VaHebheru 8
8
B: UPRISTI HWAJESU HUKURU
Jesu mupristi wedu mukuru
1Chikuru chatiri kutaura apa ndechichi chokuti, tine mupristi mukuru agere kurudyi rwechigaro choumambo choukuru–ukuru chokudenga. 2Ndiye mushandiri womuNzvimbo Tsvene, tendhe rechokwadi risina kumiswa navanhu asi naTenzi.
3Mupristi mukuru oga oga anogadzwa kuti apire zvipo nezvibayiro. Naizvozvo mupristi iyeyo anofanira kuva nezvipo zvaanopira. 4Zvino dai kuri kuti aripo pasi pano haaizombova mupristi zvapane vapristi vanopira zvipo maererano nomutemo. 5Vanonamata muNzvimbo inoera inongova somufananidzo nomumvuri weiri kudenga nokuti Mosesi paakanga ava kuvaka tendhe akataurirwa naMwari achinzi, “Ona kuti waita zvose maererano nezvawakaratidzwa pagomo.” 6Asi zvino Jesu akawana basa rakatonakisisa kupinda rakare. Pamusana paizvozvo ndiye ava muyananisi wechitenderano chiri nani chakaitwa nezvitsidzo zviri nani. 7Dai kuri kuti chitenderano chokutanga chakanga chisina chakaipa pachiri pangadai pasina zvokuchitsiva nechechipiri. 8Mwari anovapa mhosva paanoti,
“Zvanzi naTenzi
chionai mazuva achasvika
andichaita chitenderano chitsva
nemba yokwaIsiraeri nevemba yokwaJudha.
9Chichange chisina kufanana nechitenderano
chiya chandakaita namadzitateguru avo,
pazuva randakavabata ruoko
ndichivaburitsa munyika yeIjipiti
nokuti havana kuenderera mberi
nechitenderano changu navo
nokudaro handina kuzoita hanya navo.”
Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
10Ichi ndicho chitenderano chandichaita
neveimba yokwaIsiraeri
mushure mamazuva iwayo
ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Ndichaisa mitemo yangu mupfungwa dzavo
ndigoinyora mumwoyo mavo,
ini ndichava Mwari wavo,
ivowo vachava vanhu vangu.
11Hapana achadzidzisa mumwe
achiti kuna mumwe, “Ziva Tenzi”
nokuti vose zvavo vachandiziva
kubvira pamuduku–duku wavo chaiye
kusvikira pamukuru wavo chaiye
12nokuti ndichavanzwira nyasha pazvitadzo zvavo
uye zvitadzo zvavo handichazombozvirangaririzve.
13Nokutaura nezvechitenderano chitsva,
Mwari ari kutoita kuti chakare chinzi chitsaru.
Chinhu chinenge chava kusakara,
chavakuchembera chinobva chazorova.
Zvasarudzwa nguva ino
VaHebheru 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: