VaHebheru 6
6
1Naizvozvo ngatichimbosiyai zvidzidzo zvechikristu zvokutanga, tiende mberi kuzvidzidzo zvechikuru, tirege kunge tichadzokerazve mukuvaka ugaro hwezvokupinduka kubva kumabasa akafa, nehwezvechitendero kuna Mwari kana kuti 2nezvidzidzo zvoruombeko rwakasiyana–siyana, kana nezvokuisa vanhu maoko pamusoro, kana kutiwo nezvokumuka kwavakafa, kana nezvokutongwa kunogara nokusingaperi. 3Izvi tichazviita zvedu kana Mwari achitibvumira. 4Nokuti hazvikwanisiki kudzora vanhu vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chedenga, vakagoveranawo Mweya Mutsvene, 5vakaravira kunaka kweShoko raMwari nesimba roupenyu huchauya, 6asi vakazorasika; nokuti vanoroverera mavari ivo Mwanakomana waMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena. 7Zvinodaro nokuti ivhu rinonwa mvura inowanzorinaya richizobereka zvirimwa zvinobatsira vazvakarimirwa, rinokomborerwa naMwari. 8Asi kana robereka minzwa nedonzvambeva nesosowori, harina maturo. Ratova padyo nokunyobwa; mugumo waro kupiswa.
9Kunyange zvedu tichitaura nomutowo iwoyu, asi kwamuri, vadikanwi, tinechokwadi chokuti munezvinhu zviri nani zvoruponeso. 10Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita. 11Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo, 12kuti murege kungoneta–neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo.
Kuvimbika kwaMwari
13Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye, 14zviya zvaakati, “Zvirokwazvo ndichakukomborera chaizvo nokuita kuti uwande.” 15Saka nokutirira kwake Abhurahamu akawana chaakanga atsidzirwa chiya.
16Vanhu vanopika nomukuru kupinda ivo. Naizvozvo, kana pane gakava pakati pavanhu, vanozopedzisira nokupika, kuti vasimbisise zvavanotaura. 17Naizvozvo Mwari paakanga achida kunyatsosimbisisa, kuvadyi venhaka yechipikirwa kuti zvaanenge atema hazvipinduki–pinduki akazvitsinhira nemhiko. 18Uku kwaiva kuti nezvinhu zviviri zvisingasanduki isu vapoteri tiwane chingatikurudzire kubatisisa chitarisiro chatakapiwa nokuti mune zvizvi zviviri Mwari haagoni kutinyengedza kwete. 19Ichi ndicho chitsigiro chomweya chezvirokwazvo, chitarisiro chinopinda munzvimbo tsvene iri seri kwejira rokudzikatirisa, 20kwakafanopindwa naJesu nokuda kwedu zvaakanga ava Mupristi mukuru nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: