VaHebheru 10
10
CHIBAYIRO CHAJESU CHIKURU KUNE ZVIBAIRO ZVOMUTEMO WAMOSESI
Zvibayiro zvakare hazvichina basa
1Pamusana pokuti mutemo mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvichauya, panze pokuva nezvinhu zvacho chaizvo, kuchingova kupira zvibayiro zvimwechetezvo zvinoramba zvichingopirwa gore negore, haumbofa wakaruramisa vanamati. 2Dai mutemo waigona, zvibayiro zvingadai zvisina kuregerwa kupirwa here? Dai kuri kuti vanamati vakanatswa chakamwe vangadai vasinganzwe kuti vane chitadzo. 3Asi zvibayiro izvozvi zvinoyeuchidza zvitadzo gore negore 4nokuti hazvigoneki kuti ropa rehandira nerembudzi ribvise zvitadzo.
Naizvozvo Kristu paakauya panyika akati,
5“Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamakafarira
asi makandigadzirira muviri.
6Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo
hamuna kuufarira.
7Ndipo pandakati, ‘Mwari, tarisai muone
ndauya kuzoita kuda kwenyu,
sokunyorwa kwazvakaitwa nezvangu
mubhuku rokumononora.’ ”
8Paanoti pamusoro apo: “Hamuna kuda kana kufarira zvibayiro nemipiro nemipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo.” (Izvi zvinopirwa maererano nomutemo). 9Ndokuzoti: “Tarirai ndauya kuzoita kuda kwenyu.” Arikudzima chokutanga achiisa chechipiri. 10Nokuda kwaizvozvo takaitwa vatsvene pamusana pechibayiro chomuviri waJesu Kristu chakamwe.
11Uyewo mupristi mumwe nomumwe anomira achiita basa rake achipira zuva nezuva zvibayiro zvimwechetezvo zvisingambokwanisa kubvisa zvitadzo. 12Asi Kristu paakapira nokusingaperi chibayiro chimwechete chokupfupira zvitadzo akandogara kurudyi rwaMwari 13achimirira kuti vavengi vaitwe chitambarariko chetsoka dzake. 14Naizvozvo nechibayiro chimwechetecho akanatsa nokusingaperi avo vakaitwa vatsvene. 15Mweya mutsvene anotipupurirawo paanomboti, 16“Ichi ndicho chitenderano chandichaita navo mumashure mamazuva iwayo ndozvinotaura Tenzi. Ndichaisa mitemo yangu mumwoyo yavo uye ndichainyora mundangariro dzavo.” 17Anotizve handichazorangarirazve zvitadzo zvavo nezviito zvavo zvakaipa. 18Zvino pane ruregerero rwezvizvi panenge pasisina chibayiro chezvitadzo.
IV: KUTSUNGARARA MUKUDAVIRA
Ngatiswederei pedyo naMwari
19Saizvozvo hama dzangu, zvatiine chivimbo chokuti tichapinda munzvimbo inoeresesa nokuda kweropa raJesu 20nenzira itsva mhenyu yaakatizarurira nokupinda kwaakaita napajira rokudzikatirisa, zvichereva muviri wake, 21uye zvatino mupristi mukuru mutariri wemba yaMwari, 22ngatiswederei pedyo nomwoyo uri pachokwadi norudaviro rwakasimba mwoyo yedu yakasaswa isina chinorovesa hana nemiviri yakashambidzwa nemvura yakachena. 23Ngatichengetedzei zvakasimba chitendero chezvatinotarisira tisingazungunutswi nokuti iye akatsidza anotendeka. 24Ngatinyatsofungisisai nzira dzokukurudzirana rudo namabasa akanaka. 25Tisaregere kusangana setsika inoitwa navamwe asi kuti tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva riya ravakusvika.
Njodzi yokupandukira Mwari
26Nokuti tikaramba tichingotadza zvedu isu tichiziva, isu takambogamuchira ruzivo rwechokwadi, hapazovezve nechibayiro chezvitadzo 27asi kungotarisira kutonga kunotyisa nomoto unotyisa uchaparadza mhandu. 28Munhu anotyora Mutemo waMosesi anouraiwa zvisina tsitsi paine zvapupu zviviri kana zvitatu. 29Ko kutozoti munhu anotsokodzera Mwanakomana waMwari achin'oresa ropa rechitenderano rakamuita mutsvene achishatirisa Mweya wenyasha, acharangwa zvakaipisisa sei? 30Inga tinoziva wani iye akati “Kutsiva ndokwangu, ndichatsividza.” Uyezve anoti, “Tenzi achatonga vanhu vake.” 31Chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.
Zvinotipa kutirira
32Asi yeukai, mazuva akare kuti mushure mokunge mavhenekerwa mukatirira matambudziko akaomarara. 33Dzimwe nguva maipinda mukutukwa nokutambudzwa pazere vanhu kana kubatanidzirwa navanenge vachiitirwa zvakadaro. 34Pamusana pokuti imi maiva netsitsi navasungwa uye maigamuchira nomufaro kupambwa kwezvinhu zvenyu nokuti imi pachenyu munoziva kuti mune chamuinacho chiri nani chinogara nokusingaperi. 35Nokudaro musarase chivimbo chenyu chino mubayiro mukuru. 36Munofanira kutirira kuti muite kuda kwaMwari kuitirawo kuti mugamuchire zvakatsidzirwa zvinoti:
37“Kwangosara kanguva kaduku duku
uya anonzi achauya ari kuuya, haachanonoki;
38asi mururami wangu achararama nokutenda
asi akadzokera shure handimufariri.”
39Asi isu hatisi vaya vokudzokera shure vanoparadzwa asi isu tiri vanhu vane chitendero vanoponesa mweya yavo.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: