Isaya 30
30
Chibvumirano nevaIjipiti chenhando
1Zvanzi naTenzi,
“Mune nhamo imi,
mhandupandu dzavanhu.
Munotoita zvenyu zvamunenge maronga imi
Musingaite zvangu ini.
Munotoita zvenyu bangano
risinei zvaro nemweya wangu
muchitowedzera zvenyu chitadzo
pamusoro pechimwe chitadzo.
2Munotopinda munzira
kudzika kuIjipiti nhai
musina kana kutombobvunza zvenyu
zano rangu.
Kundopotera kwaFarao here
kuti mudzivirirwe naye
nokundotsvaka zvenyu iyeyoka,
dumba nomumvuri weIjipiti nhai?
3Naizvozvo kudzivirira kwaFarao ikoko
kuchapinduka kukakunyadzisai,
iye dumba nomumvuri weIjipiti
opinduka ova anokunyadzisai.
4Chiripo ndechokuti,
kunyange zvazvo makurukota enyu
ava ikoko kuguta reZoani,
vamiririri venyika yenyu
vatosvikawo nokuguta reHanesi,
5munhu wose zvake achanyara
navanhu vasina chavanovabatsira
vasina rubatsiro kana chimuko
asi kunyara nokunyadziswa.”
Chirevo kuzvikara zvokumaodzanyemba
6Munotakura imi upfumi hwenyu
muchipfuura nokuNegevhu kunopisa,
nomo munyika yenhamo namatambudziko
ine shumba hadzi nehono
nenyoka dzinouturu nenyoka dzinobhururuka,
makahutakudza
pamisana yemadhongi
uye upfumi hwenyu makahutsiga
panyundhwa dzengamera
muchienda nahwo kuvanhu
vasina nechavanobatsira
7nokuti rubatsiro rweIjipiti
haruna chimuko haruna kana maturo,
ndokusaka ini ndaitumidza zita rokuti,
“NdiRahabhu shumba isina meno.”
Vanhu vane musikanzwa
8Zvino wochienda
uzvinyore pafendefa vachiona,
unyore izvozvo mubhuku
kuitira kuti mune ramangwana
zvizova chapupu nokusingaperi
9pamusana pokuti
imhandupandu dzavanhu
vanakomana vanoreva nhema
vanakomana vasinganzwe
zvinorehwa naTenzi.
10Vanototi zvavo kuvaoni,
“Zvokuona chiregai,”
kuvaporofita uku vachitoti,
“Zviratidzo zvamunotionera
ngazvirege kuva zvechokwadi,
ingotitaurirai zvenyu
zvinhu zvisina kuomarara,
titaurirei zvinhu pasina.
11Siyanai negwara iroro
mutsauke panzira iyoyo
tirege kuramba tichinzwa
nezvaiye Anoera waIsiraeri.”
12Ndokusaka zvanzi naiye Anoera waIsiraeri
“Pamusana pokuti imi
muri kuramba shoko irori
muchivimba nokuonesa vanhu ndondo nouipi
muchibva mazendama chaizvo pazviri,
13naizvozvo uipi ihwohwu huchakupfukirai
sezvinoita rusvingo rurefu rune mutswe,
runofutunukira kunze,
runoti kana rwokoromoka
runobva rwati pakarepo
pasi rikiti nenguva isipi,
14rune mupwanyikiro
unenge wehari yomuumbi
inenge yabhwadurirwa pasi
zvine utsinye zvokuti
hapana kazenga kayo
kanowanika kwokutapisa moto
kunyange kwokutekesa mvura
mumugodhi wemvura,”
15nokuti zvanzi naTenzi Mwari,
iye Anoera waIsiraeri,
“Ruponeso rwenyu ruri mukudzokera kwenyu
kwandiri nomukuzviisa kwenyu mumaoko mangu.
Simba renyu riri mukunyarara
nokuvimba neni,”
asi imi munoramba
16asi chamunototaura ndechokuti,
“Aiwa, nokuti tichamhanyisa kwazvo tiri pamabhiza,”
Saizvozvo muchamhanya chaizvo.
Uye munoti,
“Tichati karakata kutasva
pamabhiza emikono anoribiduka kumhanya,”
saizvozvo mucharondwa navanomhanya chaizvo.
17Chiuru chenyu chichatiza
munhu mumwechete
Masoja mashanu chaiwo
achaita kuti muti ware kutiza
muchisara mangoita,
sechimuti chemureza pamusoro pegomo,
somureza pachikomo.
18Naizvozvo Tenzi anomirira
kuti akuitirei zvakanaka.
Naizvozvo anofarira kwazvo
kukuitirai tsitsi
nokuti Tenzi ndiMwari woruenzaniso.
Vakakomborerwa zvavo vose vanomumirira.
Kukomborera kuchaita Mwari vanhu vake
19Hongu, imi vanhu veZioni munogara muJerusaremu hamuchazombochemazve. Achanyatsokuitirai nyasha paanonzwa kuchema kwenyu, paanongokunzwai achakupindurai. 20Kunyange zvazvo Tenzi achikuitai kuti zvimhingamupinyi zvive chokudya chenyu nhamo iri mvura yenyu yokunwa, Mudzidzisi wenyu haachazvivanzi kwamuri. Asi kuti imi nameso enyu muchatoona Mudzidzisi wenyu 21uye kuti pamunenge mava kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe muchatonzwa inzwi munzeve dzenyu richiti, “Nzira ndeyiyi itevedzei iyoyo.” 22Muchaona sezvinhu zvakan'ora zvifananidzo zvokunamata zvakanamirirwa nesirivha yako nezvifananidzo zvokunamata zvoutare hwakanyungurutswa zvakanamirirwa nendarama yako. Muchazvirasa serengenya rine tsvina muchiti, “Ngazvitibvire.”
23Achapa mvura yokuti mudyarise mbeu dzenyu. Mbesa dzinobva muvhu imomo dzichange dzakawanda dzakakora. Panguva iyoyo mombe dzenyu dzichafura mumafuro akakura. 24Nzombe dzenyu namadhongi okurimisa dzichadya zvokudya zvakaiswa munyu hwakasandurudzwa nefoshoro neforogo. 25Pamakomo ose marefu nomuzvikomo zvose zvakareba muchave notukova tune mvura inoerera pamusi ucharakashwa vanhu kuuraya pachapunzika nharire. 26Chiedza chomwedzi chichaita sechiedza chezuva uye chiedza chezuva chinenge chakapetwa kanomwe sokunge chamazuva manomwe pazuva iroro Tenzi paachasunga makatyoka vanhu vake achiporesa maronda avakakuvadzwa nokurohwa.
Kuranga kuchaita Mwari vaAsiria
27Chinzwai munzwe,
Tenzi anouya muzita rake#30:27 Tenzi anouya muzita rake: ChiHebheru chinoti Zita raTenzi richauya.
achibva kure kure
akaviruka nehasha dzake
ari muutsi hwakati kwirindindi
huri kutogoka mudenga
nomuromo wake ari kutaura
ari kutaura azere nehasha,
rurimi rwake
ruchinge moto unopisa
28kufema kwake
kuchiita sorukova rwuzere
runosvika mumutsipa
kuti azungure marudzi avanhu
norusero rwokuparadza
nokuzoisa pashaya dzendudzi dzavanhu
matomho okuvateteresa mutome.
29Muchaimba rwiyo serwousiku hunochengetwa
zuva guru rinoera
muchifara mumwoyo umu
sezvinoita munhu anopinda munzira
aine mumhanzi wenyere
achikwira kugomo raTenzi
kuna iye Bako raIsiraeri
30Tenzi achaita kuti vanhu vanzwe
izwi rake roukuru
achaitawo kuti shamhu yoruoko rwake ionekwe
inenge yatozomoka kuzorova
nehasha dzinotyisa nerimi romoto unororomesa
uine gore raita zvokuwodzvoka kunaya
nedutu nemhepo huru ine simba rechimvuramabwe.
31VechiAsiria vachatya kwazvo
vachinzwa izwi raTenzi
paanovarova netsvimbo yake.
32Shamhu yose yose yokuranga
yavanorohwa naTenzi,
inenge ichipembererwa nomumhanzi
wengoma nezvipendani;
achiita hondo,
muruoko shamhu achiivheyesa mudenga
achirwisana navo
33nokuti nzvimbo yokupisira#30:33 Yokupisira: Topeti.
yakatogadzirirwa kare
yokuitira mambo#30:33 Mambo: Kana kuti Moreki iyeyu,
yakatogadzirirwa kare.
Gomba rayo rakaitwa rakadzika
uye rakafutunurwa kwazvo
pamwechete nemoto nehuni zvakawanda,
femo raTenzi
rinoita sekakova kedombo regwenya
ndorinoritungidza moto.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 30: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: