Isaya 52
52
Mwari achanunura Jerusaremu
1Muka, muka,
usunge dzisimbe,
iwe guta reZioni.
Pfeka hanzu dzako dzakanakisisa;
iyewe Jerusaremu, guta rinoera,
nokuti mauri iwe
hamuchazombopinda zvamo
vasina kudzingiswa
kana vakan'ora.
2Ibva muvhu, umuke,
ugare, iwe Jerusaremu musungwa,
bvisa majoti muhuro mako,
iwe nhapwa, mukunda,
guta reZioni.
3Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi, “Pamakatengeswa hapana chakaripwa, saizvozvowo kununurwa kwenyu hapana mari inobviswa, 4nokuti zvanzi naTenzi Mwari, pakutanga imi vanhu vangu makaenda kuIjipiti mukambondogara ikoko uyewo vechiAsiria vakazokuonesai nhamo mahara. 5Zvino pakadai apa, changu chaizvo chiiwo ipapa, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, zvichinyatsoonekwa kuti vanhu vangu vari kungotorwa zvavo mahara? Tenzi ari kuti vatongi vavo vari kugurukuta, zita rangu richisweroshorwa. 6Naizvozvo vanhu vangu vachaziva zita rangu. Nokudaro, zuvaro vachazivawo kuti ini ndini Iye Ari ndiri kutaura kudai, iyeni pano.”
Tsoka dzeanouya neshoko rakanaka rorugare
7Hakusi kunaka ikoko, pamakomo,
kwakaita tsoka dzaanouya
neshoko rakanaka,
anoparidza vanhu
shoko rorugare
achiunza shoko rakanaka
shoko rezvakanaka,
anoparidza vanhu
shoko roruponeso
achiti kuguta reZioni,
“Mwari wenyu
ndiye anotonga.”#52:7 Tarisa VaRoma 10:15
8Teerera unzwe
zvoita vachengetedzi veguta
havo vodaidzira
voimba pamwechete norufaro
nokuti vari kunyatsozvionera nameso
kudzoka kwaTenzi kuZioni.
9Chitsemurai mumhanzi pamwechete,
imi matongo eJerusaremu
nokuti Tenzi ava kunyaradza
vanhu vake
ava kuzonunura Jerusaremu.
10Tenzi ava kuratidza
simba roruoko rwake runoera
ndudzi dzose dzavanhu dzichiona
kwose zvako nekwakaperera nyika
vachaona ruponeso rwaMwari wedu.
11Chibudai chibudaimo muBhabhironi#52:11 MuchiHebheru hamuna kunyorwa kuti Bhabhironi; makangonzi chibudaimo asi muri kurehwa ndimo muBhabhironi.
musambobata zvenyu
chinhu chakan'ora!
Budai mukati maro
zvichenurei imi pachenyu
imi vatakuri vemidziyo yaTenzi,
12nokuti kubuda hamusi kuzobuda zvechimbichimbi,
hamusi kuzobudamo zvekutiza
nokuti Tenzi achakutungamirirai,
Mwari weIsiraeri achakuperekedzai
ari necheshure.
Muranda waMwari, muranda wenhamo
13“Inzwai munzwe,
muranda wangu achabudirira,
acharumbidzwa,
achasumudzirwa pamusoro
achiva wapamusorosoro.
14Sezvakaitika kuti vazhinji vakakatyamara naye
asisatarisike zvakanaka,
asisamboonekwa somunhu.
Chimiro chake
zvokuti munhu pasisina,
15Ndudzi dzakawanda
dzichaomawo mate mukanwa nazvo,
madzimambo chaiwo
achibatawo muromo pamusana pake,
nokuti zvavasati vambotaurirwa zvavo
ndozvavachaona
nezvavasina kumbonzwa
ndizvo zvavachazonzwisisa.”
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 52: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: