VaHebheru 2
2
Ruponeso rukuru
1Naizvozvo tinofanira kunyatsobatisisa zvatanzwa, kuti tirege kurasika, tonanga mutome. 2Nokuti kana shoko riya rakarehwa navatumwa riri rechokwadi, uyezve kana kukanganisa kose nokusateerera kwakapihwa chirango chakaenzanirana nazvo, 3ko, isu tichazopunyuka napapi kana tisina kuita hanya noruponeso rwakakomba kudai? Ndirwo rwakataurwa naTenzi pokutanga, rwukatsinhirwa kwatiri navavo vakamunzwa. 4Mwari akarupupurirawo nezvioneso, nezvishamiso, nezviratidzo, zvorudzi norudzi nezvipo zvaMweya Mutsvene zvaaipa samadiro ake.
Kristu ndiye anotungamirira kuruponeso, kwete vatumwa
5Mwari haana kuisa pasi pavatumwa nyika ichauya, yatiri kutaura nezvayo. 6Zvakapupurirwawo kumwe zvichinzi, “Iye munhu chiikowo zvake wamunorangarira?
“Iye munhuwo zvake wamunochengeta.
7Kwechinguvana mukamuita kuti ave mudiki kuvatumwa,
mukamupfekedza ndaza nembiri norukudzo.
8Makaisawo zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”
Pamakaisa zvinhu zvose pasi pake,
haana kusiya nechinhu chose chisiri mumaoko ake.
Iye zvino hatisati zvedu toona
zvinhu zvose zviri pasi pake.
9Asi tinoona Jesu, iye akamboitwa muduku panavatumwa kwechinguvana achidzikwa chiremba chembiri nokukudzwa, pamusana pamarwadzo erufu kuti anzwe chinonzi rufu nenyasha dzaMwari, achifira munhu wose. 10Zvaikodzera kuti muridzi wezvinhu zvose, iye nyakuita kuti zvivepo, zvaaida kuendesa vana vazhinji mumbiri, aite kuti namatambudziko, mutungamiriri wavo ave wakaruramisisa.
11Nokuti iye munatsi wavanhu, naivo vakanatswa, vanobva padzinde rimwechete. Ndokusaka asinganyari kuvati hama, 12paya paanoti,
“Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu,
ndichakurumbidzai ndiri mukati meSangano.”
13Napamwezve paanoti;
“Ndichaisa chivimbo changu maari.”
Pamwezve achiti;
“Ndiri pano navana vaakandipa Mwari.”
14Naizvozvo, pamusana pokuti vana vedzinza inyama imwechete neropa rimwechete, ndokusaka iyewo akava nyama imwechete neropa rimwechete nesu, kuti norufu rwake agoparadza simba rouyo ainge aine simba rorufu, Satani. 15Uyezve kuti agozosunungura avo vose vakagara upenyu hwavo hwose vari nhapwa dzokutya rufu. 16Zviri pachena wani kuti vaakatora akabatsira havasi vatumwa asi vana vechizvarwa chaAbhurahamu. 17Naizvozvo, aifanira kuva sehama dzake muna zvose, kuti ave mupristi mukuru ane tsitsi, anotendeseka mubasa raMwari, anoripirawo zvitadzo zvavanhu. 18Nokuti iye pachake akatambudzika akaedzwa, anokwanisawo kubatsira avo vanoedzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: