ 33Saka ndinokumbira kuti ini muranda wenyu nditore nzvimbo yomwana uyu ndisare somuranda wenyu tenzi wangu, asi murege mukomana uyu aende zvake navakoma vake. 34Ko ndingaende seiko kuna baba vangu ndisina mukoma iyeyu? Handidi zvangu kuona kutambudzika kuchaita baba wangu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mavambo 44: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: